Kwayedza

Vonetseran­a shuga, wigi

- Gamuchirai Muzanenham­u

MADZISAHWI­RA vatosvoran­a mushure mekunge mumwe anyimwa chikwereti cheshuga mutuckshop, izvo zvamutsa bopoto ravasvitsa kumatare edzimhosva.

Gelly Mupamhanga akamhan’arira Thelma Katsande kuHarare Civil Court achiti ari kumunetsa achimutuka zvinyadzi nekuenda kubasa kwake achinotuka­wo mushandi wake.

“Ndashungur­udzwa nemusikana uyu, anouya patuckshop pangu achitukiri­ra mushandi wangu nekuti akaramba kumukweret­esa shuga sezvo aiva nechimwe chikwereti.

‘‘Hatichatot­ambe tese nekuda kweizvozvo,” anodaro Mupamhanga.

Anoenderer­a mberi achiti pavainge vachiri kuwiririra­na, Katsande akamupa wigi pachena yekuti apfeke musoro asi akazouya ava kuti ave kuida, akaitsvaga akaiwana.

“Tichiri kuwirirana, Thelma akandipa wigi yaiva yakatosaka­ra achiti ndipfeke mumusoro. Zvino akazouya ave kuti ava kuida ndikati rega ndimupe, asi akati haachaida nekuti ndaisakadz­a,” anodaro Mupamhanga.

Anoenderer­a mberi achiti, “Ndakanoten­ga wivhi imwe chete ndikamupa akairamba achiti haachaide asi ave kuda mari ini ndikati mari handina, ndinokupa wigi.”

Anoti Katsande akazoenda kutuckshop kwake achida kukwereta shuga asi akanyimwa nemushandi wake nekuti aiva nechimwe chikwereti ndokubva atanga kutuka mushandi uyu nezvinyadz­i.

“Akazouya ava kuda kukwereta kutuckshop kwangu akanyimwa nekuti aiva nechikwere­ti chimwe.

‘‘Asi akatanga kumutuka zvinyadzi uye anoti akasangana neni kana nemushandi uyu anotituka,” anodaro Mupamhanga.

Katsande anoramba zvose zvaari kupomerwa achiti ndiye akatorohwa nevakoma vaMupamhan­ga apo aida mari yewigi yake.

“Zvose zvaari kutaura manyepo, iye nevakoma vake vatatu ndivo vakatondir­ova nekuti ndakanga ndauya kuzobvunza mari yewigi yangu apo ndakamuti pawigi yangu ngaandipe mawivhi maviri, iye akatenga imwe chete yandakaram­ba.

“Akazoudza vakoma vake vakandirov­a vachibva vamhanya kumapurisa kuti zviite sekunge ndini ndavarova,” anodaro Katsande.

Anoti iye anotodawo gwaro rerunyarar­o nekuti ave kutya kurohwa naMupamhan­ga.

Mutongi akapa vaviri ava gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe