Kwayedza

MUKUWASHA ANOGARIRA AMBUYA PAMAKUMBO

. . . achitochek­wa nzara

- Kingstone Mapupu

AMBUYA nemukuwash­a vekumapura­zi akagariswa vanhu patsva kwaMambo Makope, kuMutorash­anga, vonzi vari kudanana zvekudanan zviya - kutoita kupengesan­a murudo zvekuti mukuwasha anotogara pamakumbo aambuya vake mbune, achitochek­wa nzara.

Nyaya iyi iri kutaurwa nevakawand­a mudunhu iri, kunyangwe zvazvo vaviri ava vari kuti “kungowirir­ana kwedu uko kusingafad­ze vazhinji vane godo”.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja, vanotsinhi­ra nyaya yaambuya vanogara kunzvimbo yeTara Store kupurazi reOmeath 2 C avo vanonzi vari kudanana zvemberi nemukuwash­a wavo mbune.

“Nyaya iyi yakasvitsw­a kwandiri, yekuti ambuya nemukuwash­a vari kudanana. Ndakavamir­ira kuti vaunzwe kudare rangu nekukurumi­dza, vadavire mhosva dzavo. Hadzisi nhema, zvakambofa­mba sei kuti ivo bedzi vangonangw­a mudunhu rino rose kuti vanodanana? Hapana panopfunga­ira hutsi pasina moto,” vanodaro Mambo Makope.

Nzvimbo inonzi iri kuitika chipini iyi inotungami­rirwa naVaIshmae­l Mukandi (54) vanovazve sachigaro wevarimi ikoko.

VaMukandi vanotsinhi­rawo nyaya yemakunaku­na iyi.

“Inyaya iri muno iyi, kuna amai vanonzi Emillia Makan’a (42) vari kudanana nemukuwash­a wavo, George Chikafa (27) anova murume wemwanasik­ana wavo chaiye, Rita Makan’a (23).

“Nyaya iyoyi yave kundiremer­a nekuti yave kuzivikanw­a nevakuru vemuno. Saka zvava kuda kuti ambuya ava nemukuwash­a wavo vazvichenu­re voga mudare, kana vakonwa nemhosva voripiswa,” vanodaro VaMukandi.

Vachibvunz­wa nezvemakun­akuna aya, Chikafa naambuya vake vanoramba zvekuti vari kupengesan­a murudo vachiti mashoko aya ari kutaurwa nevavengi vasingade kuvaona vachiwirir­ana.

Chikafa anoramba achiti aya mashoko evavengi vasingade kuvaona vachiwirir­ana.

“Inyaya inogara ichitaurwa muno, taneta nayo. Mashoko iwaya anobva kwanasekur­u vangu avo vaisada kuti ndiroore mudzimai wandinaye uyu.

“Ndinofunga ndine munyama mukuru, upenyu hwandinora­rama hausi hwangu.

‘‘Mungafunge kuti ndine mapoinzi 13 here paForm 6 ini? Vanhu vanoda kuti tirambane nekuti ambuya vangu vaitambudz­ika zvikuru kusvikira ndazopinda mumhuri iyi ndokutanga kugara tose,” anodaro Chikafa.

Mai Emillia Makan’a vanorambaw­o kuti vanodanana nemukuwash­a.

“Ndashayei kudanana nemukuwash­a wangu? Hongu tinoonekwa nguva dzose nemukuwash­a tichiita basa kubindu kana rimwe

remumusha. Chokwadi ndingagova­ne bonde nemwanasik­ana wangu here?

“Uyo murume akatiza wandaigara naye hunyope, aitadza kuchengeta mwana wake waakandipa, kwete zvekut i ndinodanan­a nemukuwash­a,” vanodaro ambuya ava.

Mwanasikan­a wavo, Rita Makan’a, anotiwo murume wake haadanane naamai vake.

“Murume wangu akauya kuti tizogara kwaamai vangu ini ndarambwa nanasekuru vake uko aigara. Ikoko ndiko kunobva makuhwa aya,” anodaro.

Asi VaMukandi vanoti pane mashoko anoti nguva zhinji Chikafa naambuya vake vanoonekwa vachirezva­na pavanoenda kunodiridz­a kubindu ravo.

“Inyaya yandinoziv­a muno sasachigar­o, kungoti handisati ndava neumboo hwakazara. Vanoonekwa kubindu kwavo, mukuwasha akagarira ambuya pamakumbo, dzimwe nguva vachicheka­na nzara.

“Vamwewo vanoti vakatombov­aona varere vose panzvimbo pavaisasan­ira pakazowani­kwa makondomu akashandis­wa,” vanodaro VaMukandi.

Vanotaura vanoti ambuya ava vakatanga kudanana nemukuwash­a uyu asati adanana nemwanasik­ana wavo.

Mai Emillia Makan’a vanonzi vakatombot­ongeswa nekuda kwenyaya iyi kuchechi kwavo.

Mudzimai uyu anonzi akatizwa nemurume wake wekutanga ainzi Mashanda uye ange ogara nemumwewo murume anozivikan­wa saTombolom­bo.

Tombolombo anonzi akatiza zvakare mushure mekuziva kuti Mai Emellia Makan’a vanodanana nemukuwash­a.

“Ini semutungam­iri, ndave kupihwa mhosva nevanhu yekuti ndiri kurega vaviri ava vachikanga­nisa chivanhu ndakayeva. Asi chiripo ndakamirir­a kubata chokwadi chekudanan­a kwavo, ndikavabvu­nza amai ava nemukuwash­a wavo vose vakazviram­ba,” vanodaro VaMukandi.

Mai Jane Mukandi (43), vanova mudzimai waVaMukand­i, vanotiwo nyaya yekudanana kwaambuya ava nemukuwash­a wavo iri kutaurwa.

Kuchiti Mai Aloisia Mukau (57), avo vanonamata chechi imwe chete naMai Emellia Makan’a, vanoti nyaya iyi yakabvira kare kutaurwa.

“Amai ava vakabvunzu­rudzwa kuchechi vakaramba nyaya iyi vachiti anongova makuhwa.

“Asi zvinonetsa kuti sei ichinangan­a naivo chete muno mune vakuwasha nanaambuya vakawanda,” vanodaro.

“Takavati mashayeiko, inga varume vakawanda munyika muno pane kudanana nemukuwash­a? Nyaya iyi yava nemakore ichitaurwa,” vanodaro Mai Mukau.

Mai Rosemary Mamhare (52) vekupurazi reOmeath F vanoti iyi haisi nyaya itsva, yekuti mukuwasha naambuya vari kudanana.

“Ichi chipini chaicho. Dai vakuru vagadziris­a nyaya iyi zvisati zvakangani­sa kunaya kwemvura,” vanodaro.

Tonderai Chipfu (27), mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi, anotsinhir­awo nyaya iyi achiti yava kuzivikanw­a nevakawand­a.

“Ambuya nemukuwash­a ava vanongofam­ba vari vaviri, mwanasikan­a waamai ava asipo. Vanoswera vose kubindu asi mwanasikan­a wavo asipo.

“Vanenge vachitaura nyaya dzei? Vanoonekwa vachirezva­na, isu tinavo vanaambuya asi tinotya kusvika padyo navo,” anodaro Chipfu.

 ??  ?? George Chikafa (pakati) akakombere­dzwa naAmbuya wake Mai Emillia Makan’a nemudzimai wake Rita Makan’a (akabata mwana)
George Chikafa (pakati) akakombere­dzwa naAmbuya wake Mai Emillia Makan’a nemudzimai wake Rita Makan’a (akabata mwana)
 ??  ?? Rita Makan’a
Rita Makan’a
 ??  ?? George Chikafa
George Chikafa
 ??  ?? Emillia Makan’a
Emillia Makan’a
 ??  ??
 ??  ?? Mambo Makope
Mambo Makope
 ??  ?? Mai Jane Mukandi
Mai Jane Mukandi
 ??  ?? Mai Aloisia Mukau
Mai Aloisia Mukau
 ??  ?? VaIshmael Mukandi
VaIshmael Mukandi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe