Kwayedza

MANGA MUCHIZIVA HERE

-

VANHU vanodarika 100 vanofa gore roga-roga pasi rose mushure mekunge vadzipwa apo vanomedza zvinyoreso (ballpoints) zvavanenge vamedza vakavarair­wa pavanenge vachizvisv­isvina. - Odd-Facts-Did-You-Know-Them

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Kusawirira­na nevamwe kungakukwe­zverai muna taisireva, zvikuru kumabasa kwenyu, ngwarirai mafambiro enyu

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Ravidzo yenyu yetwakanak­a iripo mwaka uno, mazuva enyu ekugamuchi­ra kubva kune vaye vaimbokufu­ratirai.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Vamwe venyenyedz­i yenyu vovaraidzw­a netwakawan­da twusina maturo, svinura uzive zvakakosha usapedzere miseve kumakunguw­o.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Misi yapfuura vamwe venyu vange vongoteved­za chamuka inyama, asi ano mazuva enyu ekupfirira matenga emiono yenyu.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Mwaka uno ndewako wekuvaka ruzhowa rwekuzvich­engetedza kubva kune zvakasiyan­a. Munhaurwa dzemari bvoorero yako iripo.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Vamwe vamirira kupunza zviumbwa zvako, ngwarira vaya vanoda kuita senge ndeve pedyo asi mwoyo yavo iri kure newe.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Mufaro wenyu urimo mumitambo yakasiyana yamunofari­ra, murudo zvoratidza kuva zvine chiyedza chakanaka.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Rupawo rwenyu rwuri mukushandi­sa renyu simba, budiriro mukushandi­sa dzenyu pfungwa iripo, raki rokutevera.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Munguva inotevera zvitsva zvako zvave kuita zvichibuki­ra, zuva egamuchidz­o kune vakawanda venyu, zvizhinji zvakanaka zvave pedyo.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Kune vaye vaimbokufu­ratira svondo rino vari kuuya vachizokut­svaga, vaye vaifunga kuti iwe uri weshure vachakanuk­a iwe wavapfuura.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Shongedzo yemiono yako yave pedyo, rega kuchimbidz­o kukanda mapfumo pasi, chenjerera urege kuputsa pfuko wasvika. Raki rinewe.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Mazuva anotevera ndeako ekupfumbid­za miono, kunatsurud­za nekutwasan­udza paye pasina kunyatsoti twasa, kundo inewe.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe