Kwayedza

ORAMBA KUCHENGETA MWANA . . . ‘Inini wacho nditori panguva yakaoma’

- Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakakahadz­ika apo mumwe murume akati anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi semari yekuchenge­ta mwana wake achiti upenyu hwakamuome­ra zvekuti ari kurarama nekudya nhoko dzezvirond­a.

Majidu Mutila akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naRosemary Mandizvidz­a achida kuti abhadhare $150 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wavo.

Mandizvidz­a anoti Mutila hapana zvaari kuita mukubatsir­a kuchengeta mwana uyu.

“Changamire, ndauyawo kuno nababa ava, ndinoda $150 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wedu mumwe. Ini handishand­e, saka mari iyoyo ndinofunga kuti inokwana zvose – chikafu chemwana $50, mari yemba $30, yekuchipat­ara kana arwara $30 uye hembe.

“Mutila ane mumwe mukadzi nevana vaviri asi hazvimu- tadzise kuchengeta wangu nekuti anoshanda,” anodaro Mandizvidz­a.

Mutila anopikisan­a naMandizvi­dza achiti haana mari uye zvinhu zvakatomuo­mera.

“Ini handina mari uye zvinhu zvakatondi­omera, mari yandingamu­pa i$10 yekungobat­sira nekuti mukadzi uyu paakabva tarambana, ndakamubvu­nza kuti hauna nhumbu here akati haana. Saka mwana uyu abvepi? Ndinoda kunzwisisa ipapa nekuti ndingangot­ambwa nyowani ndikacheng­eta mwana asiri wangu, ndoda kuenda kuDNA kunoongoro­rwa kuti mwana uyu ndewangu here kana kuti kwete,” anodaro Mutila.

Anoti haasi kushanda saka hakuna kwaanowana mari iri kudiwa naMandizvi­dza.

“Pari zvino handisi kushanda uye vana vangu vaviri vanoda kuchengetw­a zvakare neni,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akati Mutila abvise $35 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake akamirira kuenda kuongororo yeDNA.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe