Kwayedza

‘CHITUNHA CHEMWANA CHAKAVIGWA MUHOZI’ ‘. . . chiri kushandisw­a nemishonga’

- Kingstone Mapupu

MWANA mukomana wemubhuku raNyadema, mudunhu raMambo Mangwende kuMacheke —uyo akangotsak­atika mugore ra2013 -ava kunzi akapondwa, mutumbi wake ndokuiswa muhozi yeimwe mhuri, umo wakasandur­wa kuita mushonga uri kushandisw­a sedivisi rekurima.

Farai Pise anonzi akanyangar­ika aine makore 13 okuberekwa apo aishanda semufudzi wemombe pane mumwe musha weko.

VaInnocent Choto (39), avo vanova sekuru vaFarai, vanoti zvinorwadz­a kuti kubva mugore ra2013 kusvika izvozvi, havazive kuti muzukuru wavo mupenyu here kana kuti akafa.

“Mwana uyu ndisu taimurera pano sezvo baba vacho tisina kuvaziva. Hanzvadzi yangu iyo yakashaika mugore ra2002 ndiye akamitiswa ndokusiya mwana uyu. Ndakazongo­fonerwa ndichiudzw­a kuti mwana uyu ashaikwa uye kusvika nanhasi hatina kana kuona mutumbi wake, kana kunzwa kuti akaendepi,” vanodaro.

Farai anonzi akashaika apo aigara naambuya — amai vaamai vake — Mbuya Ruth Gunda (69).

“Takaedza kutsvaga mwana uyu kubva musi waakashaik­wa — musi wa26 Ndira 2013 kusvika nanhasi uno — asi hatina kumuwana.

“Kumaporofi­ta nen’anga kwatinofam­ba tinoudzwa zvakasiyan­a. Kwakawanda kwacho tinonzi mupenyu uye achauya. Asi kumuporofi­ta mumwe chete wemuno, anotiti mwana uyu akapondwa mutumbi wake ukaiswa mudura memurimi. Anonzi akapindurw­a nemishonga uye anopihwa sadza achienda kunosakuri­swa husiku,” vanodaro VaChoto.

Mudzimai wavo, Mai Beauty Godzi (38), vanotiwo mwana uyu akaenda kumba kwaVaRober­t Muredzwa (62) paKirisima­si ya2013 uko aishanda achifudza mombe.

“Asvikako, anonzi akanzi naVaRobert Muredzwa adzoke kumba, asi haana kuzosvika kumba kwacho

— akananga kunhandare yebhora uko kwaitamba vamwe vana sezuva reKirisima­si. Akadzoka kumba apo pakazonzi mombe dzekwaMure­dzwa dzakarasik­a, vakazomuki­ra kunotsvaga mombe idzi nemusi wa26 Zvita asi vakadzisha­ya.

“Vakazodzok­era kunotsvaga mombe idzi aina Tafadzwa Choto apo vakazopesa­na rikava zuva rekupedzis­ira kuona Farai, asi Tafadzwa akadzoka oga,” vanodaro Mai Godzi.

Vanoti vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa vachiti vainge vashaya mwana wava musi wa27 Zvita 2013.

“Murume wangu akamhan’ara kumapurisa ekuHeadlan­ds achibva nekuHwedza ndokuendes­awo mashoko kwasadunhu vedu, VaRobert Mukuze. Mazuva aya mvura yainaya zvikuru apo taitsvaga mwana nehusiku,” vanodaro Mai Godzi.

Zvinonzi kune vamwe vanhu vanoti vakagumisi­ra kuona Farai achiti aitsvaga mombe.

VaMunemo Kundishora (52) — avo vanova sahwira wemhuri yekwaChoto — vanoti Farai paaitsvaga mombe, akadarika nepamunda pavo ivo vakatotaur­a naye.

Zvino mhuri yekwaChoto inoti iri kushunguru­dzika nemashoko anoti mutumbi wemwana uyu uri mudura reimwe hozi mumusha umu, umo uri kushandisw­a nemishonga sedivisi rekurima.

“Kune muporofita akauya mumusha muno, Madzibaba Byson, akataura kuti mutumbi waFarai uri muhozi umo anopihwa sadza achisakuri­swa muminda zvinoita kuti murimi uyu akohwe zvikuru,” vanodaro Mai Godzi.

VaMuredzwa — avo vane mombe dzinonzi dzaitsvagw­a nemwana uyu paazoshaik­wa — vanotiwo mashoko ekuti mutumbi waFarai wakachenge­twa muimwe hozi vanongoanz­wa.

Vanoti vakamirira kuti muporofita ari kutaura izvi aende kunoburits­a mutumbi waFarai muhozi iyi sezvaanota­ura, asi izvi hazvisati zvaitika.

VaChoto vanotsinhi­rawo kuti muporofita uyu akati mutumbi wemwana uyu uri muimwe hozi yemusha uri mubhuku iri.

“Muporofita uyu akati mutumbi wemuzukuru wangu uri muhozi ya(zita tinaro) umo anonzi anoshandis­wa kurima. Muporofita uyu takamuti tiende naye kumba kwevanhu ava iye akati aizozviita rechimangw­ana racho.

“Pazvakatau­rwa, mhuri inonzi ine mutumbi uyu yaitova pamhomho yevanhu vainge vakaungana pano. Asi kusvika nanhasi, takangomir­ira kuti muporofita uyu auye, tiende anoburitsa mutumbi waFarai muhozi maanotaura,” vanodaro.

VaMuredzwa vanotsinhi­ra kuti Farai aivafudzir­a mombe uye kuti ivo ndisahwira kuna ambuya vemwana uyu.

“Mwana uyu ndakagumis­ira kumuona uri musi wa25 Zvita 2013 ndokuzonzw­a kuti angoshaikw­a. Takatsvaga tose mwana uyu kusvikiraw­o nanhasi tine shungu dzekuti awanikwe.

“Nyaya yekuti ari muhozi meimwe mhuri yakataurwa iniwo ndiripo nemuporofi­ta anonzi Madzibaba Byson. Asi musha unonzi mwana uyu ari muhozi tinouziva tose kuti hauna hozi, hatizive kuti hozi inotaurwa iyi iri kupi,” vanodaro VaMuredzwa.

Mudzimai wavo, Mai Easter Muredzwa (59), vanotiwo: “Mbuya vemwana uyu vakandisor­a husahwira, ndokusaka tainge tamutora kuti atishandir­e.

“Mombe yavo yekutanga ndisu takavapa pasina kana cent vakazobhad­hara zvishoma nezvishoma. Tinonzwana­na navo zvikuru.”

Vanoti musi washaikwa Farai, ivo vaitopembe­rera motokari yemwana wavo.

“Kushaikwa kwemwana uyu kunototirw­adza. Hatim- bozorora kufunga dakara taziva chaizvo zvakaitika kwaari,” vanodaro.

Mbuya Gunda vanotsinhi­rawo mashoko ekuti mutumbi wemuzukuru wavo unonzi uri muhozi meimwe mhuri.

“Tapedza mari nekuenda kudzin’anga nekumaporo­fita tichinobvu­nzira. Vamwe vanoti mupenyu achauya, asi muporofita mumwe chete ndiye anoti akapondwa, mutumbi wake ukaiswa muhozi.

“Saka takamirira kuti muporofita uyu adzoke atiratidze chaipo pane mutumbi wacho. Asi dzimwe pfungwa dzangu dzinoti zvichida mwana uyu akawira murwizi rwaShavanh­ohwe, kwete izvi zvekungofu­ngirana. Daika tachiwana mapfupa ake toziva paakafira, tosununguk­a,” vanodaro Mbuya Gunda.

Madzibaba Byson wechechi yeJohane Masowe Jerusarema anonzi ndiye ari kuti mutumbi waFarai wakachenge­twa mudura, muhozi yeimwe mhuri. Zvisinei, muporofita uyu haana kuonekwa neKwayedza payakasvik­a munzvimbo iyi.

Asi VaWilliam Matenga (73), avo vanogarawo mubhuku iri, vanoti semaonero avo, nyaya iyi yakangonan­ga kusvibisa dzimwe mhuri nekudzinen­era zvinogona kunge zvisipo.

 ??  ?? VaInnocent Choto
VaInnocent Choto
 ??  ?? Mbuya Ruth Gunda
Mbuya Ruth Gunda
 ??  ?? VaKundisho­ra Munemo
VaKundisho­ra Munemo
 ??  ?? Mai Easter Muredzwa
Mai Easter Muredzwa
 ??  ?? William Matenga
William Matenga
 ??  ?? Mai Beauty Godzi
Mai Beauty Godzi
 ??  ?? VaRobert Muredzwa
VaRobert Muredzwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe