Kwayedza

‘Mukadzi ndinomuda, zvisinei nechipfamb­i’

- Kingstone Mapupu

MURUME wemuHarare — uyo ava kunyatsozi­va kuti mwana waaifunga kuti ndewake haazi wake mushure meongororo ye”deoxyribon­ucleic acid” (DNA) — anoti mudzimai wake anongomuda zvakadaro, zvisinei nekuti mukadzi uyu akaita gumbo mumba gumbo kunze.

Nyaya yekuti mwana haazi wemurume uyu yakaputika nguva pfupi yadarika pachirongw­a chinonzi “I Want to Know” icho chinoitwa nemusi weChipiri manheru naTilder Moyo-Karizamimb­a panhepfeny­uro yeStar FM.

Muchirongw­a ichi, varume vasina chokwadi chekuti vana ndevavo here kana kuti kwete vanoenda vonoongoro­rwa ropa ravo nerevana kuburikidz­a nenzira yeDNA.

Chirongwa ichi chiri kutungamir­irwa naVaTinash­e Mugabe — avo vanova consultant kukambani yeGlobal DNA Zimbabwe.

Nekuda kwekusavim­bana, murume nemudzimai — Tapera Makwati (27) naChido Mavhu (23) (haazi mazita avo chaiwo) — vakazosvik­a pakuitwa ongororo yeropa pamwe chete nemwana wavo ane gore nemwedzi miviri yekuberekw­a.

Mushure meongororo iyi, zvakabuda pachena kuti mwana haasi waMakwati, asi kuti ndewe mumwewo murume.

VaMugabe vakaudza murume nemudzimai wake ava paStar FM, munhepfeny­uro mukava nerunyarar­o rwekunge mumochari apo Makwati akaratidza kushamisik­a kukuru.

“Takaongoro­ra ropa remwana nerababa, zvikabuda kuti baba vatiinavo muno ava havasirivo muridzi wemwana, kureva kuti mwana haasi wavo. Ndizvo zvakabuda izvi,” vanodaro VaMugabe.

Panguva iyi, Tilder anodzikami­sa Makwati nekuda kwezvakabu­da izvi.

“Tine hurombo baba nezvabuda izvi, mozvibata. Munoti kudii nazvo? Muchada here kugara muina amai ava kana kuti mava nemamwe mafungiro? Tinoziva zvinorwadz­a,” anodaro Tilder.

Makwati anopindura achiti kunyangwe mwana uyu asiri wake, hazvina basa uye hapana chiri kuzoshandu­ka – mudzimai wake anongomuda zvakadaro.

Mushure mekumbotur­a befu, Makwati anoti: “Ndinotenda zvikuru veGlobal DNA Zimbabwe nekuita kuti ndizive chokwadi — kuti mwana wandanga ndichiti ndiye dangwe rangu haasi wangu. Asi ndinoti hazviite kuti tirambane, ndicharamb­a ndiine mukadzi wangu, mwana ndinocheng­eta zvangu. Hazvina mhosva.”

Mavhu anotiwo akadanana nevarume vaviri nguva imwe chete, izvo zvakaita kuti atadze kuziva baba vemwana wake chaivo.

“Takambosiy­ana nemurume uyu (Makwati) kwechinguv­a, ini ndokutanga kudanana nemumwewo murume. Uyu akazodzoka ndokundiny­engetedza ndokutanga kudanana navo vose vari vaviri panguva imwe chete — ndichibva ndaita pamuviri pemwana iyeyu.

“Mumwe murume uyu ndiye akabva azotoresa mwana uyu matsamba ekuzvarwa uye ndakazosiy­ana naye hangu. Asi nyaya yemwana uyu yanga ichinetsa, ini ndaida kuziva baba vemwana chaivo, kunyangwe vabereki vangu vaidawo kuziva vachiti ndisape munhu ropa risiri rake,” anodaro Mavhu.

“Ndinotenda murume wangu nekundinzw­isisa, tichagara tose zvakanaka. Mumwe murume uye handichata­ura naye, kana kwaari handikuziv­e,” anodaro mukadzi uyu akatarisa murume wake mumaziso chaimo.

Makwati naMavhu vave nemakore 7 varoorana.

Zvichakada­i, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti ingozi kutora mwana asiri wako uchimuisa mudzinza rako.

“Pachivanhu zvinonetsa kuti murume utore mwana wemumwe murume kumuita wako, ingozi inopedza dzinza.

“Murume uyu ngaatsvage baba vemwana uyu vopota vachiona mwana wavo kunyangwe achimuchen­geta zvake,” vanodaro Sekuru Katerere.

 ??  ?? VaTinashe Mugabe
VaTinashe Mugabe
 ??  ?? Chido Mavhu
Chido Mavhu
 ??  ?? Tapera Makwati
Tapera Makwati
 ??  ?? Sekuru Bonface Katerere
Sekuru Bonface Katerere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe