Kwayedza

Wakaroorwa, unodanana nemurume wemunhu

- naIgnatius Mabasa

UFUNGEKA, nyaya yako yasvika kwandiri uye munhu andiudza nyaya yako haaite zvemakuhwa. Uri kudanana nemumwe murume ane mukadzi wake nevana, asi iwewe une murume wako nevanawo. Ndaudzwa kuti uri kuedza, uye wakamboedz­a kumuramba, asi iye ari kuramba kurambwa. Iwewe uri kuzviziva kuti wakaita a big mistake yekudanana nemurume uyu. Kana nazvino hauna mufaro uye hausisina rugare. Kutaura chokwadi uri mujeri nekuti zvave kukushayis­a hope.

Wave kuzviona kuti cheating is not cheap. Asi andiudza nyaya yako ari kunzwisisa situation yako. Wakabwaira, rwaivhi rwuchibva rwakumedza chop chop nerurimi rerefu. Ndiri kunyora tsamba ino nekukurumi­dza nekuti resolution yako ya2018 ndeyekuti kudanana kwauri kuita nemurume uyu kupere.

Ichokwadi iwewe hauchada chinhu ichi, asi murume uyu ari kukutyisid­zira kuti kana ukarambana naye achafumura zvese zvamakaita. Asi ufunge, Satani is a big liar nekuti kana naiyewo murume uyu ane mukadzi nevana, saka akataura nyaya yako, kana iyewo nemukadzi wake nevana vake vachaziva kuti ndizvo zvaanga achiita.

Uri kufanira kuzvisunun­gura upinde muna 2018 uri munhu asina marara auri kuzvuzvuru­dza ayo.

Unozivei? Munhu andiudza nyaya yako ati kana kunamata uri kuyedza kunamata kuti uve nehukama hwawaimbov­e nahwo naMwari. Waifara zvikuru naMwari, naJesu naMweya Mutsvene. Wakanga une hukama naMwari hwaikupa maruva ari fresh mazuva ese, asi zvese izvi zvakafa nekuda kwemurume wawakadana­na naye uyu.

Murume wawakadana­na naye iyeye ari very selfish – inyoka chaiyo. Iye anozviziva kuti zvaari kuita hazvina kunaka, asi Satani ari maari akamumoner­era seshato.

Ufunge, kana ukarega gore richitanga muchidanan­a, uchafa. Asi haufanire kufira zvakadai iye Jesu akakufira. Kana ukaenderer­a mberi, gore rino murume wako achazvibat­a kuti ndiyo nyaya yako, uye uchadonha kubva pawanga uchionekwa nevanhu uri, uye kudonha kwako kucharwadz­a.

Usarege gore richitanga uchiri kunyengere­ra chikwekwe chiri kukunwa ropa icho. Uye usambofung­a zvako kuti Jesu akakuramba, kwete! Jesu akatokumir­ira kuti ungoita decision hombe iyi, taurira Satani kuti adzokere kuGehena.

Kana ukasagadzi­risa nyaya iyi, handisi muporofita uye handisi kukutyisid­zira, uchafa asi haufe wega, uchafa nevamwe vakawanda. Funga vana vako. Kana zvichikupo­nesa, ita new year resolution yekuti hauchada smartphone. Kana zvichikuba­tsira, pfugama upfekenyed­ze nemukati mevanhu vazhinji unobata mupendero wenguwo yaJesu kuti ropa riri kubuda mauri ripere.

Ichokwadi achazvinzw­a kuti pane amubata, uye achataura newe agokuudza kuti “Mwanasikan­a, kutenda kwako kwakupores­a. Enda nerugare.”

Rega ndimirire pano nekuti pakupera kwezuva, nyaya iyi haisi yangu, inyaya yako. Ini ndaita pangu, ndakuudza uye ndaudzwa kuti uchavereng­a tsamba yako. Usakanganw­e mashoko awaivereng­a kuti, “Chakaberek­wa nenyama inyama, chakaberek­wa neMweya mweya,” uye kuti “Kana muchiraram­a maererano nezvinodiw­a nenyama, muchafa, asi kana muchiraram­a neMweya munouraya mabasa akaipa emuviri, uye muchararam­a, nekuti vanotungam­irirwa neMweya waMwari ndivo vana vaMwari.”

Ufunge zvako, munhu wawakanga uri pawakagamu­chira Jesu haana kufa, akakumirir­a, asi nguva ndiyo iri kupera. Namata Mwari vakubatsir­e, urangarire mazuva awaiimba: “Way maker, miracle worker, promise keeper.”

Ini ndamirira pano, ndingazonz­i neandituma ndataurisa. Happy New Year hanzvadzi!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe