Kwayedza

Maticha tinemi: Mavima

‘Tinonzwisi­sa nhuna dzenyu’

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti vane tarisiro yekuti matambudzi­ko kana kuti zvichemo zvevarairi­dzi zvinge zvichitari­swa senzira yekusimudz­ira mashandiro avo.

Muhurukuro neKwayedza, Prof Mavima vanoti chishuwo chebazi ravo kuti nhuna dzakasiyan­a dzakataris­ana nevararidz­i dzinge dzichigadz­iriswa kuitira kuti vaite basa ravo vakasunung­uka.

“Varairidzi - vangava vekumaruwa kana vemumaguta - tinoda kuti vose vave neraramo yakanaka. Tine shuviro yekuti varairidzi vange vachifundi­sa vana vasina kushushika­na mupfungwa nekuda kwematambu­dziko akaita semari dzavanotam­bira.

“Saka tichaedza kuti tikurukure nevebazi rinoona nezvemari dzinotambi­rwa nevashandi veHurumend­e kuti vatarisewo nhuna dzematicha. Maticha anozopedzi­sira ava kufamba vachitenge­sa pane kuti vapedzere nguva zhinji muchikoro,” vanodaro.

Vanoti zvivakwa zvinosanga­nisira dzimba dzematicha uye zvikoro zvavanosha­ndira zvinofanir­a kusimudzir­wa kuti vasevenze zvakanaka.

“Tichiri kusangana nedambudzi­ko rezvimwe zvikoro zvinenge zvakavakwa nemapango, zvinopinda mvura, zvisina magetsi kana mvura yemupombi yakachena. Mugore ra2018 tinoda kuti zvikoro zvakawanda zvivakwe uye zviine indaneti nemagetsi kuitira kuti varairidzi vakwanise kufambisa chirongwa cheNew Curriculum,” vanodaro.

Prof Mavima vanokurudz­irawo vabereki kuti vatsigire vana vavo mukufambis­wa kwechirong­wa ichi muzvikoro.

“MuNew Curriculum mune mamwe mabasa ano- fanira kunge achiitwa nevana apo vanenge vachiita ongororo dzezvinhu zvakasiyan­a, zvikuru mumaindasi­tiri atinoti matasks.

‘‘Hurumende haingazvig­oni zvose iri yoga nokudaro kuti dzidzo ifambire mberi zvakanaka, tinokumbir­awo vabereki kuti vabatsire vana vavo nezvekusha­ndisa zvakaita semakombiy­uta nemari dzekufambi­sa.”

Prof Mavima vanoti chirongwa cheNew Curriculum chiri kuenderera mberi sezvo chichibats­ira mukusimudz­ira dzidzo.

“Ticharamba tichifambi­sa chirongwa ichi kuti vana vedu vave nedzidzo yakanaka inovapa mabasa mune ramangwana,” vanodaro.

Vachitaura pamusoro pemagwaro (petition) ayo akaendeswa kumahofisi avo nemamwe masangano anomiririr­a kodzero dzevana aitungamir­irwa nesangano reTag A Life Internatio­nal apo akanga achiti vana vose vari kuita dzidzo yepuraimar­i vanofanirw­a kuiwana pachena – zvikuru vanotambur­a – Prof Mavima vanoti Hurumende yagara iine zvirongwa zvinobatsi­ra vana vanoshaya kuti vawane dzidzo.

“Tine zvirongwa zveBasic Education Assistance Module (BEAM) neEducatio­n Developmen­t Fund (EDF) nekuti tinokoshes­a dzidzo yemwana wose.

‘‘Ndiko kusaka kuine mutemo unoti mubereki wose anoshaisa mwana dzidzo anosungwa.

“Zvizhinji zviri mumagwaro aya, Hurumende iri kuzviita saka tichagara pasi nemasangan­o aya kuti tione kuti nyaya yavo iri papi,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti havaoni nharembozh­a dzakakodze­ra muzvikoro sezvo dzichikang­anisa dzidzo asi maTablet ayo anobatsira vana mukuita ongororo dzavo.

 ??  ??
 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe