Kwayedza

China yakavakisa chikoro muHarare

- Muchaneta Chimuka

CHIKORO chitsva chinokosha US$2 miriyoni cheZimbabw­e-China Friendship High School chiri kuHatcliff­e, muHarare, icho chinotaris­irwa kubatsira vana 960 chakavhurw­a zviri pamutemo nguva pfupi yadarika.

Chikoro ichi chakavakwa kuburikidz­a nerubatsir­o rwehurumen­de yenyika yeChina zvichiteve­ra hukama hwakasimba huripo neZimbabwe.

Vachitaura pakuvhurwa kwechikoro ichi, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanotenda rutsigiro rwakawanis­wa Zimbabwe neChina.

“Tinotenda zvikuru hurumende yeChina nekuti inotibatsi­ra mune zvakawanda uye hushamwari hweZimbabw­e neChina hwakabvira kuma1960 apo yakabatsir­a mukurwira rusununguk­o rwenyika ino. Chikoro ichi chakavakwa mukati menguva diki – kubva munaChivab­vu gore rapera – kureva kuti chakavakwa mukati memwedzi 18. Tinotenda vavaki nenhengo dzedare reParamend­e dzemuno nerutsigir­o rwavo,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti chikoro ichi chichatang­a kushanda muna Ndira gore rino apo panovhurwa zvikoro.

“Tichatsvag­a mukuru wechikoro ichi kubva kumatunhu ose nekuti tinoda kuti chibure hunyanzvi hwakasimba hunovandud­za dzidzo. Tiri kutarisira kuva nevarairid­zi 50 nevana 960. Vadzidzi vazhinji tinoda kuti

vave vemunharau­nda ino yeHatcliff­e,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti pasina zvivakwa zvakanaka, nyika haiwani dzidzo yakakwana.

“Tinoda kuti varairidzi nevana vange vachishand­ira panzvimbo dzakanaka seizvi. Zvivakwa zvakadai semarabhor­itari eSainzi, Technical neVocation­al

◆ workshops uye Early Child Developmen­t (ECD) zvakakosha muzvikoro kuti dzidzo isimukire,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti Hurumende iri kutarisira kuvaka zvimwe zvikoro zana nemarabhor­itari 66 senzira yekusimudz­ira zvivakwa munyaya dzedzidzo. Vachitaura­wo pachiitiko ichi, mutevedzer­i wemumiriri weChina muZimbabwe – VaZhao Baogang – vanoti nyika yavo icharamba ichitsigir­a nyika ino munyaya dzebudirir­o. “Zimbabwe inozivikan­wa nemukurumb­ira wed- zidzo uye chikamu che95% chevanhu vemuno vanogona kuverenga nekunyora. Ndiko kusaka tichida kwazvo kutsigira nyaya dzedzidzo. Chikoro chatakavak­a pano chakanaka zvikuru kupinda zvimwe zviri kuChina,” vanodaro.

Pakamemwa chikoro ichi, vazhinji vaivepo vakabva vaine kugutsikan­a nacho zvichiteve­ra midziyo yemhando yepamusoro nezvivakwa zvinosanga­nisira sub-power station, magenareta mahombe, marabhorit­ari matanhatu, mahofisi, muzinda wetennis, basketball newenhabvu.

 ??  ?? Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang vachimema chikoro cheZimbabw­e-China Friendship High School
Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang vachimema chikoro cheZimbabw­e-China Friendship High School
 ??  ?? Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang
Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang
 ??  ?? Chikoro cheZimbabw­e-China Friendship High School
Chikoro cheZimbabw­e-China Friendship High School

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe