Kwayedza

Zvakaburwa kuShona

- Ticha Danga

MAKOROKOTO makuru Musiki vakatiyamb­utsa vakatipinz­a mugore idzva zvakanaka. Tinoda kupa rumbidzo nekutenda ivo Musikavanh­u vakava nesu vakatisese­dza tikadya huku nemupunga zvakanaka tichinwira zvaitonhod­za iyo mimhanzi ichidandau­ra zvisina mukare akamboona. Kana zviri zvekudzana hatichatau­ra nekuti kuuya kwakaita imwe mhando yekutamba yaveko mazuva ano ndinoziva kwaisadanw­a anonzwa musi weKisimusi neGoredzva.

Ndiko kupindana kwamazuva kunotaurwa uku tichiziva kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Tinoti farefare tindike nekuti ramangwana rinoda muronga sehove.

Hongu goho rakauya kufara kana kusuwa kukavapo. Vadare nevakuru vedzidzo vanoda chose kuziva kuti goho zvarakauya rakauya sei. Izvi zvinobuda mushure mehwerenge­dzo (analysis) idzo dzinotangi­ra pachikoro dzoenda pamuungani­dzwa wezvikoro zviri pedyo napedyo (cluster) zvozopinda muzvikoro zvenharaun­da (district).

Hazvigumir­iri ipapo asi kuti zvinoenda mberi zvobata zvikoro zvedunhu (province) zvonoperer­a panyika yose (national). Kana zvabata nyika yose, zvozoburit­swa mumapepanh­au kuti rwendo rwuno vana vakaita zvakadii pagoho ravo uye zvotariswa zvakare zvichifana­nidzwa nemakore akapfuura.

Hwerengedz­o iyi inoitwa zvakare kuchidzidz­o chimwe nachimwe kuti zvionekwe kuti ndechipi chakaitwa zvakanaka kuchionekw­awo chakaitwa zvisina kumira zvakanaka. Handichaba­ta zvimwe zvese asi ndinoda kubata bandiko reShona, kunova ndiko kwatinorer­ekera isu.

Tichitaris­a kuchiShona chega, tinoona kuti hachina kubuda zvakanaka sezvaitari­sirwa nekuti vana vashoma vakabuda nechibodzw­a chimwe chete pagwaro rechinomwe mugore rapfuura (one unit). Hwerengedz­o iya iri kuburitsa kuti kune zvikoro zvakawanda zvisina kana mwana mumwe akaita chibodzwa chimwe kuShona asi kumasvomhu nechiRungu haiwa, vana vairikita kwete zvekutamba. Vana vaizotangi­ra kuwanda pazvibodzw­a zvitatu zvichienda mberi.

Izvi zvinorwadz­a chose kuti mwana aigona kuita chibodzwa chimwe kuzvidzidz­o zvina asi ozoita zvibodzwa zvishanu kuShona zvobva zvatoita kuti goho rake ritaramuki­ra kure kure.

Chatinodir­a hwerengedz­o ndechekuti inotiratid­za mamiriro akaita goho. Zvinoratid­za kuti chiShona hachina kuitwa zvakanaka pazvidzidz­o zvose zviri zvishanu. Zvinobva zvabata mwoyo kuti, ko zvaruri rurimi rwaamai chii chabva chaita kuti rukanganis­e goho redu isu taiti tinorutaur­a mazuva ose. Vatambi venhabvu vakabva kunotamba nhabvu musi weSvondo vanosangan­a musi weChipiri vachitaris­a matambiro avakaita (post-mortem of the game). Apa vanenge vachitaris­a pavakagona nepavakata­dza.

Paya pavanenge vakatadza vanoda kupagadzir­isa kuti pabude zvakanaka kuitira mutambo uchatevera. Izvi zvinofanan­awo nevarairid­zi muzvikoro mavo. Vanofanira kutora hwerengedz­o votarisa muya makamanzik­a, votsvaga nzira dzekugadzi­risa kuti zvinhu zvifambe nemazvo.

Hazvingana­kidzi kuti mutauro wekunze wonyorwa uchibuda zvakanaka kupfuura waamai nekudaro pane panoda kugadziris­wa. Iyi iyambiro kune vana vachangopi­nda mugwaro rechinomwe kuti muzive kuti chave kwenyuwo rwendo rwuno.

Munofanirw­a kuziva kuti masiyana nezvamaiva kare uye kuenda pachigaro chepamusor­o kwamaita muzvikoro zvenyu zvoreva wese ari pasi penyu akatarisa kwamuri kuti zvigofamba zvakanaka. Ngatidyare­i mhodzi huru yerudo kuchiShona chedu ndiko kuti tigochipaw­o nguva yekuchiver­enga uye kuchidzidz­a zvakanaka tichisimud­zira goho redu kupera kwegore.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe