Kwayedza

. . . nyama mbishi nedoro padivi . . . bakatwa rakaba

- Muchaneta Chimuka

VAGARI vekwaMunya­wiri, kuDombosha­va, havana neremuromo zvichiteve­ra mashura “eKirisimas­i bhokisi” avakafumoo­na — hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro, nyama nyoro mbishi uye nhekwe yefodya nebakatwa rainge rakabairir­wa muvhu.

Zvinhu izvi zvava nenguva inodarika svondo zviri muchikomo chiri mubhuku raSabhuku Stowell Chidamba uye hazvizivik­anwe kuti zvakaiswa nani uye nechinangw­a chei kunze kwekunge chichingov­a chishamiso chechipo cheKirisim­asi.

Kwayedza nemusi weChipiri svondo rapera yakashanyi­ra nzvimbo iyi ndokuperek­edzwa naSabhuku Chidamba muchikomo ichi uko yakanowana hari idzi nezvimwe zvinhu zvichiripo — asi nyama ichinzi yainge yadyiwa nembwa kana kuti nezvikara zvesango.

Imwe yehari idzi — huru yacho — ine tsvina yemunhu iyo yava kutooma kozoita dzimwe mbiri dzine doro remasese iro raserera, zvichida nekupisa kwekunze.

Panzvimbo iyi pane banga rebakatwa iro rakabairir­wa muvhu pedyo nehari ine tsvina yemunhu apo nhekwe yefodya yakaradzik­wa pedyo nehari mbiri dzine doro.

Kunze kweizvi, pane ma‘‘scud” maviri edoro akamisikid­zwa pedyo nehari idzodzi.

Sabhuku Chidamba vanoti vakazivisw­a nezvehari idzi nomusi weChina svondo rapera nevafudzi vemombe vainge vadziona kumafuro.

“Aiwa, izvi zvinomboda kutaurwa tiri muchivanze here? Handei kuchikomo kwacho munozvione­ra. Pamberi pehari imwe neimwe pakasiiwa paine mirwi yenyama inenge yemombe, asi iri zvidimbu zvihombe. Imwe hari izere netsvina yemunhu iyo pakutanga ndakambofu­nga kuti isadza rezviyo,” vanodaro.

Mushure mekukwira muchikomo ichi, Sabhuku Chidamba vakazeza kusvika pedyo nehari idzi vachiti vanotyira upenyu hwavo sezvo vachiti uku kushereket­a kwemberi.

“Ini handizivi kuti muvengi akasiya zvinhu zvake pano akadeketer­a achiti chii uye nezita raani? Saka handidi kusvika pedyo nazvo, zvinotyisa izvi. Ko zvikandiku­vadza kana kuti ndikahakir­a mweya iripo?

“Chinondish­amisa ndechekuti sei vanhu vacho vakauya kuzozvisiy­a zvinhu izvi mudunhu mangu uye izvi zvitsva kuitika muno,” vanodaro Sabhuku Chidamba apo vaive vakamira nechekure.

Vanoti kana vakawana mari, vane tarisiro yekutsvaga maporofita anovabatsi­ra kuti vazive vanhu vakaita izvi.

VaPhibion Chidamba (60), avo vanova mwanakoman­a wemukoma waSabhuku Chidamba, vanoti vakaona vanhu vakauya nemotokari vachinosiy­a zvinhu izvi.

“Zvinhu izvi zvakasiiwa chiri China apo ndakaona motokari imire mujinga megomo, varume vatatu nevakadzi vana vachibva vadzika, ndokukwira muchikomo ichi. Vainge vakatakura chisaga saka ini ndakangofu­nga kuti vayenzi vekwasabhu­ku nekuti vakafamba vachiita sevakanang­a kumba kwavo nyambisirw­a vaiva nezvinangw­a zvavo,” vanodaro.

VaPhibion Chidamba vanoti pavakambof­amba pamwe naSabhuku Chidamba, vakangoudz­wa kuti pane hurombwa huri kuitwa mumusha mavo.

“Mushure mekuona izvi, takaedza kutsvaga vanhu vakaita izvi asi takaudzwa kwatakafam­ba kuti uhu hunotova hushereket­wa huchaona vamwe vemumusha muno vachifa vaviri vaviri. Zvino izvi zvava kutityisa zvakanyany­a,” vanodaro VaPhibion Chidamba.

Angeline Munyawiri wemubhuku raMotsi anoti aya mabasa eSatanism.

“Kudai vanhu ava vakanga vachiita zvinhu

zvine upenyu hwemunhu, vangadai vakatanga vaona vakuru venzvimbo semasabhuk­u nemadzishe. Asi nekuda kwekuti zvine Satanism mukati, ndiko kusaka vakasarudz­a kuzviita muchivande.

“Tikatarisa zvinhu zvavari kushandisa, tinoona zviine michereche­dzo yerufu – mapanga, tsvina yevanhu. Asi handifunge kuti ava vanhu vekure, ndevemuno,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti nyaya dzekukara mari uye pfuma yechimbi-chimbi ndidzo dzimwe dziri kuita kuti vamwe vanhu vagumisire varomba.

VaJames Chidamba (45), avo vanova mwana wemukoma waSabhuku Chidamba zvakare, vane tarisiro yekuti vachafamba semhuri kuti vawane chokwadi panyaya iyi.

“Mumwedzi waChikumi gore rino, ndakapotsa

ndarohwa nemheni apo yakarova imba yandainge ndirere, ndikazomuk­a ndava kungorutsa hutsi. Ndakaita mudumbu netsvina yeropa.

“Mheni yakadzoka zvakare ikarova muti wepamba pangu. Yakazorova zvakare paruware rwuri pedyo nepamba pangu, saka ndinoona paine hushereket­wa mumhuri medu. Hadifunge kuti kungava nemutorwa angashinga kuuya kuzosiya zvinhu zvake muno,” vanodaro.

Petronella Kazayi (45) wemubhuku rimwe chete iri anoti akanzwa nezvehari idzi paakange aenda kurufu.

“Vanhu vari kuita zvinoshami­sa muno, tava kutya kana kufamba nekuti hatizive mhiko idzi kuti dzakananga­na nani, kunyanya munguva ino yekunaya kwemvura,” anodaro.

 ??  ?? Hari dzine doro netsvina zvakarasir­irwa muchikomo. -
Hari dzine doro netsvina zvakarasir­irwa muchikomo. -
 ??  ?? Hari dzine doro
Hari dzine doro
 ??  ?? Hari ine tsvina yemunhu
Hari ine tsvina yemunhu
 ??  ?? VaJames Chidamba achitaridz­a chigutsa chemuti waakat wakarohwa nemheni
VaJames Chidamba achitaridz­a chigutsa chemuti waakat wakarohwa nemheni
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe