Kwayedza

Harurwa: Kudya namambo!

-

HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongo­ita hwiza kana kuti mhashu asi tuchinyaut­sa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.

Svondo rino Mai Svodai Mugari vekuZaka, kuBikita, kuMasvingo, vanoronded­zera mabikirwo eharurwa. Zvinodiwa: Harurwa dzakati wandei idzo dzaunogeza nemvura yakachena. Munyu nemafuta mashoma-shoma Mabikiro:

Isa harurwa muchikari kana mupoto yakachena dziine mambava adzo.

Chifashaid­za mumvura shomanana ine munyu nemafuta mashoma.

Ita kuti mvura iyoyo ipere, asi hadzifanir­e kunyanya kuibva.

Kuibva kweharurwa kunoonekwa nekuita ruvara rwakatsvuk­irira.

Chidziyani­ka pazuva murusero kusvika dzanyatsoo­ma.

Sarudza harurwa dziya dzinovava dzinonzi fuve wodzibvisa mune dzakanaka.

Fuve inoonekwa neruvara rwakasviba uye inovava samare.

Harurwa dzinodyiwa dzakadaro kana nesadza.

Vamwewo vanoti fuve inovava zvekuti munhu anochema kana achiidya uye inonzi inorapa chirwere cheAsthma. Regai vamwe vazoti harurwa manyautsa mukanwa chokwadi!

Harurwa kudya kweparwend­o uye hadziwori zvekuti dzinogona kugara kwegore rose kana dzichinge

dzaomeswa zvakanaka.

◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongw­a chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 ??  ?? Harurwa kudya kunonaka zvikuru.
Harurwa kudya kunonaka zvikuru.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe