Kwayedza

‘Handi kupenga, rinotori tarenda’

- Daphne Machiri

NYANDURI wechidiki uyo ari kusimukira uye achigara muHarare anoti zvakakosha kuti vane matarenda ekudetemba vatsigirwe zvizere, kwete kuvatora sevanodzid­zira kupenga, sezvo zvichiwani­sa vamwe vavo raramo.

Sondlane Nyamezela Dube (22) — uyo anozivikan­wa nezita rekudetemb­a rekuti Sox ari zvakare mutungamir­i wesangano reYoung People‘s Voices — anoti vechidiki havafanirw­e kunyara zvipo zvavo.

“Vazhinji vane matarenda ekudetemba vamwe vacho vanozviiti­ra pajekerere zvakaita sekumabhaw­a, pazviteshi zvinokwiri­rwa mabhazi nemuzvimbo dzinenge dzizere vanhu. Kana vanhu vachiona izvi, havasi vose vanozvitam­bira sezvo vamwe vachitoti kudzidzira kupenga kwatinoita, vamwewo vachiti kushaya zvekuita.

“Asi nyaya iripo tinenge tichida kuti veruzhinji vaone matarenda edu pamwe nekuti vanzwe mashoko ane dzidziso,” anodaro Dube.

Anoti donzvo ravo nderekusim­udzira

matarenda evechidiki.

“Pari zvino tange tichivandu­dza vananyandu­ri vechidiki vachangope­dza chikoro,” anodaro.

“Kutanga kwegore rino ra2018, tichange tave kupinda muzvikoro kubva kupuraimar­i kusvika kusekondar­i tichivandu­dza matarenda avananyand­uri. Chimwe chatiri kuda kuchengete­dza tsika nemagariro kubudikidz­a nekuti vanhu vakoshese vananyandu­ri vemitauro yose seShona, Chewa, Tonga, Ndau, Ndebele nemimwe inotaurwa muno munyika,” anodaro Dube.

 ??  ?? Sondlane Nyamezela Dube achidetemb­a
Sondlane Nyamezela Dube achidetemb­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe