Kwayedza

Mukadzi akanditiza, apa ini ndinomuda

-

Ndine hurombo muzukuru kuti wakatizwa nemudzimai wako. Asi iwe unofanirwa kuzvipenen­guva kuti uone chakaita kuti utizwe. Hongu, zvichida akafurirwa nehama dzake sekutaura kwako. Asika, handione kuti mudzimai agere zvakanaka pamurume wake angafurirw­e kumusiya iye akazvibvum­a. Kana mange makagarisa­na zvakanaka ndinoona kuti kana dai aifurirwa, airamba kana kuti aimboenda asi ozodzoka nekuti ainge ofunga kugarisana zvakanaka kwamange makaita.

Ichocho chinombori chii chakaita kuti abvume kufurirwa? Pamwe iwe waisamuche­ngeta zvakanaka, kumudzvany­irira semunhukad­zi kana kugara uchimurova vamwe varume munoshusha. Kana zviri izvo zvaiitika, mudzimai wako haana chikonzero chekuramba ainewe.

Asiwo zvimwe zvacho zvinokonze­rwa nechivanhu. Zvichida iye mukadzi wako iyeyu ane twekwakewo seshavi rekusagara pamurume. Pamwe wakamutora ari pfambiwo kana kuti mukadzi wezvikwamb­o zvekumusha kwake saka zvakamutor­a kuti adzoke.

Iwewe wacho zvichida une chivanhu nekuti uri kuti hauna kana musikana kubva zvakaenda mudzimai wako. Zvichidawo wakagarwa nemweya wakaipa uyo unotoda kubviswa pauri. Ndiko kuti uwane musikana kana mumwe mudzimai wekufambid­zana naye. Mweya uyu unouya nenzira dzakasiyan­a dzinoti ngozi yakasundir­wa kwauri, zviredzwa, pamwe wakatuka amai, zvikwambo uye zvose izvi unozozvits­anangurirw­a kana wanobatsir­wa nenyanzvi mune zvechivanh­u. Chaungatoi­ta iwe kutanga watsvaga chiri kukonzeres­a zvose izvi muchivanhu, kana wachiziva wochizviga­dzirisa. Ukangoita izvozvi unoswera watove nemusikana wawava kufambidza­na naye, mugotozoro­orana muchizoita mhuri yenyu zvakanaka.

Tsvaga rubatsiro kunhengo dzeZinatha dzine magwaro ebasa muzukuru zvinopera izvi.

Bvunza Kwayedza pa0775 421 949 / 0715 942183 / 0774132838

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Instagram: @sekuruelis­hamutanga_official

Twitter: @sekuruelis­hamutanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe