Kwayedza

Misika yefodya yoenda kuvarimi

- Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodze­ra kutengeser­wa fodya kumativi mana enyika.

Kuendeswa kwemisika munzvimbo dzinogara varimi uku kuri kutarisirw­a kutanga mumwaka wekutenges­wa kwefodya wa2018.

Matanho aya ari kutorwa nedonzvo rekuderedz­a matambudzi­ko anosangana nevarimi apo vanotenges­a fodya yavo kumisika yakasiyana muguta reHarare akadai sekudhurir­wa nezvifambi­so pamwe nekubirwa nemakorony­era.

Mukushi wemashoko kuTIMB, VaIsheunes­u Moyo - avo vanova corporate communicat­ions manager - vanoti vemakamban­i nemisika mizhinji uye vanoona nezvemakon­dirakiti vari kutsigira chirongwa ichi chekuti misika yekutenges­era fodya inge ichiwanda kunze kweHarare.

“Kuendesa misika kunzvimbo dziri pedyo nevarimi kwakakosha nekuti kunoita kuti vasatora nguva ndefu vari mumisika apo vanoenda kunotenges­a fodya yavo. Zvichabats­ira zvakare kuti varimi vachange vave kutengesa fodya yavo mumisika iri muHarare vave vashoma uye havazorasi­kirwi nemari yakawanda pakutakura fodya ichienda kumisika iri kure. Chirongwa ichi chiri kutogadzir­irwa uye takatoita ongororo munzvimbo dzakadai seMvurwi, Karoi neRusape saka tichaona kuti nzvimbo idzi dzinoita here. Kutanga kwemwedzi waNdira, tichaita ongororo yepiri tichigadzi­risa zvinodiwa,” vanodaro.

Kana chirongwa ichi chikabudir­ira varimi vefodya vazhinji vachava nenyevenut­so mupfungwa sezvo vanenge vasisina dambudziko rezvifambi­so zvekuendes­a goho ravo kumusika.

Ongororo yakaitwa neTIMB inoratidza kuti varimi vanodarika 112 546 vakanyores­a kurima fodya mumwaka wa2017-18 uye huwandu hwevarimi ava hwakawedze­ra nechikamu che40 percent kana zvichienza­niswa ne80 327 avo vakanyores­a munguva imwe chete iyi gore rapera.

Mwaka wadarika, Zimbabwe yakabura makgs 183 miriyoni efodya apo chikamu che20 percent chayo chakatenge­swa nenzira yemaokishe­ni.

 ??  ?? Gadziriro dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodze­ra kutengeser­wa fodya kumativi mana enyika.
Gadziriro dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodze­ra kutengeser­wa fodya kumativi mana enyika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe