Kwayedza

Christmas box... TSVINA YEMUNHU IZERE

- Kingstone Mapupu

NYOKA dzinosvika 40 — shato nemhungu — dziri kugara mumusha waShiriche­na, kwaNyamwed­a, kuMhondoro, inova nyaya yakonzera veruzhinji veko kugara vakabatira hana dzavo mumawoko nekutya.

Zvikara izvi zviri kusanganis­ira nyoka hombe mbiri dzinoti shato inova ine vana 38 nemhungu inonzi ine musoro wakakura kunge wegarwe.

Nyaya iri kunetsa vanhu veko ndeyekuti mhungu neshato inyoka dzisingazi­vikanwe dzichiwiri­rana zvekusvika pakugara pamwe chete.

Kwayedza yakashanyi­ra musha uyu svondo radarika ikawana nyoka diki dzakazara dzakaita dutu muguru dzimwewo dziri mumakwenzi.

Nyoka idzi dziri kuwanikwa pamusha wava dongo apo pakatamwa nemumwe muzvinabhi­zimisi aiva nechitoro paDzumbunu ikoko.

Muzvinhabh­izimisi uyu anonzi akangotama zvisinganz­wisisike ndokuenda kusina anoziva uye asina kana kuoneka.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (70), vanoti nyaya yenyoka idzi iri kuvanetsa zvikuru.

“Nyoka idzi dzakatanga kuonekwa dziri mbiri — shato nemhungu hombe

— mwedzi mishanu yakadarika. Shato diki takazodzio­na mumwedzi waGumiguru wakadarika uyu,” vanodaro.

Vanoti vari kutyira kuti nyoka idzi dzichaguma dzodya zvipfuyo zvakaita sehuku, mbudzi nemombe kana kuruma vanhu.

“Ini handizive zvangu kuti nyoka idzi ndedzevaro­yi here kana kuti ndedzaMwar­i. Chatinongo­da bedzi kuti dzibviswe mumusha muno,” vanodaro sabhuku ava.

Nyoka mbiri hombe dzinonzi dzakareba mamita anodarika mana uye dzakafuta zvikuru.

Sabhuku Shirichena vanoti nyaya yenyoka idzi vakaisvits­a kwaMambo Nyamweda, VaClaudiou­s Mandaza, avo vanonzi vakakurudz­ira kuti dzisauraiw­e.

Zvakadai, Mambo Nyamweda vanoudza

Kwayedza kuti nyoka dzeshato dzine chekuita nechivanhu kubva pasichigar­e.

“Vanouraya shato mudunhu rangu aiwa, tinopedzer­ana vanosangan­awo nezvirango zvakakodze­ra,” vanodaro mambo ava.

Mumwe mugari wemumusha uyu, VaTotamire­pi Mutamiri Taruvinga (50), vanoti nyoka idzi dzagara dzichionek­wa munzvimbo iyi kubva kare.

“Pamba pangu pakambouya shato hombe ichida kudya matoki ndikaiisa musaga ndokunoisi­ya mugomo iri mhenyu nekuti ini handitye nyoka, idzo shato hadzina hasha nevanhu,” vanodaro.

Vanoti mumaguru ari kugara nyoka idzi aimboonekw­a muchipinda majerenyen­je ayo anofungirw­a kuti akadyiwa nenyoka idzodzi.

Madzibaba Joramu Nyikadzino (33), uyo anove muporofita anogara mumusha uyu achipinda chechi yeJohane Masowe Nguwo Tsvuku, anoti nyoka idzi dzinogona kunge dziri dzehuroyi nekuti hakuna mhungu neshato zvinogara pamwe chete.

VaNdogo Kawonde (56) vanoti nyoka idzi dzinowanzo­onekwa kubva kuma10 dzemangwan­ani kusvika kumasikati apo dzinenge dzakasanga­na hombe nediki.

“Ichi chiitiko chinoshami­sa zvikuru nekuti unoona hombe dzacho dzakaita hata kutoenzana nematombo aripo, shato diki dzakakwira pamusoro pehuru dzichiita kunge dzakaberek­ana,” vanodaro.

Nzvimbo ine nyoka idzi iri padyo nerwizi rwaChemuka­ka.

Mukushi wemashoko kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoti chikwata chevashand­i vekubazi ravo chakanoche­ra ndokubata nyoka 32 nemusi weChishanu wadarika ndokunodzi­siya kumasango kwadzinoch­engetedzwa zvakanaka.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasauraye nyoka, zvikuru shato idzo dzavanoti dzinocheng­etedzwa nemutemo wenyika.

“Vanhu vakaona nyoka, ngavatishe­vedze todzitora kunodziisa kwadzinoko­dzera kugara kwete kudziuraya,” vanodaro VaFarawo.

Mwedzi mishoma yadarika, kwaRukweza, kudunhu reRusape kwakaonekw­a shato dzakawanda idzo dzaipota dzichibuda mumaguru adzaigara dzainotsva­ga zvekudya sesadza nemapfupa zvinoraswa nevana pachikoro chekwaRukw­eza Primary. Maitiro enyoka idzi akashamisa vagari veko zvikuru uye dzinonzi dzakanetsa vashandi veParks kuti vadzibate.

Mumusha weHopley, muHarare nguva pfupi yadarika makaonekwa zvakare mikweshwa yeshato idzo dzakazobat­wa nevebazi reParks and Wildlife Management Authority.

 ??  ??
 ??  ?? VaTaruving­a achitaridz­a nyoka diki
VaTaruving­a achitaridz­a nyoka diki
 ??  ?? Dongo remusha rinonzi rakatamwa namuzvinha­bhizimisi
Dongo remusha rinonzi rakatamwa namuzvinha­bhizimisi
 ??  ?? Nyoka dziri muguru
Nyoka dziri muguru
 ??  ?? Mambo Nyamweda
Mambo Nyamweda
 ??  ?? Madzibaba Joramu Nyikadzino
Madzibaba Joramu Nyikadzino
 ??  ?? Mutamiri Taruvinga
Mutamiri Taruvinga
 ??  ?? Sabhuku Shirichena
Sabhuku Shirichena
 ??  ?? VaTinashe Farawo
VaTinashe Farawo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe