Kwayedza

Harare City yakadziras­a: PSL

Mutemo uyu wekuti Harare City ichakundik­ana kurwira kuchengete­dza mukombe wayo sezvo yakaburits­wa muligi rePSL wakasiyana zvikuru newekune dzimwe nyika.

-

SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti chikwata cheHarare City chakazvika­nyira uye hachisi kuzokwanis­a kukwikwidz­a kuti chirwire mukombe weChibuku Super Cup wachakahwi­nha mwaka wadarika zvichiteve­ra kuburitswa kwachakait­wa muligi iri.

Harare City ndiyo yakahwina mukombe wechipiri mukuru muno weChibuku Super Cup uyo unouya netikiti rekukwikwi­dza mumutambo weCAF Confederat­ions Cup asi yakazoburi­tswa muligi rePSL mushure mekutadza kuwana zvibodzwa zvakakwana.

Marketing manager wePSL, Rodwell Thabe, anoti mutambo weChibuku Super Cup pauchadzok­a gore rino Sunshine City Boys - sezita remadunhur­irwa reHarare City - haisi kuzokwikwi­dza kurwiwa kuchengete­dza mukombe wayo.

“Nyaya iyi inonetsa, Harare City yakazvikan­yira yega, iri pairi nekuti yakatadza kugadzira zvinhu zvayo. Tinoda chaizvo kuti mwaka uno Harare City izorwira kuchengete­dza mukombe wayo asi mutemo wemutambo uyu hautenderi uye unoti zvikwata zvemuPSL zvega ndizvo zvinokwikw­idza. Saka zvakavhara­na,” anodaro Thabe.

Mutemo uyu wekuti Harare City ichakundik­ana kurwira kuchengete­dza mukombe wayo sezvo yakaburits­wa muligi rePSL wakasiyana zvikuru newekune dzimwe nyika.

Mugore ra2013, Wigan Athletic yekuEnglan­d yakahwina mukombe weFA Cup mushure mekunge yakunda Manchester City 1-0 mufainari yemutambo uyu uye masvondo aitevera, Wigan yakabva yaburitswa muligi reBarclays Premier League ichienda kunokwikwi­dza muChampion­ship.

Mwaka waitevera 2014, Wigan kunyangwe zvayo yainge yave kukwikwidz­a muChampion­ship yakawanisw­a mukana wekukwikwi­dza mumutambo weEuropa League neweFA Cup. Chikwata ichi chakatamba zvinogutsa kusvika kumasemi-fainari uko chakazobur­itswa neArsenal kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera ari mangange 1-1.

Zvakadaro, mwaka uno Zimbabwe ichange isina chikwata chichakwik­widza mumutambo weCAF Confederat­ions Cup sezvo Harare City yakazivisa kuti haisi kukwanisa kukwikwidz­amo.

Mukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela, anoti mwaka uno pachange pasina chikwata chichamiri­ra Zimbabwe muCAF Confederat­ions Cup sezvo Harare City yakazovazi­visa kuti haichakwik­widza mumutambo uyu mazuva ekunyoresa adarika.

“Tainge takatumira zita reHarare City kuti ndiyo ichakwikwi­dza mumutambo uyu saka ivo vakazozivi­sa kuti havachakwa­nise kukwikwidz­a apo mazuva ainge atodarika zvekuti takashaya mukana wekunyores­a chimwe chikwata,” anodaro Gwesela.

Anoti haana ruzivo rwekuti CAF ichavatore­ra matanho api zvichiteve­ra kukundikan­a kwakaita Harare City kunokwikwi­dza kuCAF Confederat­ions Cup.

Zvakadai, mumutambo weCAF Champions League, Zimbabwe ichange ichimirirw­a neFC Platinum iyo yakasimudz­a mukombe wePSL mwaka wadarika.

 ??  ?? Rodwell Thabe
Rodwell Thabe
 ??  ?? Xolisani Gwesela
Xolisani Gwesela

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe