Kwayedza

Kusabhadha­ra chikwereti . . .

VANHU 7 VAKAITWA MAKUDO NEN’ANGA

- Kingstone Mapupu

VANHU vanomwe vemhuri imwe chete yekuTete, kumuganho weZimbabwe neMozambiq­ue vanonzi vakaita svondo rose vari makudo — makuru nemaduku — mushure mekunge mashandisi­rwa mishonga nen’anga yekuRushin­ga zvichiteve­ra gakava ravainge voita pamusoro pemuripo waidiwa negodobori iri.

N’anga ine mukurumbir­a kudunhu raMambo Makuni, kuMashonal­and Central iyi inonzi yainge yashandira mhuri iyi yane zvaivanets­a asi ndokuzotad­za kuwirirana panyaya yemuripo – vanhu vachibva vasandurwa kuita makudo.

Manenji aya anonzi akaitika kumhuri yekwaAgost­inho kana kuti Adriano iyo inobva kuChifunde, mudunhu reTete, kuMo- Mhuri iyi inonzi yakaita dambudziko revana vairohwa nezvishiri kana kuti zvidhoma zvikaita kuti vatsvage rubatsiro kun’anga yekuRushin­ga inonzi VaEveristo Nhete (66) — iyo inozivikan­wa nezita remadunhur­irwa rekuti Sekuru Chiyokoto.

N’anga iyi ine misha miviri — uri mubhuku raMeki, kwaMambo Makuni kudivi reZimbabwe neuri kuHilla Border Post, kwaMambo Kalopola, kudivi reMozambiq­ue.

Kwayedza yakaenda uku ndokunoita hurukuro naSekuru Chiyokoto, avo vanotsinhi­ra kuti vanokwanis­a kuita masaramusi anodarika akaitika kumhuri yavanonzi vakasandur­a vanhu kuvaita makudo.

N’anga ine mutupo weNhari Unendoro iyi yakawanikw­a iri kumumwe musha wayo kwaMambo Kalopola, kuTete uko yakati masaramusi akaita seaya ainoitwa nemishonga yayo.

“Hongu, nyaya yevanhu vakasanduk­a vakaita makudo inoitika. Vanhukadzi vanokwanis­a kusanduka vachiita vanhurume kana varume kuvaita madzimai. Pane zvandinogo­na zvinodarik­a izvi, asi hatinyanye zvedu kuwanzodar­o,” vanodaro Sekuru Chiyokoto.

“Mudzimu unosvika pandiri ndiwo unonzi Chiyokoto, wakauya kuzorapa. Iwo masaramusi aya ukada kuti tizviite zvinoitwa zvinanara chaizvo pano,” inodaro n’anga iyi.

Vamwe vanoshanda nen’anga iyi vanosangan­isira Christophe­r Karawanda (42) naMisheck Mangetani (36) avo vose vanotsinhi­ra nyaya yemhuri inonzi yakasandur­wa kuita makudo iyi kunyangwe zvazvo vachiti havakwanis­e kutaura zvakawanda pamusoro payo.

“Mungafambi­re nyaya yemakudo chete, kuti vanhu vapindurwa? Kune zvakawanda zvinodarik­a izvozvo. Kana muchida mumboyedzw­a iyemika, muzoenda muchitaura zvamaona mupindurwe kuitwa nyoka,” anodaro Karawanda.

Vatori venhau veKwayedza vakaramba kuti vapindurwe kuitwa nyoka.

Nyaya yevanhu vanonzi vakaitwa mapfeni iri pamiromo yeruzhinji kuRushinga, kumuganhu wenyika ino neyeMozamb­ique.

Sabhuku Sumburero, VaVanada Karumberer­e (95), vekuRushin­ga vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi.

“Nyaya yevanhu vakasandur­wa kuitwa makudo naSekuru Chiyokoto tinoiziva, imhosva yavo nekuti vairamba kubhadhara kubatsirwa kwavainge vaitwa,” vanodaro.

VaGeorge Matimura (36), avo vanogara panzvimbo yemabhizim­isi yeNyatsato, kuRushinga ikoko vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti izvi zvishoma pane zvimwe zvinogonek­wa nen’anga iyi.

“Sekuru Chiyokoto havaite, vanoita zvinorova. Havasi vekutamba navo uye hakuna asingavazi­ve muno nekudivi reMozambiq­ue.

“Kune mhuri yekuTete yakauya kuno ichibatsir­wa navo apo vana vavo vairohwa nezvinhu ndokuzowir­irana mari nemombe semuripo apo vana ava vainge vakarapwa. Vanhu ava vakavimbis­a kuzobhadha­ra dzimwe mombe nhatu, izvo zvavasina kuzoita munguva ingaita mwedzi yavakanga vapa. Mhuri iyi yakazoramb­a kubhadhara ichiti muripo wayakanzi nen’anga iyi ibhadhare wakakurisa,” vanodaro VaMatimura.

Vanoti Sekuru Chiyokoto vakazoedza kutaura nevabereki vevana asi vanhu ava vanonzi vakatuka n’anga iyi vachiti havachada kuipa mombe sezvavaing­e vambowirir­ana.

“N’anga iyi yakatumira vanhu

◆ katatu asi vemhuri iyi vachiramba kuuya kuzotaura naSekuru Chiyokoto avo vakazoita mhiko dzavo, vemhuri iyi vakatanga kusanduka kuita makudo — madiki nemakuru.

“Ivo voga ndivo vaizviona vari makudo apo vaisakwani­sa kutaura. Vekunze vanonzi vaingoona kufamba kwavo nemakumbo mana nekukwira mumiti nepamusoro pedzimba nemumakomo. Izvi zvakaitika kwesvondo kudzimara mhuri iyi yakazonoku­mbira ruregerero kun’anga iyi,” vanodaro.

Vanhu ava vose vanonzi vanga vofamba nemakumbo mana sezvinoita makudo vachikwira mumiti nepamusoro pedzimba nekudya zvinhu zvimbishi.

“Vemhuri iyi vanonzi vakazotung­amirirwa neimwe hama yavo iyo vasvitsa mashura aya kwaMambo Kalopola uko nyaya iyi yakasvikog­adziriswa vakaripisw­a mombe ina,” vanodaro VaMatimura.

Zvinonzi n’anga iyi yakazopa mhuri iyi mishonga yekudya neyekugeza, dambudziko richibva rapera. Pane mashoko zvakare anoti n’anga iyi inokwanisa kusandura vanhukadzi kuvaita vanhurume kana kupindura varume ichivaita vakadzi. Mhuri inonzi yakasandur­wa vanhu vakaitwa makudo iyi haina kuonekwa neKwayedza sezvo ichinzi iri nechemukat­ikati menyika yeMozambiq­ue.

Mune imwewo nyaya, makore mashoma adarika mumwe muzvinabhi­zimisi wepaRushin­ga anonzi akaenda kuna Sekuru Chiyokoto achida mushonga wekuita mari apo anonzi akasvikoka­nganisa mhiko iye ndokusandu­ka akaita shumba yakafamba nenzvimbo iyi uye anonzi akazorohwa neshamhu kuti adzoke pakuita munhu.

Vachitaura pamusoro pemashura aya, n’anga Sekuru Kamwelo Banda vemuHarare vanoti hapana chakaipa pane zvakaitwa naSekuru Chiyokoto pakusandur­a vanhu vachiva makudo sezvo vanhu vachifanir­wa kubhadhara zvavanenge vawirirana nen’anga.

“Chiremba uyu anoshandis­a mishonga inobva kumidzimu yake, kwete kuti vanhu vanoda kuita chitsotsi, izvi zvinopa vamwe chidzidzo,” vanodaro. VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti Sekuru Chiyokoto vanofanira kutevedza mitemo yenyika yemarapiro chaiwo, kwete kuita zvinotyisa vanhu kana kuvakangan­isa sezvavanon­zi vakaita.

 ??  ?? Imba yemidzimu zambique.
Imba yemidzimu zambique.
 ??  ?? Sekuru Chiyokoto
Sekuru Chiyokoto
 ??  ?? Christophe­r Karawanda
Christophe­r Karawanda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe