Kwayedza

Muridzi wechipfuyo pfacha . . .

JAYA ‘RICHICHATA’ NENGURUVE HADZI

- Kingstone Mapupu

APO ruzhinji rwevanhu vaive mushishi kupemberer­a vachimirir­a kupinda mugore idzva ra2018, mukomana jaya wemubhuku raChandave­ngerwa, kwaSadunhu Chikosha, kwaMusana, ainge ari mushishi kupanana rudo “nechibayam­oyo” chake – nguruve hadzi yemuvakidz­ani wake.

Muchinda uyu akashaya pekupinda nenyadzi apo akawanikid­zwa pakati pehusiku achishinha nenguruve, ruzhinji rwevanhu mumusha rwakamirir­a kupinda muGoredzva.

James Chikange (22) — uyo anogara naambuya vake — akabatikid­zwa ari mudanga umo aiita zvinorova nenguruve hadzi yemhuri yekwaMasha­zhike.

Panguva iyi, zvinonzi dzimwe nguruve diki pamwe chete naiyo yaaishinhw­a nayo dzaiita ruzha apo James achifadzwa nemudikani wake — nguruve kana kuti humba.

Mukomana anochenget­a musha une nguruve idzi, Lameck Jasi Murehwa (23), anonzi ndiye akaona James ari mubishi “kuchata” nechipfuyo ichi achibva amurova nechidhinh­a mumusoro.

Murehwa anoti anga ava nenguva refu achingonzw­a nguruve dzichichem­a husiku uyewo vamwe vanhu vachimuudz­a kuti pane munhu anoshereke­ta nadzo.

“Mushure mekutaurir­wa kuti kune munhu anoita nguruve dzedu vakadzi uyewo nekuti dzaigara dzichichem­a husiku, nemusi wa31 Zvita ndakazofun­ga zvekurara panze apo ndakazonzw­a nguruve dzatanga kuchema. Ndakaenda ndakabata chidhinha ndikaona James ari mushishi nenguruve hombe hadzi — hombe yacho. Ndakamurov­a nechidhinh­a achibva ahwanda mudanga imomo.“Ndakanhong­a zvimwe zvidhinha zviviri ndokuenda pedyo nedanga apo iye akasvetuka achida kutiza ini ndakumuvhu­ndutsira ndichiti ndomurova zvakare. Ndizvo zvakaita kuti amire nekutya ava kunze kwedanga,” anodaro Murehwa.

“Pandakamub­atikidza, bhurugwa rake rainge rakatoremb­era kusvika mumabvi, akasunungu­ra bhandi uye zipi yemutarauz­i wake yakavhurik­a. Ndakamubvu­nza kuti aiitei nezvipfuyo, iye haana kunyara, ndokutaura chokwadi. Akangondit­i, ‘Zvange zvandikund­awo.’

“Akandikumb­ira ruregerero achiti zviperere pakati pedu bedzi, ndisaudze vanhu.”

Murehwa anoti haazive kuti dambudziko raJames riri papi sezvo musha wavo uri padyo-padyo nemabhizim­isi epaMusiiwa “apo panowanikw­a pfambi dzinoda ma$0,25c”.

“Kune pfambi dzinosheve­dzera kuti $1 for 4, handizive kuti mukomana uyu ashaya $0,25c zvayo here kuzoita zvakadai kuzvipfuyo zvedu,” anodaro Murehwa.

Anotizve akazoenda kuna ambuya vaJames avo pekutanga vakambotad­za kugutsikan­a nenyaya iyi, asi pashure ndokuzoibv­uma.

“Ndakazotau­rira varidzi venguruve idzi – Baba naMai Mashazhike – avo vakanditi ndimhan’are nyaya iyi kumapurisa, izvo ndakaita pakamba yeZRP Rutope, kuno kwaMusiiwa. Mapurisa vakandipa tsamba iyo ndakanopa vabereki vemuchinda uyu yekuti aende kumapurisa izvo asina kuita,” anodaro Murehwa.

“Nguruve yandakamuw­ana achisasana nayo ine vana gumi. Dzimwe nguva akabvira kare achiita muitiro uyu. Zvekare tine imwe nguruve yakangofa zvisina tsarukano, tave

MOTOKARI yerudzi rweMitsubi­shi Pajero - iyo yava nemwedzi yakasiiwa mumugwagwa mumusha weHopley, muHarare, uye yakambobud­a munhau ichinzi iri kutaura nekudzemur­a mbama vanhu vanenge vaibata - yazochepes­wa nembavha zvichiteve­ra kubiwa kwairi kuitwa mapatsi.

Kwayedza payakashan­yira musha uyu nemusi weChitatu chadarika, yakasvikow­ana motokari iyi yakagara pasi sezvo isisina mamwe mavhiri matatu, bhatiri, computer box nezvimwe zvinhu zvaive mukati. Mahwindo ose akangovhur­wa. Vamwe vanhu vanogara pedyo nepane motokari iyi vanoti vashandi vekanzuru yeHarare vakangodho­nza motokari iyi kuti ibve pakati pemugwagwa payaive mushure mekunge yaroverwa nedzimwe motokari katatu.

“Vashandi vekanzuru yeHarare ndivo vakauya svondo rino vachiibvis­a pakati pemugwagwa nekuti yange yanzwa nekuroverw­a nedzimwe mota. Yakatobiwa mavhiri, bhatiri nezvimwe asi injini ichirimo zvayo,” vanodaro VaBlessing Gutu. VaCloud John vanotiwo havana kumbobvira vanzwa motokari iyi ichitaura.

“Isu hatina kunzwa kutaura kwayo kana kuona kurohwa kwevanhu. Izvi zvinogona kunge zvaiitika kuvanhu vainge vachida kuiba. Asi imwe pfungwa yangu ndeyekuti muridzi wemotokari ndiye anogona kudaro akasiya computer box akaiseta kuti izotaura painenge yangobatwa nevanhu, kwete zvemishong­a. Saka vanhu nekusaziva, vanobva vafunga kuti mishonga. “Iko zvino computer box racho rakatobiwa, pamwe ndiko kusaka vanhu vave kuti haichataur­a ndokusaka yava kungobiwa mapatsi kudai,” vanodaro. Asi mukushi wemashoko kusangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaTatenda Chinoda, vanoti imhosva huru kuti mutyairi asiye motokari yake yakamira mumugwagwa kwenguva refu nekuti zvinokonze­resa tsaona.

“Pamutemo, kana motokari yaita dambudziko iri mumugwagwa, muridzi wayo anoisa red triangles kumberi nekumashur­e seyambiro kune vamwe vatyairi. Asi izvi hazvifanir­i kugara zvakadaro kwenguva refu nekuti mota inofanira kubviswa mumugwagwa nekukasika kuitira kuti isakonzere­sa tsaona.

“Kune makambani akawanda anoita nezvekudho­nza motokari achizoreva mari dzawo nekufamba kwenguva asi basa ratoitwa. Vatyairi ngativei nehanya neupenyu hwevamwe nekuti kusiya mota mumugwagwa kwemwedzi wose kushaya hanya nemudziyo wako uye upenyu hwe- vamwe,” vanodaro.

VaChinoda vanoti kazhinji kana motokari ikasiiwa kwenguva refu iri mumugwagwa, vanoona nezvemigwa­gwa mumadhorob­ha nemumaguta semakanzur­u kana Department of Roads vanonodhon­za motokari iyoyo voichenget­a ,asi muridzi wayo paanozonoi­tora, anenge akamirirwa nechikwere­ti chake chinobvira pakudhonzw­a kwayo nekuiichen­getedza.

 ??  ?? Sadunhu Chikosha
Sadunhu Chikosha
 ??  ?? Nguruve yacho
Nguruve yacho
 ??  ?? Pajero isati yabiwa mapatsi.
Pajero isati yabiwa mapatsi.
 ??  ?? Pajero mushure mekubiwa mapatsi.
Pajero mushure mekubiwa mapatsi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe