Muridzi wechipfuyo pfacha . . .
JAYA ‘RICHICHATA’ NENGURUVE HADZI
APO ruzhinji rwevanhu vaive mushishi kupemberera vachimirira kupinda mugore idzva ra2018, mukomana jaya wemubhuku raChandavengerwa, kwaSadunhu Chikosha, kwaMusana, ainge ari mushishi kupanana rudo “nechibayamoyo” chake – nguruve hadzi yemuvakidzani wake.
Muchinda uyu akashaya pekupinda nenyadzi apo akawanikidzwa pakati pehusiku achishinha nenguruve, ruzhinji rwevanhu mumusha rwakamirira kupinda muGoredzva.
James Chikange (22) — uyo anogara naambuya vake — akabatikidzwa ari mudanga umo aiita zvinorova nenguruve hadzi yemhuri yekwaMashazhike.
Panguva iyi, zvinonzi dzimwe nguruve diki pamwe chete naiyo yaaishinhwa nayo dzaiita ruzha apo James achifadzwa nemudikani wake — nguruve kana kuti humba.
Mukomana anochengeta musha une nguruve idzi, Lameck Jasi Murehwa (23), anonzi ndiye akaona James ari mubishi “kuchata” nechipfuyo ichi achibva amurova nechidhinha mumusoro.
Murehwa anoti anga ava nenguva refu achingonzwa nguruve dzichichema husiku uyewo vamwe vanhu vachimuudza kuti pane munhu anoshereketa nadzo.
“Mushure mekutaurirwa kuti kune munhu anoita nguruve dzedu vakadzi uyewo nekuti dzaigara dzichichema husiku, nemusi wa31 Zvita ndakazofunga zvekurara panze apo ndakazonzwa nguruve dzatanga kuchema. Ndakaenda ndakabata chidhinha ndikaona James ari mushishi nenguruve hombe hadzi — hombe yacho. Ndakamurova nechidhinha achibva ahwanda mudanga imomo.“Ndakanhonga zvimwe zvidhinha zviviri ndokuenda pedyo nedanga apo iye akasvetuka achida kutiza ini ndakumuvhundutsira ndichiti ndomurova zvakare. Ndizvo zvakaita kuti amire nekutya ava kunze kwedanga,” anodaro Murehwa.
“Pandakamubatikidza, bhurugwa rake rainge rakatorembera kusvika mumabvi, akasunungura bhandi uye zipi yemutarauzi wake yakavhurika. Ndakamubvunza kuti aiitei nezvipfuyo, iye haana kunyara, ndokutaura chokwadi. Akangonditi, ‘Zvange zvandikundawo.’
“Akandikumbira ruregerero achiti zviperere pakati pedu bedzi, ndisaudze vanhu.”
Murehwa anoti haazive kuti dambudziko raJames riri papi sezvo musha wavo uri padyo-padyo nemabhizimisi epaMusiiwa “apo panowanikwa pfambi dzinoda ma$0,25c”.
“Kune pfambi dzinoshevedzera kuti $1 for 4, handizive kuti mukomana uyu ashaya $0,25c zvayo here kuzoita zvakadai kuzvipfuyo zvedu,” anodaro Murehwa.
Anotizve akazoenda kuna ambuya vaJames avo pekutanga vakambotadza kugutsikana nenyaya iyi, asi pashure ndokuzoibvuma.
“Ndakazotaurira varidzi venguruve idzi – Baba naMai Mashazhike – avo vakanditi ndimhan’are nyaya iyi kumapurisa, izvo ndakaita pakamba yeZRP Rutope, kuno kwaMusiiwa. Mapurisa vakandipa tsamba iyo ndakanopa vabereki vemuchinda uyu yekuti aende kumapurisa izvo asina kuita,” anodaro Murehwa.
“Nguruve yandakamuwana achisasana nayo ine vana gumi. Dzimwe nguva akabvira kare achiita muitiro uyu. Zvekare tine imwe nguruve yakangofa zvisina tsarukano, tave
◆
MOTOKARI yerudzi rweMitsubishi Pajero - iyo yava nemwedzi yakasiiwa mumugwagwa mumusha weHopley, muHarare, uye yakambobuda munhau ichinzi iri kutaura nekudzemura mbama vanhu vanenge vaibata - yazochepeswa nembavha zvichitevera kubiwa kwairi kuitwa mapatsi.
Kwayedza payakashanyira musha uyu nemusi weChitatu chadarika, yakasvikowana motokari iyi yakagara pasi sezvo isisina mamwe mavhiri matatu, bhatiri, computer box nezvimwe zvinhu zvaive mukati. Mahwindo ose akangovhurwa. Vamwe vanhu vanogara pedyo nepane motokari iyi vanoti vashandi vekanzuru yeHarare vakangodhonza motokari iyi kuti ibve pakati pemugwagwa payaive mushure mekunge yaroverwa nedzimwe motokari katatu.
“Vashandi vekanzuru yeHarare ndivo vakauya svondo rino vachiibvisa pakati pemugwagwa nekuti yange yanzwa nekuroverwa nedzimwe mota. Yakatobiwa mavhiri, bhatiri nezvimwe asi injini ichirimo zvayo,” vanodaro VaBlessing Gutu. VaCloud John vanotiwo havana kumbobvira vanzwa motokari iyi ichitaura.
“Isu hatina kunzwa kutaura kwayo kana kuona kurohwa kwevanhu. Izvi zvinogona kunge zvaiitika kuvanhu vainge vachida kuiba. Asi imwe pfungwa yangu ndeyekuti muridzi wemotokari ndiye anogona kudaro akasiya computer box akaiseta kuti izotaura painenge yangobatwa nevanhu, kwete zvemishonga. Saka vanhu nekusaziva, vanobva vafunga kuti mishonga. “Iko zvino computer box racho rakatobiwa, pamwe ndiko kusaka vanhu vave kuti haichataura ndokusaka yava kungobiwa mapatsi kudai,” vanodaro. Asi mukushi wemashoko kusangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe, VaTatenda Chinoda, vanoti imhosva huru kuti mutyairi asiye motokari yake yakamira mumugwagwa kwenguva refu nekuti zvinokonzeresa tsaona.
“Pamutemo, kana motokari yaita dambudziko iri mumugwagwa, muridzi wayo anoisa red triangles kumberi nekumashure seyambiro kune vamwe vatyairi. Asi izvi hazvifaniri kugara zvakadaro kwenguva refu nekuti mota inofanira kubviswa mumugwagwa nekukasika kuitira kuti isakonzeresa tsaona.
“Kune makambani akawanda anoita nezvekudhonza motokari achizoreva mari dzawo nekufamba kwenguva asi basa ratoitwa. Vatyairi ngativei nehanya neupenyu hwevamwe nekuti kusiya mota mumugwagwa kwemwedzi wose kushaya hanya nemudziyo wako uye upenyu hwe- vamwe,” vanodaro.
VaChinoda vanoti kazhinji kana motokari ikasiiwa kwenguva refu iri mumugwagwa, vanoona nezvemigwagwa mumadhorobha nemumaguta semakanzuru kana Department of Roads vanonodhonza motokari iyoyo voichengeta ,asi muridzi wayo paanozonoitora, anenge akamirirwa nechikwereti chake chinobvira pakudhonzwa kwayo nekuiichengetedza.