Kwayedza

‘Usanyebe, handiyo mari yaunotambi­ra’

- Lizzy Mushoriwa

MUDZIMAI wekuendesa murume akamumitis­a kudare redzimhosv­a achida mari yekuchenge­ta mwana wavo akadya marasha achipomera samusha ava kuti vainge vaburitsa payslip yemanyepo seumboo hwekuratid­za mari yavanotamb­ira pamwedzi.

Margret Mapindu akadhonzer­a Milton Mashanda kuHarare Civil Court achida $150 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wavo.

“Changamire, ndinoda kuti baba ava vandipe mari yekuchenge­ta mwana inota $150 pamwedzi. Mwana uyu anoda chikafu icho chinoita $63 uye mari yepatinoga­ra $100 saka ngaandipe mari yandataura,” anodaro Mapindu.

Anoti Mashanda anohora $600 pamwedzi uye ane mukadzi nevamwe vana.

“Ane mukadzi nevamwe vana vana asi ini ndinongoda mari yandataura iyi nekuti uyu mwana ndewake, futi ini ndinoshand­a uye ndinotambi­ra $150 pamwedzi iyo isingakwan­e,” anodaro.

Mashanda anopikisan­a naMapindu achiti mari yaanoda yakawandis­a.

“Ini mari yauri kutaura handiikwan­ise, yakawanda uye ndine vamwe vana vashanu avo vanodawo kuchengetw­a neni.

‘‘Ndingatoku­pa $70 pamwedzi nekuti wako mwana mudiki, kana achinge akura unouya uye iwe unoshanda,” anodaro achiburits­a gwaro rinoratidz­a mari yaanotambi­ra.

Mapindu anobva amugamha achiti payslip iyi ndeyemanye­po.

“Gwaro iri handibvumi­rane naro, nderekunye­pa. Haunyare here ipapa? Buritsa gwaro chairo chairo,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMapindu ndokuti anofanira kuenda kubasa kwaMashand­a kunopihwa gwaro remari yaanotambi­ra.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe