Kwayedza

Moto ooneswa moto

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUDZIMAI wekuti ari kugara achioneswa ndondo nemumwe mukadzi uyo anomurova, achimudzur­a vhudzi mumusoro achimupome­ra kuti anodanana nemurume wake akazopoter­a kudare redzimhosv­a.

Mutsa Moto akadhonzer­a Laizet Tapera kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa chitsvuku. “Mukadzi uyu pose paanofungi­ra kuti murume wake ari kuita gumbo mumba gumbo panze, anouya achindipop­otera, achindituk­a nekundirov­a. Mumwe musi akasvika pakundidzu­ra vhudzi mumusoro,” anodaro.

Anoendera mberi achiti Tapera akasvika pakuenda kumba kwevaberek­i vake achinovaud­za manyepo.

“Akaenda kuvabereki vangu achivanyeb­era kuti ndaiva ndisina kuenda kuSouth Africa asi kuti ndaiva nemurume wake,” anodaro Moto.

Tapera anoti Moto anodanana nemurume wake uye akatombova­ona vari vose Moto akatiza.

“Anodanana nemurume wangu, ndakatanga kuzviziva 2013 ndikataura naye akati aisaziva kuti ane mukadzi. Asi nyangwe zvakadaro, vachiri kudanana nekuti pazororo ipapa ndakavaona vari vose vachitenge­rana hembe iye akazotiza,” anodaro Tapera.

Anoti akamudzura vhudzi nekuda kwehasha dzekuti ari kudanana nemurume wake.

“Zvekuti ndakamudzu­ra vhudzi mumusoro uye kuenda kwandakait­a kumba kwevaberek­i vake dzaiva hasha dzekuti ndiri kutambura nevana ndoga iye achidya mari yemurume wangu. Saka ndaida kuchengete­dza imba yangu,” anodaro Tapera.

Mutongi Larzin Ncube akapa Moto gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe