Kwayedza

Akatyorerw­a gumbo redhiyo yemubhawa

- Muchaneta Chimuka

KUDZIMA redhiyo yairira mumhanzi mune rimwe bhawa riri mumusha weRugare, muHarare, kwakazoita kuti mumwe mukadzi atyoke gumbo apo akasairirw­a nemumwe murume zvichiteve­ra botso rakamutswa nemaitiro ake.

Trymore Mavhunga wemuRugare imomo akamiswa pamberi pamutongi Josephine Sande nemhosva yekurova muvakidzan­i wake, Tarisai Zheke (33), uyo anogara kuBF Nyashanu Street, muRugare mekare.

Mavhunga akapihwa bhero re$50 uye akanzi adzoke kudare nomusi wa30 Ndira. Zheke anonzi akadzima mumhanzi wairira paredhiyo yemubhawa panguva iyo Mavhunga aiva mushishi kunakirwa nawo zvikaita kuti pamuke bongozozo.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akazivisa dare kuti nomusi wa15 Zvita 2017 kuma9 dzehusiku, Zheke aiva mubhawa rinonzi Mushazhike Beerhall, kuRugare, apo akatanga kupomerwa mhosva yekudzima mumhanzi naMavhunga.

Mavhunga anonzi akaenda kuna Zheke achishandi­sa chisimba ndokumudzi­pa pahuro achibva azomusaidz­ira, mukadzi uyu ndokupunzi­kira pavheranda zvikaita kuti atyoke gumbo.

Mavhunga anonzi akaramba akamudzipa pahuro kusvika azoranduts­irwa nevamwe vaive mubhawa umu.

Mushure mekuona kuti akanga akuvadza munhu zvakanyany­a, Mavhunga anonzi akabva atiza.

Zheke akazobatsi­rwa kuti amhan’are nyaya iyi achibva aendeswa kuchipatar­a uye magwaro ekwachirem­ba akabuda mudare seumboo achiratidz­a hudzamhu hwekutyoka kwaakaita gumbo remukadzi uyu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe