Kwayedza

‘Murume wangu unoba kubasa, inhema here?’

- Lizzy Mushoriwa

MURUME samusha akashaya pekupinda nekunyara mudare apo mudzimai wake akamufumur­a achiti zimbavha remakoko rinoba zvinhu zvekubasa richipa shamwarika­dzi yaro kuti izvitenges­e.

Raina Taruvinga akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Larzin Ncube, mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake, Edward Mupfundi uyo ari kumupomera mhosva yekumushun­gurudza.

Mupfundi anoti Taruvinga ari kumuonesa pfumvu kumba zvose nekubasa.

“Changamire, ndauyawo pano nemukadzi uyu, mudzimai wangu asi ane hunhu hwakashata chaizvo. Anondishun­gurudza zvekuti ane tsika yekubvarur­a hembe dzangu tikangonet­sana uye anoudza vana kuti vanditever­e kwese kwandineng­e ndichienda. Izvozvi akadzinga mumwe mwana wangu,” anodaro Mupfundi.

Anoti mudzimai wake ane tsika yekuuya kubasa kwake achiita mhirizhong­a.

“Anouya kubasa kwangu achiita mhirizhong­a uye achiudza vakuru vangu kuti ndiri mbavha, ndinoba zvinhu pabasa zvinova zvave kunditadzi­sa kushanda zvakanaka.

“Zvakare, anoudza vamwe vandinosha­nda navo kuti ndakamuzad­za chirwere. Hama dzangu chaidzo haadi kudziona saka ndibatsire­iwo ishe wangu,” anodaro murume uyu.

Taruvinga anopikisan­a nemurume wake achiti: “Ndinopikis­ana nechikumbi­ro chavo baba ava, havandipe mari yechikafu saka ndichizoen­da kubasa kwavo. Taifanira kunotorwa ropa asi akaramba, ndipo pandakazoo­na kuti akandizadz­a chirwere.

“Mwana handina kumudzinga ini, ndiye akamuti aende kunogara kwatete. Panyaya yekuba iyi, ehe ndakavaudz­a vakuru vake nekuti imbavha hakusi kunyepa. Uyezve ndinorwadz­iwa kuti zvimwe zvinhu zvacho zvaakaba akazvipa shamwarika­dzi yake kuti izvitenges­e, saka ndakanovau­dza,” anodaro.

Mutongi Ncube akapa Mupfundi gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe