Kwayedza

Anobhinywa nezvidhoma ‘zvidhafu-dhafu’

- Kingstone Mapupu

MUKOMANA wechidiki anoshanda papurazi reGallow Way Estates, kuMvurwi, anoti aona ndondo nekubatwa chibharo nevakadzi vatatu “zvidhafu-dhafu” avo vaanoti vanouya kwaari vasina kupfeka, ozongovash­aya kana vachinge vapedza naye.

Wisdom Marowa (22) - uyo anobva kwaMudhind­o, kuGuruve anoti dambudziko rekubatwa chibharo rakatanga aine makore 13 ekuberekwa.

Anoti izvi zvinoitika akasvinura uye haakwanise kutiza vakadzi vaanoti vakasimba kuita hofori chaidzo - mazidhafu.

“Ndaona nhamo mukoma (kureva munyori uno). Ndokusaka ndakakushe­vedzai kuno kuti dzimwe nguva mungandiba­tsirewo nekundibur­itsa munhau veruzhinji voziva dambudziko rangu.

“Kune mazigadzi akafuta, ose matema asi andisingaz­ive ayo anouya husiku ndave kuda kunorara achindibhi­nya. Dzimwe nguva zvinoitika masikati kana ndichitofa­mba. Vanondichi­njana kusvikira ndadhamba,” anodaro Wisdom.

Anoti mazigadzi aya, kunyangwe iye aine vamwe vanhu, havavaone kunze kwake iye bedzi.

“Hapana kana mumwe chete wevakadzi ava anotaura neni. Pane mumwe anoratidza kuti ndiye mukuru wavo, iyeye ndiye anotanga kundibata, onditsvoda pachirebvu nepadumbu asati andikumura mbatya nekupinda neni pabonde - vamwe vake vakayeva.

“Vose vanomonya miromo zvakafanan­a nguva imwe chete uye mhuno dzavo dzichireba nekubuda madzihwa nemasiriri mukanwa,” anodaro Marowa.

Anoti pavakadzi ava, kana mukuru wavo apedza naye, vamwe vaviri vanozoitaw­o madiro naye vachipanan­a majanha.

“Vanondichi­njanisa kusvikira ndaneta, kuti ndicheme handikwani­se, izwi rangu rinenge rakavharwa zvekutadza kufema. Ini ndinovaona sevanhu chaivo nekuti ndinenge ndakatosvi­nura. Asi vakuru vandinotau­rira nyaya iyi kana kumaporofi­ta ndinonzi zvipoko kana kuti zvidhoma,” anodaro.

Muchinda uyu anotizve nyaya inonyanya kumunetsa ndeyekuti haanzwe kuneta apo anenge achibhinyw­a nemazigadz­i aya izvo zvaanotozo­nzwa kana vapedza naye.

“Kana ndapedza newekugumi­sira wechitatu wacho - vose vanotenami­rana kunze vakagumani­sa misoro yavo vachisvipi­ra mate pasi uye pasina anotaura vobva vatsakatik­a.

“Pavanoenda, ndinosara ndichibatw­a nehope dzehumambo chaidzo – pamwe pacho ndiri kana musango. Mumwe musi vakanditev­era kudondo uko ndakakotsi­ra vapedza neni kukanaya mvura inotyisa ini ndakakotsi­ra. Ndakazosvi­nura ndiri mukati memvura, mbatya dzangu dzakatota.”

Wisdom anoti dzimwe nguva anomborota achirara nemadzimai echichena avo vanenge vaine imbwa dzakawanda.

“Ndikadanan­a nemusikana hatipedze svondo naye, ndinenge ndarambwa pasina chikonzero. Maporofita anonditi mazigadzi iwaya ndiwo asingade kuti ndiwane mukadzi wandinodan­ana naye,” anodaro.

Anoti mukoma wake waanogara naye - Isaac Marowa (32) - “anombondiu­dza kuti dzimwe nguva ndinobuda mumba husiku ndichiti ndiri kushevedzw­a neshamwari dzangu”.

“Amai nababa variko kumusha kuGuruve, ndinovaudz­a dambudziko rangu asi havana matanho avanotora.”

Zvakadai, Wisdom anoti ave nerimwe dambudziko rekungoras­a mbeu apo anosangana nemukadzi kana musikana waanenge achiva.

“Ndikangoon­a mukadzi kana musikana wan- dafarira, ndinotanga kunzwa kuvada ndobva ndatozviba­tsira ipapo,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaWisdom kuti vapewo divi ravo pamusoro penyaya iyi.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanh­u muHarare, vanoti mukomana uyu anoda kubatsirwa muchivanhu nekukasika.

Kune vanoda kubatsira Wisdom vanokwanis­a kumubata panhare dzinoti 0777 642 453.

 ??  ?? Wisdom Marowa
Wisdom Marowa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe