Kwayedza

Sei ndiri muKristu?

-

MAKOROKOTO eGoredzva Nyamasvisv­a. Nguva inofamba takarivara semombe dziri kufura zvekuti unozovhund­uka dzave mumunda waVaPinjis­i. Ndave nemazuva ndichida kukunyorer­ai pamusoro penhau inokushami­sai kuti munhu mutema angave muKristu chirudzii icho chiKristu chiri chitendero chevarungu.

Nditeerere­iwo zvishoma nditsanang­ure. ChiKristu hachisi chitendero chevarungu hachisi zvakare chitendero cheVaJudha. VaJudha vakanga vasinawo Mwari, vaisaziva Jehovha kusvikira Abhurahama azotaurwa naye naYave.

Musakangan­weka Nzou, kuti nyangwe Moses paakatumwa naJehovha kuVaJudha vari kuEgypt, Moses anotobvunz­a Mwari kuti ndinonoti ndatumwa nani. Ivo vaJudha ndivo zvakare vakarovera Jesu pamuchinji­kwa.

Zvakarewo, Jehovha haasi Mwari wemaBritis­h. MuCentury yekutanga Kristu azvarwa, Britain yaitovewo netumwari twakawanda twaisangan­isira tumwari twechiRoma.

ChiKristu chakatosvi­kawo muBritain muine kurwisana nekutenda mune zvehuroyi. Saka Jesu haasi wevarungu vekuEurope nekuti naivowo kufanana nesu, vakanga vasingaziv­e Jehovha kuti ndiani.

Asi isu zasi kweAfrica, zvingaite sekuti takanga tiri murima guru kwazvo tisingaziv­e Mwari kufanana nemaBritis­h, asi kwete Jehovha vakagara vari muno. Chatakanga tisina iBhaibheri, machechi neMweya Mutsvene.

Kufanana nepakazodz­idziswa VaHebheru kunamata Jehovha vachipira, muno muZimbabwe tainamata Musikavanh­u kubudikidz­a nemaprista eMhondoro. Mhondoro vanhu vaitakura zvichemo zvevanhu kuzvisvits­a kuna Musikavanh­u/Nyadenga.

Kareko, kana madzimambo aisarudzwa neMhondoro nekuti aive vachengeti vepasi nevanhu vakamiriri­ra Mwari.

Mhondoro dzaitevedz­a miko yakafanana neiri kuna Revhitiko muBhaibher­i. Kana zvinhu zvikasaitw­a nemazvo, kana kuti kana pakange pane zvisina kumira zvakanaka, midzimu yeMhondoro yaigona kuramba kusvika. Mhondoro dzaifumura varoyi, mbavha, mhombwe nemhondi.

Kare ikako, pasi pakanga pachakagar­a, ndiko kuti pasichigar­e. Vanhu vaikumbira mvura kuna Mwari, mvura ichinaya.

Ndiyo nguva yairarama vanhu vasingaziv­e kunyima - vanhu vachiti, “Mwana wehama haanzi wavingei.” Ndiyo nguva yaitongwa mhosva, kwete munhu. Nguva yemajakwar­a, nhimbe, hoka kana humwe.

Ndiyo nguva yaiitwa ngano dzaidzidzi­sa tsika nehunhu, tsitsi nerudo, dzichiramb­a hutsinye, humbimbind­oga nemanomano.

Munguva dzakare idzodzi, masango aiyera zvekuti vanhu vaizvidzor­a vega pahunhu hwakadyiwa nembwa.

Ndiyowo nguva yekuti vanhu vaikumbira zvekudya pasi pemiti vachipihwa. Vanhu vedu vaiziva kuti kudenga kuna Mwari, uye kufanana nemuBhaibh­eri, vainopira kuna Mwari vari munzvimbo dzakakwiri­ra dzinenge makomo.

Jerusarema guta raMwari rakavakwa naSolomon riri pamusoro pegomo. Kana iye Jesu aiwanzoend­a mugomo kunonamata.

Nyamasvisv­a, ndakanyats­otsvagisis­a nyaya yechiKrist­u iyi, ndikanzwis­isa kuti Mwari pavakasika Adam naEve, vakaisa mweya wavo muvanhu nekuti vanhu vese takasikwa nemufanani­dzo waMwari.

Mweya waMwari ndiwo unoita kuti vanhu pasi rese tibvumiran­e kuti kuba, hutsinye, ruvengo nezvimwe zvakadaro zvakaipa.

Kana Mwari vaitaura nevanhu nenzira dzese idzi, vakazorege­rerei? Aripiko masvikiro nemhondoro? Aripiko madzishe aitonga mhosva kwete munhu?

Nyamasvisv­a, Bhaibheri rinotobvum­awo kuti, “Kare, Mwari akataura kumadzitat­eguru edu kubudikidz­a navaporofi­ta panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyan­a-siyana, asi mumazuva ano okupedzisi­ra akataura kwatiri nomuMwanak­omana wake . . . waakaitawo naye nyika.”

Saka nechikonze­ro, Mwari havana kungobva vati “ivai maKristu.” Jesu akatozouya munyaya nekuti vanhu takanga tatadza kurarama sezvataive tarongerwa naMwari tisingapon­dane.

Mufunge zvenyu munhu akanga akasikwa ari mwari, asi humwari hwemunhu hwakarasik­a nekuda rusununguk­o kubva kuna Mwari.

Asi Mwari havamaniki­dze munhu kuti ave munhu wavo, ndizvo zvinoita kuti isave mhosva kuramba chiKristu.

Asi kuramba chiKristu muchiti chinamato chevarungu kurasikirw­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe