Kwayedza

Yakatora mukombe, mari kuSouth Africa

- Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheSt John’s High School Emerald Hill icho chiri muHarare nguva pfupi yadarika chakahwinh­a mukombe mukuru mumakwikwi ekurodza pfungwa dzevana ekwizi (quiz), eThabo Mbeki Legacy Trophy, kuSouth Africa.

Mukuru wechikoro ichi, VaFrancis Mashonga, vanoti vana vavo vakadadisa apo vakakunda vamwe vemuZimbab­we, Zambia neSouth Africa mumakwikwi aya.

“Ndiri kunzwa kufara zvikuru kuti chikoro chedu ndicho chakatora mukombe uyu chakamirir­a Zimbabwe pamakwikwi akaitwa pakati penyika nhatu idzi.

‘‘Uyu muchereche­dzo wekuvandud­za kwatiri kuita dzidzo yedu senyika uye sechikoro.

“Ndiko kekutanga sechikoro kutora mukombe uyu. Izvi ndinovimba zvinopa vadzidzisi vedu manyukunyu­ku ekuti vaenderere mberi nekupa dzidzo yepamusoro kuvana,” vanodaro. “Zvinofadza­wo zvakare kuti vana vedu vane hunyanzvi hwekukwikw­idza vakamirira nyika yeZimbabwe. Kuti chikoro chedu chizopinda mumakwikwi aya, chakanga chiri pazvikoro zvitanhatu zvakakunda pamakwikwi akaitirwa muno munyika ekusarudza shasha dzaizoenda kunokwikwi­dza kuSouth Africa.

“Pazvikoro zvitanhatu zvakaenda zvakamirir­a Zimbabwe, tisu takazotora chidanho chekutanga kukunda zvatakaend­a nazvo pamwe chete nezvekuSou­th Africa neZambia,” vanodaro VaMashonga.

VaMashonga vanoti chikoro chavo chakawana mibairo yakasiyana zvichiteve­ra kukunda kwavakaita mumakwikwi aya.

“Kutora kwatakaita chi- danho chekutanga uku kwakaita kuti tiwane mukombe, mari yakapihwa kuchikoro inoita R15 000 pamwe chete neR850 000 yemabhezar­i (scholarshi­ps) evana vakakwikwi­dza vepachikor­o chedu yekuti vazoshandi­sa kana vava kuita zvidzidzo zvavo zvepamusor­o kana vapedza zvesekonda­ri kunyika yeSouth Africa kana muno muZimbabwe.

“Chikoro chedu ishasha panyaya dzedzidzo nekuti mugore ra2017 takawana mukombe we2016 Best A-Level Results uye takanga tiri paTop 4 Best Cambridge A-Level results. Uyu muchereche­dzo wekukoshes­a kwatinoita kuti vana vave shasha mukugona muchikoro,” vanodaro.

Vanotiwo pachikoro chavo vanokurudz­ira hunhu hwa- kanaka kuvana sezvo vari ivo vatungumir­iri vamangwana.

Pamusoro pezvo, vanosimudz­ira zvipo zvevana mune zvakasiyan­a kunze kwekugona muchikoro sezvo zvose zvichiumba ramangwana ravo.

 ??  ?? VaFrancis Mashonga vachitarid­za mukombe wakahwinhw­a nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi kuSouth Africa
VaFrancis Mashonga vachitarid­za mukombe wakahwinhw­a nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi kuSouth Africa
 ??  ??
 ??  ?? VaFrancis Mashonga vachitarid­za mari yakahwinhw­a nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi
VaFrancis Mashonga vachitarid­za mari yakahwinhw­a nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe