Kwayedza

Zvechikoro zvakakwira mitengo

- Muchaneta Chimuka naGamuchir­ai Muzanenham­u

RAKANGA riri besanwa svondo rino muzvitoro zvinotenge­sa mbatya nemidziyo yechikoro muguta reHarare apo vabereki nevana vaigadziri­ra kuvhurwa kwezvikoro Chipiri chino.

Kwayedza yakaita ongororo muzvitoro zvikuru zvinotenge­sa mbatya dzechikoro ikaona vabereki vachitenge­ra vana vavo matirangi, mabhuku, shangu, mayunifomu nezvimwe kunyangwe zvazvo vakawanda vavo vaichema-chemawo nekuda kwekukwira kwemitengo.

Nerimwewo divi, mapurisa ekanzuru yeHarare akange achiita gonzo nachin’ai nevatenges­i vepanze, avo vaitengese­ra zvinhu zvavo pamisiwo yezvitoro zvisiri pamutemo.

Mai Samsom Mwendera vekuMufako­se vanoti vakaona zvakakosha kuti vatengere mwana wavo yunifomu muzvitoro zvepamusor­o nechikonze­ro chekuti dzakasimba.

“Kutaura chokwadi mayunifomu akakwira mitengo zvakanyany­a. Temu yadarika, ndakatenge­ra mwana wangu yunifomu muchitoro chino ichiita $25 asi temu ino yava $32, hamuone kuti kudhura kwakanyany­a? Ko icho chasanduka chii? Isu vabereki ticharamba tichingoom­erwa,” vanodaro.

Paongororo yakaitwa neKwayedza muzvitoro izvi, shangu dzechikoro idzo dzaiita $10-$15 temu yadarika dzakwira kuenda pa$20-$25, mabhuku aiita $1 ava pa$1,25-$1,50, zvinyoreso zvaiita $0,10 c zvakwira kuenda pa$0,25c.

VaJames Ngwaruwata vekuSunnin­gdale 1, muHarare, vanoti vanosarudz­a kutengera vana vavo mayunifomu

emuchitoro nekuti epanze anenge anzwa nekurohwa nezuva.

“Ini hangu ndinofarir­a kuti mwana aende kuchikoro nembatya dzakanaka. Handidi zvigamba sezvataiit­a isu nekuti vabereki vedu vaitambura. Ndiri kutotenga muchitoro chino (zita tinaro) nekuti machira emayunifom­u avo ndeemhando yepamusoro uye mwana anotopedza gore

◆ rose ainawo.

“Hongu, mayunifomu epanze akaderera pamutengo asi kana pakaita dambudziko rekuti mwana atadza kukwana, unogona kutadza kuzowana munhu akakutenge­sera nekuti vanhu vanongofam­baka uye hapana marisiti,” vanodaro.

Zvichakada­i, VaEvans Mangwiro vanova operations manager kukambani inotengesa midziyo yechikoro yeEnbee vanotenda kanzuru nekurwisa vatengesi vepanze sezvo vachidzose­ra bhizimisi ravo kumashure.

“Vatengesi vepanze idambudzik­o guru kumabhizim­usi edu nekuti havana mitero yavanobvis­a seyemagets­i, mvura, kana mitero yekuHurume­nde (taxes) nezvimwe. Vanongouya chete kuzotibira makasitoma nekudaro vanodzikis­ira budiriro yenyika nekuti Hurumende inogumisir­a yava kushaiwa mari dzayo dzemitero.

“Tinotenda kuti mwaka uno vabereki vazhinji vari kutenga nekuti ziyo yepanze vakadzidza muzvitoro haina kuti zvedu mid- chimuko,” vanodaro.

Vanoti dambudziko rekushaikw­a kwemari yekunze kumabhengi nenguva ndiro riri kuita kuti mimwe mitengo yemidziyo yechikoro ikwire. VaMangwiro vanoti vari kupawo mikana yekuti vashandi veHurumend­e vakadai sevari muchiuto, vari papenjeni nevamwe vakwanise kutenga zvinhu zvechikoro nezvikwere­ti vachizobha­dhara pashoma nepashoma.

 ??  ?? Vabereki ava vaitenga mayunifomu evana nemimwe midziyo inoshandis­wa kuchikoro zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro svondo rino.
Vabereki ava vaitenga mayunifomu evana nemimwe midziyo inoshandis­wa kuchikoro zvichiteve­ra kuvhurwa kwezvikoro svondo rino.
 ??  ?? Vana vepaAnders­on Adventist Secondary School vari mubhazi vave kudzokera kuchikoro svondo rino neMuvhuro.
Vana vepaAnders­on Adventist Secondary School vari mubhazi vave kudzokera kuchikoro svondo rino neMuvhuro.
 ??  ?? Vatengesi vepanze pezvitoro.
Vatengesi vepanze pezvitoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe