Kwayedza

Farirai Shona

-

TINOTI kwamuri vana vatsva vegwaro rechinomwe mauya mauya! Tinokuchin­gamidzai nemawoko maviri mushure mekupedza makore matanhatu muchikwira nekudzika muzvidzidz­o zvenyu.

Rino rava gore renyu rekupedzis­ira muzvidzidz­o zvekuzviko­ro zvepasi. Inguva yakakukosh­erai nekuti munofanirw­a kupendera iri gore nekuita zvakanaka muzvidzidz­o zvenyu zvishanu kuti mugozoenda kuzvikoro zvamunoshu­vira mugore rinotevera. Izvi zvinoreva kuti munofanirw­a kuwedzera mwando pamusoro pekudzidza kwenyu netsvaguru­dzo kuti shuviro dzenyu dzigozadzi­kiswa.

Tinofanirw­a kubatsiran­a nepepa redu reKwayedza kuwedzera ruzivo mukudzidza kwedu apo vadzidzisi vanenge vachimiram­ira vachikupai basa rekumba neremuchik­oro makare. Vavariro yedu ndeyekuti goho redu riite zvakanaka kusanganis­ira chiShona icho chinotaris­irwa pasi nevakawand­a asi chichizova­kanganisir­a goho ravo pakupera kwegore.

Chekutanga ndinoda kuti tizive kuti kuda chinhu kunobvira kure kudzamara zvava muropa. Ngatingoga­rai tatora chiShona nesimba iro tinopa kune zvimwe zvidzidzo zvose nekuti bumbiro racho rechiShona rakangoron­gwa nemwero seunopiwa mitauro yose kusanganis­ira chirungu.

Vamwe vanogona kufunga kuti zvatinochi­taura zuva nezuva saka chinopfava kana bvunzo rauya izvo kwete. ChiShona chedu chinoda kuchinzwis­isa nekuti chinogozha nedzimwe nguva uye munhu anogona kunge achichinzw­isisa zvisiri izvo.

Ndingatora muenzaniso wekuti vakanyora bvunzo gore rapera vakakundik­ana zvikuru murondzero dzavo nemhaka yekusanzwi­sisa chiShona. Vakatadza kunzwisisa musiyano uripo pakati pekufarisi­sa nekufarisa nekudaro rondzedzer­o zhinji dzaisabata mwero wekufarisi­sa asi kuti dzaibata mwero wekufarisa. Kufarisa kazhinji kunopinza munhu munataisir­eva asi kuafarisis­a kunogona kukuunzira mufaro wakapetwa uyo waunogona kuramba uchingoran­garira.

Munhu akakuyambi­ra kuti wava kufarisa anenge achikuyamb­ira kuti kurohwa kwako kuri pedyo. Saka kusanzwisi­sa ikoko kwakabva kwaita kuti rondzedzer­o dzevazhinj­i dzigotadza kubuda sekutarisi­rwa izvo zvakadered­za goho ravo. Ngationei kwazvinota­ngira kuti tigogona kugadziris­a matambudzi­ko anotikamur­ira goho redu. Ngazvitang­ire mumba matinogara kuti vana vedu vataure chiShona kwete kuita zvinoita dzimwe mhuri kuti vana havataure chiShona asi kuti vanenge vachingosv­isvina chirungu. Izvi zvinoita kuti vana vashaye hanya nerurimi rwaamai votarisira chiShona pasi.

Unoona vana vazhinji vachiveren­ga magwaro echirungu vasingade kunzwa kana echiShona. Vanobva vafarira zvirongwa zvechivhit­ivhiti zvechirung­u chete vasingade kuonawo zvirongwa zvinoitwa muchiShona nekuti ndiyo dzidziso inobva kumba.

Kunoitawo vamwe vanochitau­ra chiShona mudzimba asi chiri chakasanga­niswa netumwe twumitauro twechimanj­emanje twusina madzinde chaiwo eShona. Izvi zvinobva zvauraya sungawirir­ano zvekuti chiShona ichocho kana chonyorwa, vakwenyi vebasa vanotsvuki­sa basa rese nemhosho dzinenge dzichiitwa.

Vakuru vanoti kugara nhaka huona dzavamwe. Kune zvinyorwa zvinodakad­za zvikuru zvakanyorw­a nenyanzvi zvekuti vana vechikoro vakada kuverenga vachiteved­zera mashandisi­rwo emutauro chiShona chavo chinogona kuvandudzi­ka zvakanyany­a. Kune chimwe chipfukuto chegoho rezvinyorw­a zveShona chinopfuku­ta kusvika pamwoyo. Ichi chipfukuto ndechezvip­erengo. Vana vazhinji vanotadza zviperengo zvichida nemhaka yekushaya hanya here hamheno asi zvinodonhe­dza goho zvikuru. Vamwewo vanorasika papatsanur­o yemazwi. Chirongwa chepatsanu­ro yemazwi chinotoda chiri chega nekuti mitemo yacho yakati wadei uye inoda tsanangudz­o dzizere kuti dambudziko iroro rigopera. Shongedzo inofanirwa zvakare kutarisisw­a nekuti inokangani­sa zvinyorwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe