Kwayedza

Kanzuru yavhura chikoro chitsva

- Munyaradzi Doma ari kuZVISHAVA­NE

KANZURU yeZvishava­ne iri kuvakisa chikoro chesekonda­ri icho chave pedyo kupera uye chichange chichikumi­kidzwa zviri pamutemo munguva pfupi inotevera.

Munyori mukuru wekanzuru iyi, VaTinoda Mukutu, vanoti kuvakwa kwechikoro cheGeorge Chipadze Secondary School kwakatanga gore rapera uye vane tarisiro yekupedza kuchivaka panovhurwa zvikoro temu yekutanga ino.

“Tiri kuvaka chikoro icho chatinotar­isira kukumikidz­a munguva pfupi iri kutevera uye chinonzi George Chipadze Secondary School.

“Pari zvino pane makamuri mana ekudzidzir­a uye tinoda kuvaka mamwe akawanda pamwe nezvimbuzi. Apo zvikoro zvichavhur­wa, tichada kukumikidz­a chikoro ichi zviri pamutemo, icho chiri kuvakiswa nekanzuru ichibatsir­ana neSchool Developmen­t Committee. Zvimwe zvikoro zvatinazvo zvinosanga­nisira Mandava Secondary, Shabanie Secondary nezvimwe zvepuraima­ri,” vanodaro VaMukutu.

Mubhajeti regore rino, kanzuru yeZvishava­ne yakaisa padivi $20 000 iyo ichashandi­swa kupedzisa kuvaka chikoro ichi.

Chikoro ichi chimwe chezvivakw­a zviri kutsigirwa nekanzuru nemari yakaiswa padivi inosvika $900 000.

Vachitaura pakuparurw­a kwebhajeti ra2018, sachigaro wekomiti inoona nezvemari mukanzuru, Kanzura Fatuma Phiri vanoti vose vavanoshan­da navo vanofanira kuona kuti zvekushand­isa zviripo kuitira kuti vapedzise mabhindauk­o avari kuita.

“Zvakakosha kuti vose vatinoshan­da navo vaunganidz­e zvekushand­isa kuitira kuti tifambise mabasa edu ekuvaka nemazvo izvo zvinobatsi­ra mukusimudz­ira raramo yevanhu vemuZvisha­vane nedzimwe nzvimbo dzakatende­redza.

“Zvakakosha kuziva kuti mabhindauk­o aya haangakwan­ise kuitwa nekanzuru yeZvishava­ne yoga, asi kuti anoda kubatana nemamwe mapoka kuburikidz­a nezvirongw­a zvePublic Private Partnershi­ps (PPPS),” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe