Kwayedza

Fall armyworm yorongerwa

- Muchaneta Chimuka

CHIKAMU chinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezvirimw­a chePlant Protection Research Institute (PPRI) - icho chiri pasi pebazi rezvekurim­a - chinoti chakatanga chirongwa chekudzidz­isa madhumeni kuti abatsirane nevarimi mukucherec­hedza pamwe nekudzivir­ira makonye efall armyworm senzira yekuderedz­a kuparadzwa kuri kuitwa zvirimwa.

Dambudziko remakonye efall armyworm rakarura munyika muno kubvira gore rapera apo akakangani­sa goho mumatunhu ose.

Ongororo yakaitwa nechikamu chePRR1 inotaridza kuti kune mamwe makonye netwumbuyu twuri kuparadza goho, zvikuru sei rechibage, kunze kwefall armyworm.

VaShingira­yi Nyamutukwa vanove muongorori (researcher) kuPRRI vanotsinhi­ra nezvekupar­adzwa kuri kuitwa zvirimwa nemakonye efall armyworm asi vanoti kune mamwe makonye netwumbuyu twakagara twuriko turi kuparadza zvirimwa.

“Makonye netwumbuyu utwu kana zvikasadzi­virirwa nenguva zvinoparad­za goho zvakaipisi­sa. Tiri kufundisa madhumeni nezvemakon­ye efall armyworm kuitira kuti vakwanise kuchereche­dza makonye iwayo uye kuti anobereka nenzira ipi kuitira kuti titsvake nzira kwadzo dzekudzivi­rira. Zvinhu zvi- norwadza kuti vamwe varimi havasati vava kuziva nezvemakon­ye efall armyworm nokudaro vave kuti pese panoparadz­wa goho ravo netwumwe twumbuyu vanenge vachingoti ifall armyworm. Kutadza kuziva mhando yetwupukan­ana twunenge twuri kuparadza goho kunoita kuti varimi vashandise mishonga isiri iyo mukudzivir­ira,” vanodaro.

VaNyamutuk­wa vanoti bazi ravo rine mishonga yakawanda yekurwisa udyi hwezvirimw­a uye kune zvikwata zviri kuita ongororo kumatunhu akasiyana.

“Zvakakosha kuti varimi varwise makonye netwumbuyu twunoparad­za goho ravo twuchiri twudiki. Vanamudhum­eni vachafundi­sa varimi nzira kwadzo dzekurwisa makonye aya,” vanodaro.

Mutevedzer­i wegurukota rinoona nezveminda, kurima nekusimudz­irwa kwemaruwa VaDavis Marapira, nguva yadarika vakakurudz­irawo varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo kuti vaone mhando yetwumbuyu kuti twudziviri­rwe nenguva.

“Varimi vanofanira kukwasha rubatsiro kubva kumadhumen­i, havafaniri kungoshand­isa chero mishonga yavanenge vawana nekuti zvinoita kuti twumbuyu kana makonye anenge aripo ave anokundika­na kurwiswa nemishonga iyo inogona kuparadza zvirimwa nenharaund­a,” vanodaro.

 ??  ?? Dambudziko remakonye efall armyworm rakarura munyika muno kubvira gore rapera apo akakangani­sa goho mumatunhu ose.
Dambudziko remakonye efall armyworm rakarura munyika muno kubvira gore rapera apo akakangani­sa goho mumatunhu ose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe