Kwayedza

Bhinzi: ‘Nyama yemugadhen­i’

- Aaron Chipatiso

KUKAMBANI yePrime Seed Co tine mhando dzebhinzi dzakasiyan­a dzinonyany­a kudyiwa dzakaoma (sugar beans) nedzinodyi­wa dzichiri nyoro (greenbeans).

Binzi dzakanakir­a utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri.

Binzi dzinorimwa nguva dzose munzvimbo dzisingaro­hwi nechando kana kuti kubva munaNyamav­huvhu kusvikira muna Kukadzi munzvimbo dzinorova chando.

Kana mamiriro ekunze achidziya zviri pakati pe1528°C, binzi dzinowanik­wa kuPrime Seed Co dzinoita chaizvo dzichipa murimi gohwo rakanakisa. Bhinzi ndiyo “nyama yemugadhen­i” sezvo dzichipa chikafu chinovaka muviri chinonzi icho maprotein.

KuPrime Seed Co tine mbeu dzebhinzi dzakasiyan­a-siyana dzinosanga­nisa Sugarbonus, Bounty (dzinoomesw­a), Volta, Adele, Salima, Makatini neCassidy (greenbeans dzichangob­urwa). Idzi mbeu imando yepamusoro uye dzichipa gohwo rakakura.

Ndinoda kutaura nezvemhand­o yebeans ine mukurumbir­a inonzi Sugarbonus, Bounty neVolta.

Sugarbonus neBounty:

Idzi ibhinzi dzekurima kunyanya mwaka uno watiri. Dzine gohwo rakanaka rinobva pa2.5 kusvikira pa3 tonnes pahekita.

Volta:

Volta ibhinzi dzinodyiwa dziri nyoro uye ndedze mhando yepamusoro inoshingin­girira kuzvirwere zvakawanda. Volta inobereka zvakanyany­isa zvekuita 13 tonnes pahekita. Volta inotora mazuva 70 kuti uikohwe.

Adele:

Adele ibhinzi inobereka vana vakareba 14cm kusvikira 16cm.

Kurimwa kwebhinzi:

Bhinzi dzinodyarw­a kubva muna Nyamavhuvh­u kusvika kutanga kwaChivabv­u. Bhinzi dzinotora mazuva 60-80 dziri mumunda kubva munguva yokudyarwa kusvika kukohwa. Bhinzi idzi dzinoda kudziya kwekunze kunova kuri pakati pe16-21 degrees celcius.

Bhinzi rinoda kurimwa muivhu rinofamba mvura nemhepo zvakasunun­guka (well drained soil) uye richicheng­etedza mvura zvakafanir­a (good soil retention moisture).

Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavi­rira nekakutapi­rira kari pakati pe5.5-6.0pH. Ndinokurid­zira kuti ivhu riongorerw­e navanamazv­ikokota vevhu kuitira kuti murimi azive kuvava kana kutapira kwevhu rake nguva ichipo sezvo panogona kuonekwa dambudziko muvhu macho, wobva wagadziris­a mwaka usati watanga. Pakudyara panodiwa fetireza yepasi (Compound C) inoita 800-1000kgs pahekita imwe chete muivhu rakareruka, 400-500kgs pahekita muivhu rakakora. Kana iri fetireza yepamusoro (AN), shandisai 300kgs pahekita muvhu rakareruka inopatsanu­rwa mukudira kubva muvhiki rechitatu zvichienda mberi kusvikira nguva inotanga kubuda maruva.

Asiwo fertireza yepamusoro inoiswa iri shoma muvhu riya rinenge rakakora. Panodiwawo imwe mhando yefer- tireza yepamusoro inonzi Sulphate of Potash (S.O.P) inoiswa nehuhwandu hwe75100kg­s pahekita yoga yoga.

Huwandu hwechirimw­a chebhinzi hunokuridz­irwa pahekita i300 000 zvichireva kuti mbeu inodikanwa kuburitsa huwandu uhwu i65kgs kusvikira 100kgs.

Kana tichidyara bhinzi, tinokurudz­ira kudzikisa mbeu zvinoita izvo 25mm muivhu. Bhinzi idzi dzinoparad­zaniswa 50-100mm mumutsara uye 400-600mm kubva pane rimwe raini kusvika pane rimwe. Rimirai bhinzi kumunda uri kunobva mhepo kana uchinge uchirima mbesa dzakasiyan­a-siyana kuitira kuderedza twumbuyu twakaita senhata uye zvirwere zvakaita serust.

Mvura yekudiridz­a inodiwa inoita iyo 300mm-500mm asi chakakosha kusadiridz­a zvishoma kana zvakanyany­isa nekuti zvinokonze­ra matambudzi­ko akawanda pakurima bhinzi idzi sekudonha kwemaruva kana kubhenda kwebhinzi dzacho.

Murimi anokurudzi­rwa kutanga kukohwa bhinzi dzake kana pwapera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.

Ruzivo urwu rwunowanik­wa kumadhumen­i enyu ePrime Seed Co ayo akatekeshe­ra neZimbabwe yose.

Pakurima bhinzi murimi anofanirwa kugadzirir­a mishonga yekuuraya nhata netwumwe tunobhurur­uka twunonzi whitefly negonye rinonzi bean stem maggot.

Kana uchinge watenga mbeu yako inobva kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo rwuzere maererano nemarimirw­o echirimwa ichocho zvigokupa gohwo rakanakisa. Iva murimi akarongeka anotenga mbeu yebhinzi inobva kuPrime Seed Co. Wana ruvizo kubva kunyanzvi dzekuPrime Seed Co tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu. Mari iri mumbeu dzePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu. Rambai muchiveren­gwa zvinyorwa zvino kuti mudzidze zvakawanda kubva kunanamazv­ikokota vePrime Seed Co.

Aaron Chipatiso murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika pa: 0732 884 759.

 ??  ?? Binzi dzakanakir­a utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri.
Binzi dzakanakir­a utano sezvo dziine zvatingati zvidhinha zvinovaka muviri.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe