Kwayedza

MANGA MUCHIZVIZI­VA HERE ?

-

NZIRA yekutanga kushandisw­a pakurera mhuri kuti madzimai asaite pamuviri inozivikan­wa pasi rose ndeyendove yegarwe iyo inonzi yakatanga kushandisw­a kunyika yeEgypt muna 2000 BC - Wikipedia.

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Mukushava, vamwe venyu voita hwedzvatsv­atsva pose pafungirwa pomhanyirw­a, asi iwe gona kuronda gwara rimwe chete.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Chibate-tsve choita kuti vamwe venyu vasapedze kutevedza gwara ravo rebudiriro, rega kuita mavato pakutevedz­a miono yako.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Pakushava rega kuzvitende­ra kusvika pakupererw­a nemazano, uye usarambire mune zvakamboku­yamura mune ranezuro.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Vakawanda venyu vakatarisi­ra bvoorero kubva kure, asi nyenyedzi yenyu yoratidza kuti kukunda kwenyu kuri pedyo nemi.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Mukuita sarudzo dzeupenyu rega kuchimbidz­a kumedza kutsenga uchada, mwaka wako wekutora nguva uchizeya.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Muchasanga­nidzana nevamange mave nenguva musati maona, vachakunon­gedzerai kune zvitsva zvamange musina tarisiro yazvo.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Ravidzo yetwakanak­a muupenyu yaswedera, mazuva enyu ekugona kugamuchir­a zvamunotam­bidzwa.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Paimboita sepasingas­vikirike pave kuita pachisviki­rika, ramba uchizviswe­dera pedyo nezvaunosh­uvira. Murudo zvakanaka.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Pakuita zvinhu regai kuteta. Zvikuru zvamunotar­isira zvichauya mushure mekuzama zvizhinji.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Sekutaurwa kwazvo nevakuru chidembo hachivhiyi­rwe pane vanhu, zivai nyaya dzekusatau­ra pachaunga.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Kune vaikuzvidz­a vaikutaris­ira pasi nekukushor­a asi mwaka uno vachakutsv­aga vachida ruyamuro kubva kwauri.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Kune vachakusun­dira mukushanda mumazuva anotevera, rangarira chirevo chavakuru ati rima ati udye, mukuteya mariva zvibatwa zvirimo.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe