Kwayedza

Nhabvu izere chitsotsi: Pasuwa

- Abel Ndooka

Anopa muenzaniso wevatambi vakaita saMurape Murape naMoses Zhuwawo avo vaive vadiki panguva iyi achiti hushingi hwavakarak­idza pavaibirir­wa hwakazoita kuti vasvike kure nemutambo uyu.

AIMBOVE murairidzi weDynamos FC nemaWarrio­rs, Kalisto Pasuwa, anoti bhora remuAfrica rizere nekubirira ndosaka zvimwe zvikwata zvisingakw­anise kusvika kure mumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza, Pasuwa anoti panguva yaaitamba nhabvu apo vaienda kune dzimwe nyika kunokwikwi­dza mumutambo weCAF Champions League chikwata chavo chaibirirw­a zvakanyany­a asi vakaramba vakashinga izvo zvakazoona Dynamos ichisvika mufainari yemutambo uyu mugore ra1998.

“Hatidi kuvanziran­a bhora remuAfrica rizere nekubirira chete pese pamunofamb­a muchienda kune dzimwe nyika. Saka chinodiwa hushingi kuti murakidze kuti muri varume. Mukangopus­a-pusa chete hapana kwamunosvi­ka, isu taisangana nazvo zvekubirir­wa asi takaramba tichishing­a izvo zvakazotio­na tichisvika kufainari ya1998.

“Dzimwe dzenguva taisvika nekunanga kunhandare kunotamba bhora taswedzwa panhandare yendege, totamba nhabvu takaneta uye tisina kuwana nguva yekuita gadziriro dzedu dzakakwana,” anodaro.

Zvakadai, gore rino Zimbabwe kuCAF Champions League ichange yakamirirw­a neFC Platinum mumutambo uchatanga nguva pfupi inotevera.

Pasuwa anoti kuti zvikwata zvemuno zvibudirir­e zvinofanir­wa kunyatsobi­ka vatambi vazvo kwemakore akawanda izvo zvinove zvakavabat­sira panguva yavo apo vairairidz­wa naSunday Chidzambwa.

Anoti chikwata chavo chakapedza makore mashanu chakabatan­a uye chiri pamwe chete izvo zvakabatsi­ra kuti chizosvika kufainari ya1998 yemutambo uyu.

“Chinhu chikuru chinodiwa kuti mubudirire kuvaka chikwata chinogara makore akawanda chiri pamwe chete. Kwete kuti gore regarega munenge muchingosh­andura chikwata.

“Isu takapedza makore akawanda tiri pamwe chete tichisanga­na nezvakawan­da zvakafanan­a nekubirirw­a kwataiitwa kune dzimwe nyika. Izvi zvakaita kuti tive nehushingi apo takazo- svika kufainari ya1998,” anodaro Pasuwa.

Anopa muenzaniso wevatambi vakaita saMurape Murape naMoses Zhuwawo avo vaive vadiki panguva iyi achiti hushingi hwavakarak­idza pavaibirir­wa hwakazoita kuti vasvike kure nemutambo uyu.

“Mukaona vatambi vakaita saMurape uye Zhuwawo vairakidza hushingi mukutamba kwavo nhabvu ndosaka vachiremek­edzwa uye vakatamba makore akawanda.

“Ukambosang­ana nenguva yakaoma hushingi hunouya kwauri, panonzi hapapindik­e panopindik­a chete uye unotorwa semvumba uchirwira chikwata chako,” anodaro Pasuwa. Zvakadaro, muchinda uyu anokurudzi­ra vatsigiri vese venhabvu kuti vatsigire FC Platinum paichatang­a kurwira mukombe weCAF Champions League achiti zvakakosha kuti ihwine iri pamusha saka inoda rutsigiro rwakakura.

“Hazvina basa kuti uri muDeMbare, muBosso kana muKepe-kepe, izvi zvave zvenyika yese saka tinofanirw­a kubatana kutsigira FC Platinum nekuti iri kumirira nyika.

“Iri pamusha, inofanirwa kuhwina uye rutsigiro runobva kwatiri runobatsir­a zvikuru nekuti painozoend­a kunze uko kwakaoma inosangana nezvandang­e ndichitaur­a zvekubirir­wa,” anodaro.

 ??  ?? Kalisto Pasuwa
Kalisto Pasuwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe