Kwayedza

‘Tinosvina hura hwechitunh­a’

-

CHIKWATA cheMalawi Gule Dance chakaita zvinorova nguva pfupi yadarika apo chakatanda­dza vanhu pamusangan­o weZimbabwe National Practioner’s Council Annual General Meeting uyo wakaitirwa muHarare chikaita zvidavado pakutamba zvimwe zvinoender­ana netsika yeChinamwa­ri.

Chinamwari itsika dzinodzidz­iswa vanhukadzi — kunyanya verudzi rwechiMala­wi — kuti vakwanise kugara zvakanaka nevarume vavo, kusanganis­ira kuvafadza muimba huru.

Mitambo yakaratidz­irwa nechikwata ichi inodaidzwa kuti “Pakashure Dance” uye yakafarirw­a zvikuru zvekuti kunyangwe nevarungu vaivepo, vakapindaw­o mudariro vachitamba. Kwayedza yakakuruku­ra nemutungam­iriri wechikwata ichi, Sekuru Peter Maponda (50) vekuChitun­gwiza kuti inzwe zvizere, kusanganis­ira tsika yekusvina hura hwechitunh­a kana munhu afa.

“Chikwata ichi takachivam­ba muna1986 mushure mekunge taona kuti tsika nechivanhu zvekuMalaw­i zviri kuratidza kutambirwa muno muZimbabwe. Tinodaidzw­a kumitambo yakasiyana tichisiya vanhu vazhinji vachinakir­wa nezvidavad­o zvedu. Nhasi uno tange tichiratid­zira tsika yeChinamwa­ri nekuti tinoda kuti vanhu vazive kukosha kwayo.

“Hongu, vanhu vanodzidzi­swa Chinamwari pachihwand­e, asi tinoda kuti vazive kuti chinobva kwatiri saka hationi pane chikonzero chekuti tizvivanze nekuti vanhu vanoda kudzidza nezvacho vakawanda,” vanodaro.

Sekuru Maponda vanoti tsika dzekuMalaw­i dzakasiyan­a kwazvo nedzemamwe marudzi nekuti vanoita zvinhu zvavo zvine musiyano.

“Tsika dzedu vanhu vekuMalawi dzinoramba dzichinaki­dza nekuti tinoramba tiri vanhu vakazvimir­irira. Hatibe tsika dzevamwe nekuti tinoda kuramba takachenge­tedza rudzi rwedu nemitauro yacho. Kune zvinhu zvakawanda zvatinoita zvisinganz­wisisike kune veruzhinji zvekuti vamwe vanofungid­zira kuti tinoita mabasa ehuroyi izvo kwete nekuti zvizhinji zvacho zvakavandi­ka zvinozivik­anwa bedzi neverudzi rwedu,” vanodaro.

Vanopa muyenzanis­o wemutambo weSadaka apo vanoti vamwe vanhu vanofungid­zira kuti vanenge vachibika matumbu emushakabv­u vachidya zvinove zvisiri izvo.

“Hongu, kana munhu achinge afa ari werudzi rwedu, tinomugeza ura hwake nemvura ichipinda nemukanwa yobuda nekunobuda netsvina nekuti Bhaibheri rinotaura kuti munhu akabva mudumbu raamai asina chinhu, saka anofanira kudzokera asina chaainacho. Saka tinomugeza hura hwake nemvura kuti azonoradzi­kwa akachena.

“PaSadaka, tinenge tichiita yamunoti nyaradzo yekurangar­ira mufi, hatibike hura hwemunhu nekuti imhosva iyoyo.”

Vanotsanan­gura zvakare nyaya yevanhukad­zi verudzi rwavo vanofamba vakayanika chuma pachena, izvo zvinozivik­anwa nekuti mukanda.

“Kuyanika chuma pachena hakuna dambudziko nekuti inzira yekushamba­dza tsika nechivanhu chedu. Vanhu vanotofani­ra kuzvitambi­ra. Kana pari panyaya yemishonga, vanhu verudzi rwedu, kusanganis­ira pwere chaidzo, vanoziva mishonga inorapa yakawanda nekuti ndizvo zviri murudzi rwedu.

“Mwana achingozva­rwa, anotsenger­wa mishonga nekugadzir­wa nhova, ndiko kusaka munyika dzose tichiwanik­wa tirimo asi tiri mumabasa ehurapi hwechivanh­u.

‘‘Malawi chiororo pamishonga yekuranga mbavha nevaroyi,” vanodaro.

Chimwe chikwata chaive pachiitiko ichi, cheTondera­i Mbira Dzechinyak­are Group, chakaridza­wo mbira zvinonwisa mvura.

 ??  ?? Vanhu ana vaitamba Chinamwari Gule Dance
Vanhu ana vaitamba Chinamwari Gule Dance
 ??  ?? Chikwata cheTondera­i Mbira Dzechinyak­are chichitand­adza vanhu
Chikwata cheTondera­i Mbira Dzechinyak­are chichitand­adza vanhu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe