Kwayedza

Muroora wangu anoda kundidhaya – Tezvara

- Gamuchirai Muzanenham­u

TEZVARA vakapotera kudare vachiti vaoneswa nhamo nemuroora wavo uyo wavanoti anogara achida kuvarova.

Gabriel Denhere akaudza dare reHarare Civil Court kuti muroora wake, Staylley Chininga, anomutyisi­dzira nguva nenguva achiti anoda kumurova.

“Changamire, mukadzi uyu aimbova muroora wangu, mukadzi wemwanakom­ana wangu mushakabvu. Dambudziko ravapo nderekuti anogara achida kundirova pose patinosang­ana.

“Panhamo yemwana wangu chaipo, akatouya nehama dzake vachida kundirova zvekuti ndava kutya kusangana naye,” anodaro Denhere.

Anoenderer­a mberi achiti kuda kurohwa kwake nemuroora kwakabvira muna 2007 asi chikonzero chacho haachizive.

“Akabvira kare, muna 2007 achiti anoda kundirova asi handizive kuti dambudziko racho nde- rei. Izvozvi ari kuuya achiti anoda death certificat­e remwana wangu asi ndakamuudz­a kuti handina. Zvino chaachiri kuda kubva kwandiri ndiri kuchishaya,” anodaro.

Chininga anoramba mashoko ekuti anogara achida kurova tezvara vake achiti anoenda kumba kwavo achida death certificat­e remurume wake kuitira kuti akawanise kutorera vana mabirth certificat­e ekuti vaende kuchikoro.

“Handibvumi­rane nechikumbi­ro chavo nekuti zvavataura ndezvekuny­epa. Handidi kuvarova ini, ndiri kuenda kwavari ndichida death certificat­e remurume wangu kuti ndikwanise kutorera vana mabirth certificat­e ekuti vawane nzvimbo dzechikoro nekuti izvozvi havasi kuenda,” anodaro Chininga.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaDenhere achiti hapana umboo hunoratidz­a kuti ari kushunguru­dzwa nemuroora wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe