Murume nemukadzi zvaburana
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo murume nemudzimai wake vakamisidzana vachida kuti vose vapihwe magwaro edziviriro vachiti vari kushungurudzana.
Pedzisai Chingwaru akamhan’arira murume wake, Moses Chingwaru, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza asi Moses akazomumisawo mudare iri zvakare achidawo gwaro rinomudzivirira.
Pedzisai anoti murume wake anoita basa rekumurova nekumutuka izvo zvakaita kuti abve pamba asi anomutevera achimurova.
“Aisiita basa rekundi- rova nekundituka pamberi pevana zvekuti ndakanga ndava kushaya chimiro ndichibva ndabva pamba. Asi ari kunditevera achida kungondinyadzisa nekundirova sezvaaisiita kare,” anodaro Pedzisai.
Anoti iye ndiye akatanga kutsvaga gwaro redziviriro zvikaita kuti Moses aendewo kudare achidawo rake.
“Ndini ndakatanga kutsvaga gwaro rino uye iye paakazviziva akabva aisawo ake mapepa achiti asaririra uye anoda kundinyadzisa,” anodaro Pedzisai.
Achibvunzwa nedare chikonzero chaari kuda kuchengetedzwa, Moses anoti mudzimai wake haamubikire uye anorasa mbatya dzake panze.
“Haandiwachire, haandibikire uye anorasa hembe dzangu panze, ndizvo zviri kukonzera kutukana mumba medu uye ndosaka asiri kugara neni. Ndiri kuda kuti asauye kubasa kwangu achindikanganisa mashandiro,” anodaro Moses.
Anoenderera mberi achiti mudzimai wake anopopotawo zvakanyanya nekudaro anoda kuti dare rivagadzirise.
“Anopopota zvisingaite mukadzi iyeyu, kuti titaurirane tiri vaviri zvaramba ndokusaka ndauya kuno kuti muzotibatsirewo,” anodaro.
Mutongi Nyasha Marufu akapa Moses nemudzimai wake magwaro edziviriro. MURUME samusha akagunun’una mudare achiti aimbova mudzimai wake ari kumushaisa mufaro sezvo achimutevera kwose kwaanoenda.
Handisan Nicholas akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Memory Kambanje achiti ari kumushungurudza.
“Mambo wangu, amai ava vanondishungurudza. Ini naye takarambana asi anongoramba achiuya kwose kwandinenge ndiri, kana kubasa chaiko.
“Handisisna mufaro, anouya achiita mhirizhonga zvekuti handichashanda zvakanaka uye handidi kuti andifonere kana kunditevera kubhawa nekuti chatova chiname chaicho.
“Nyaya yake ndeyekuti ari kuda vana vari kugara naamai vangu asi handimupe vana ivava, ndinoda kuti asandifonere kana kusvika pedyo neni,” anodaro Nicholas.
Kambanje anoti haapikisane nechikumbiro chaNicholas asi kuti dambudziko riri pakati pavo nderevana.
“Ini handirambe zvaari kuda asi dambudziko riripo nderevana, akati haadi kuti ndimufonere, ko vana vangu ndovaonerepi?
“Izvozvi akatiza nemwana wangu ane mwedzi misere uyo anotoda amai pedyo, saka ndichigara ndichimufonera. Zvakare, anonyepa kuti hatidanane, iye paanondiona tinotoita semurune nemudzimai,” anodaro Kambanje.
Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaNicholas achiti anoda kushandisa gwaro rerunyararo kudzivisa Kambanje kuti asaone vana vake.