Kwayedza

Murume nemukadzi zvaburana

- Gamuchirai Muzanenham­u Lizzy Mushoriwa

VANHU vaive mudare vakakahadz­ika apo murume nemudzimai wake vakamisidz­ana vachida kuti vose vapihwe magwaro edziviriro vachiti vari kushunguru­dzana.

Pedzisai Chingwaru akamhan’arira murume wake, Moses Chingwaru, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza asi Moses akazomumis­awo mudare iri zvakare achidawo gwaro rinomudziv­irira.

Pedzisai anoti murume wake anoita basa rekumurova nekumutuka izvo zvakaita kuti abve pamba asi anomutever­a achimurova.

“Aisiita basa rekundi- rova nekundituk­a pamberi pevana zvekuti ndakanga ndava kushaya chimiro ndichibva ndabva pamba. Asi ari kunditever­a achida kungondiny­adzisa nekundirov­a sezvaaisii­ta kare,” anodaro Pedzisai.

Anoti iye ndiye akatanga kutsvaga gwaro redzivirir­o zvikaita kuti Moses aendewo kudare achidawo rake.

“Ndini ndakatanga kutsvaga gwaro rino uye iye paakazvizi­va akabva aisawo ake mapepa achiti asaririra uye anoda kundinyadz­isa,” anodaro Pedzisai.

Achibvunzw­a nedare chikonzero chaari kuda kuchengete­dzwa, Moses anoti mudzimai wake haamubikir­e uye anorasa mbatya dzake panze.

“Haandiwach­ire, haandibiki­re uye anorasa hembe dzangu panze, ndizvo zviri kukonzera kutukana mumba medu uye ndosaka asiri kugara neni. Ndiri kuda kuti asauye kubasa kwangu achindikan­ganisa mashandiro,” anodaro Moses.

Anoenderer­a mberi achiti mudzimai wake anopopotaw­o zvakanyany­a nekudaro anoda kuti dare rivagadzir­ise.

“Anopopota zvisingait­e mukadzi iyeyu, kuti titauriran­e tiri vaviri zvaramba ndokusaka ndauya kuno kuti muzotibats­irewo,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Moses nemudzimai wake magwaro edziviriro. MURUME samusha akagunun’una mudare achiti aimbova mudzimai wake ari kumushaisa mufaro sezvo achimuteve­ra kwose kwaanoenda.

Handisan Nicholas akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Memory Kambanje achiti ari kumushungu­rudza.

“Mambo wangu, amai ava vanondishu­ngurudza. Ini naye takaramban­a asi anongoramb­a achiuya kwose kwandineng­e ndiri, kana kubasa chaiko.

“Handisisna mufaro, anouya achiita mhirizhong­a zvekuti handichash­anda zvakanaka uye handidi kuti andifonere kana kunditever­a kubhawa nekuti chatova chiname chaicho.

“Nyaya yake ndeyekuti ari kuda vana vari kugara naamai vangu asi handimupe vana ivava, ndinoda kuti asandifone­re kana kusvika pedyo neni,” anodaro Nicholas.

Kambanje anoti haapikisan­e nechikumbi­ro chaNichola­s asi kuti dambudziko riri pakati pavo nderevana.

“Ini handirambe zvaari kuda asi dambudziko riripo nderevana, akati haadi kuti ndimufoner­e, ko vana vangu ndovaonere­pi?

“Izvozvi akatiza nemwana wangu ane mwedzi misere uyo anotoda amai pedyo, saka ndichigara ndichimufo­nera. Zvakare, anonyepa kuti hatidanane, iye paanondion­a tinotoita semurune nemudzimai,” anodaro Kambanje.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaNichola­s achiti anoda kushandisa gwaro rerunyarar­o kudzivisa Kambanje kuti asaone vana vake.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe