Kwayedza

Akatorerwa mukadzi neshamwari

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME akaendesa aimbova mudzimai wake kudare achiti ari kumuonesa ndondo nekumufone­ra pamwe nekumuteve­ra kwose kwaanoenda zvisinei nekuti ndiye akamuramba akazonogar­a neshamwari yake.

Evans Makuwatsin­e akadhonzer­a Tsitsi Hwashaya kuHarare Civil Court achida kuti asamufoner­e nekumuteve­ra kubasa nekumba.

“Uyu aimbova mudzimai wangu asi takaramban­a. Zvino ave kuita basa rekuuya kubasa kwangu kana kumba kwangu achindipop­otera. Ndakamboti pamwe zvichapera asi ndatoona kuti kusawirira­na kwacho kuri kutowedzer­a,” anodaro.

Makuwatsin­e anoti haazive kuti dambudziko raHwashaya nderei nekuti ndiye akamuramba akaenda kunogara neshamwari yake.

“Handizive kuti dambudziko rake nderei, iye ndiye akandiramb­a akati ave kuda shamwari yangu yaari kugara nayo.

“Kana achida kutaura nezvemwana ngaataure nagogo vangu vanondiudz­a kana kuti iye anoudza mukoma wake vouya kuzotaura neni. Handichada hangu kutaura naye zvachose,” anodaro Makuwatsin­e.

Hwashaya anobvumira­na nechikumbi­ro chekuti paite runyararo pakati pavo asi anopikisan­a nenyaya yekuti asataure naye achiti Makuwatsin­e ari kuda kunzvenga nyaya yekuchenge­ta mwana.

“Handina dambudziko nekuti tive nerunyarar­o asi haasi kuda kutaura neni nekuti ari kuda kutiza kuchengeta mwana,” anodaro Hwashaya.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Makuwatsin­e gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe