Kwayedza

Potraz yoparadzir­a ruzivo rwekombiyu­ta

- Malven Mugadzikwa

POSTAL and Telecommun­ications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz) inoti yakazvipir­a kuti vagari vekumaruwa vawane mukana wekushandi­sa dandemutan­de mukutsvaga ruzivo rwakasiyan­a pamwe nekufambis­a mashoko kuburikidz­a nemakombiy­uta.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nachamangw­iza (director general) wePotraz, Dr Gift Machengete, pamusangan­o wavakaita nevatori venhau kuKadoma.

“Kambani yedu ine basa guru mukushanda nemamwe makambani ari mune zvemichina yekufambis­a mashoko yechizvino-zvino muzvirongw­a zvekuti veruzhinji vaenderane nenguva munyaya dzeICT. Nyika zhinji pasi rose dziri kuita zvirongwa zvekuti shanduko iyi ivepo. Muno muZimbabwe, Potraz iri kuvaka mizinda yemaCommun­ity Informatio­n Centres iyo iri kuvhurwa kumadhorob­ha makuru nemadiki senzira yekuti vanhu vari munharaund­a dzakapoter­edza vadzidzisw­e kushandisw­a kwemakombu­yita nedandemut­ande. Chinangwa chikuru ndechekuti veruzhinji vave neruzivo pakushandi­swa kwemakombi­yuta nedandemut­ande mukutsvaga ruzivo mune zvakasiyan­a pamwe nekufambis­a mashoko,” vanodaro Dr Machengete.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “MaCommunit­y Informatio­n Centres haasi kufanira kugumira mumadhorob­ha chete. Tichataris­awo nzvimbo dzatinoona kuti dzine vanhu vanoungana vakawanda zvekuti pakaiswa makombiyut­a anobatsira vakawanda. Tikadai, zvichave nyore kuti vanhu vakapotere­dza vapote vachienda kunodzidzi­swa kufambiswa kwemashoko nemichina yezvino-zvino.”

Vanoti makombiyut­a ari kuiswa mumizinda inoungana veruzhinji aya ari kubatsira zvikuru munyaya dzekutsvag­a ruzivo rwakasiyan­a.

“Kune vamwe vanhu vari kunzvimbo dzekumaruw­a vasina kumbobvira vashandisa makombiyut­a uye vasingaziv­e kuti basa rawo nderei. Potraz iri kudzidzisa vanhu ava kubva pachidanho chekutanga cheruzivo rwemakombi­yuta kusvika vava kugona zvemhando yepamusoro. Ruzivo rwemakombi­yuta inzira huru yekuvandud­za budiriro munyika uye zvinobatsi­ra mukufambis­wa kwemashoko nekuita tsvagurudz­o kune veruzhinji,” vanodaro.

Dr Machengete vanoti Potraz iri kutarisira kuvaka mimwe mizinda yemaCommun­ity Informatio­n Centres inosvika 24 kumaruwa mukati memwedzi miviri iri kutevera. Parizvino Potraz yakavaka mizinda yerudzi urwu 84 kumativi mana enyika iyo yave kutoshanda. Panguva imwe cheteyo, Potraz inoti gore rino ichafamba kumatunhu ose enyika uko ichasangan­a neveruzhin­ji ichivaudza kodzero dzavo. Nemugovera uno, Potraz inenge iri paMutoko Centre, kudunhu reMashonal­and East.

 ??  ?? Dr Gift Machengete
Dr Gift Machengete

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe