Kwayedza

Vasikana vakatsvunh­a

- Muchaneta Chimuka

VANASIKANA vakanyora bvunzo dzeA-Level dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec) dzegore rapera vakapasa nechikamu che89,6% kudarika vanakomana avo vakapasa nechikamu che84,7%.

Izvi zvakazivis­wa muHarare svondo rapera negurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, apo vakarumbid­za vakuru vezvikoro, varairidzi nevana vechikoro nekushanda kwavakaita nesimba zvikaita kuti vabudirire pabvunzo idzi.

“Tinotenda nekubata basa nesimba kwakaitwa nevakuru vezvikoro, varairidzi pamwe chete nevana vechikoro,” vanodaro.

Vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level mumwedzi waMbudzi 2017 vaiva 18 137 uye 17 991 vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo 16 122 vavo vakabuda neGrade A kusvika paE. Vana- sikana vakapasa nechikamu che89,6% kana zvichienza­niswa nevakanyor­a muna2016 avo vakange vaine chikamu che91,6%.

Vanakoma vakanyora bvunzo mumwedzi waMbudzi vaiva 22 256 kana zvichienza­niswa ne22 086 vemuna 2016 uye 18 568 vakapasa zvidzidzo zviviri kana kudarika zvichireva kuti vakapasa nechikamu che84,7%. Mugore ra2016, vanakomana vakanyora bvunzo dzeA-Level vakapasa nechikamu che86,7%.

Prof Mavima vanoti vanofara nekupasa kwakaita vana uye huwandu hwevakanyo­ra bvunzo idzi.

“Kunyangwe zvazvo vanasikana vakanga vari vashoma tichienzan­isa nevakomana, takaona vaine chikamu chepamusor­o pakupasa kudarika vakomana. Zvinodadis­a kana takatarisa nyaya dzekuenzan­iswa kwemikana,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti vadzidzi vakanyora bvunzo dzeZimsec dzegore rapera vose vakapasa nechikamu che82,6% kana zvichienza­niswa ne84,2% ya2016.

“Chikamu ichi chakanaka zvikuru nekuti hatina kunyanya kuderera, asi tinofanira kuramba takashinga kuti tirambe tiri pamberi,” vanodaro.

Vanoti vana vakanyora bvunzo idzi gore rapera vaive 49 494 uye mukati mavo, 48 290 vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo 39 874 vavo vakabuda neGrade A kusvika E. Mugore ra2016, huwandu hwevadzidz­i vakanyora bvunzo mumwedzi waMbudzi hwaive 41 594 uye 40 482 ndivo vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo mukati mavo, 34 081 vakabuda neGrade A kusvika E muzvidzidz­o zviviri kana kudarika.

Prof Mavima vanotaura zvakare pamusoro pevakarema­ra mitezo vakanyora bvunzo dzeA-Level gore rapera vachiti munyika yose vaive 29.

“Pakati pevadzidzi 29 vakaremara avo vakanyora bvunzo idzi, 20 vaishandis­a zvinyorwa zveBraille apo vanomwe vakanga vachishand­isa zvinyorwa zvine mavara mahombe (Enlarged). Vadzidzi ava takavawani­sa zvekushand­isa zvakakwana kuti vakwanise kunyora bvunzo dzavo zvakanaka. Dambudziko guru nderezvidz­idzo zvesainzi zvisati zvaveko kuvadzidzi ava, nokudaro kazhinji kacho vanowanikw­a vachinyora zvidzidzo zvakadai seGeograph­y, Divinity neHistory,” vanodaro.

Pazuva iri, vamwe vana vakabudiri­ra mubvunzo idzi vakapembed­zwa ndokuenda kudzimba nezvitupa zvekugona kwavakaita. Rumbidzai Zhou (18) wekuGokome­re High, kuMasvingo mumwe wevasikana vakapasa apo akabura mapoinzi 24 pabvunzo dzeA-Level uye anoti zvose izvi zvakabva mukushanda nesimba nekukudza Mwari.

 ??  ?? Prof Mavima (kuruboshwe) vaine munyori mukuru kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete Masango (kurudyi) mushure mekutambid­za Rumbidzai Zhou chitupa chake.
Prof Mavima (kuruboshwe) vaine munyori mukuru kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete Masango (kurudyi) mushure mekutambid­za Rumbidzai Zhou chitupa chake.
 ??  ?? Charles Soda
Charles Soda
 ??  ?? Tapiwa Marinda
Tapiwa Marinda
 ??  ?? Rumbidzai Zhou
Rumbidzai Zhou

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe