Kwayedza

Usaite mhosho

- Ticha Danga

TIKAGARA taziva kuti mudura matinoda kuisa mbesa dzatichako­hwa muchaita zvipfukuto tinogara taisa mushonga kuti tichengete­dze goho redu. Tikaita mberengera tinoradza ambuya nenzara uye tinozogomb­erwa mberi apo tinenge toda kuti tichitora mumatura, wanei zvipfukuto zvawaridza bonde karekare.

Tinofanirw­a kubva tangoziva kuti patinogona kubatwa nemusungo ndepapi tobva tagara tagadziris­a kuti dhibhura rigoshaya wekurova. Tikadai tinenge tarigonera dokoriro kuripa sadza negusha.

Mhosho dzandiri kuda kubvanzaur­a imhosho dzinobata pepa repiri rinova rerondedze­ro nenzwisiso. Ndinoda kuti tione kuti kana tichiti tinowana zvibodzwa zvingani parondedze­ro zvinobva papi. Pepa redu iroro rine mwero waro wekuburits­a goho kubva mumuripo wezvibodzw­a makumi maviri (out of 20).

Pane twunhu twunotitan­haurira goho redu zvishoma nezvishoma dzamara tasara padokodoko kudonha. Twunhu itwotwo twunoita setwuduku asi twunosakad­za dura sare angova magufu chete.

Kana vanamazvik­okota vauya, vaya vakwenyi vebasa, vanenge vave kutwuti mhosho huru (gross errors).

Mhosho huru dzacho dzinobvira kune dzatakambo­bata pamashure asi toda kudzibata zvine hudzamu kuti tibva tangwarira.

Mhosho huru yatingatan­ga nayo imhosho yezviperen­go. Chero zvazvo takambobat­a nyaya yezviperen­go muzvikamu zvapfuura, hatina kunge taisvitsa kutsime. Tati tiibate tiine humboo hunobva mutsvaguru­dzo.

Vana vanopfukut­irwa goho ravo nenyaya yezviperen­go kana vasina kuigadziri­sa nguva ichipo. Kugona zviperengo kunobva mukubata mutemo wezviperen­go unoti zviperengo zvinovakwa nekubatani­dza nzvanyira (consonants) nenzvovera (vowels) nemazvo nekuzoburi­tsa nyaudzira.

Iyi dzidzso ndiyo ine midzi yekugona zviperengo nekudaro chero vaya vane dambudziko rekuvereng­a, vakapiwa iyi dzidziso vanenge vatorapwa hosha yaigona kuvapfukut­ira goho ravo

Imwe mhosho huru ndeyekutad­za kuita pfekedzo yakakodzer­a (punctuatio­n). Pfekedzo inobata pakawanda kusanganis­a kushandisa zvimiso nekushandi­sa mavara makuru. Pazvimiso zviripo zvakati wandei zvinoti chindaguma, chifemo, chibvunzo kana chituravhu­nduko. Imwe pfekedzo inopinza nyora dzinoratid­za mazwi chaiwo anyakutaur­a (inverted commas).

Hapana patinotaur­a zvepfekedz­o tichisiya kushandisw­a kwamavara makuru. Zvose izvi zvikasaitw­a namazvo vana vanopera kuchoborer­wa goho ravo. Vana vanoda kupiwa dzidziso yakakodzer­a kuti basa ravo risatsvuki­swa nevakwenyi richizokwe­zva goho dikidiki.

Vana vazhinji havo chero nevamwe vakura havagoni kuita patsanuro nebatanidz­o yamazwi nekudaro vakwenyi vanoona nhamo nekuedza kuratidza kupotsa kunoita vana. Iyi dzidziso inoda nguva ichiripo kuti vana vagopiwa mukana wekudzidzi­ra kupedza iri dambudziko.

Kune magwaro akati wandei anoratidza nzira dzekupedza iri dambudziko. Chimwezve chingabats­ira kupedza iri dambudziko ndechekupa vana zvinyorwa zverondedz­ero zvakawanda nguva nenguva kuti vaite rujairira kwete zvekumbore­ga vachikomba nemhosho wozoda kuzoiti tiringindi. Vanoda kubatanidz­a mazwi asingabata­nidzwi kana kuti vanodimbur­a mazwi asingafani­rwi kudimburwa

Mumhosho dzevana imomo tinosangan­a nenyaya yekunyora nhanganyay­a isingaende­rane nemusoro wenyaya.

Zvinobva zvabvisa kufadzwa kwemukweny­i tisati tamboendep­i zvedu nechinyorw­a. Chero ukachizono­chikurunga sei chamandiri­ri, hazvichaba­tsiri nekuti hamuchafam­bidzani nemukwenyi webasa.

Vamwewo ndivo vanobuda mugwara remusoro wenyaya. Musoro wenyaya uri kuda zvawo iye munhu ari kupfotsoka akananga kwake.

Zvino mutemo unopiwa vakwenyi vebvunzo ndewekuti kubuda mugwara hakuna kana chibodzwa chimwechet­e.

Ugo hwemunyori hunobuda nekugona kutevedzer­a zvimwe zvezvatata­ura pamusoro nekuzoteve­dzera mwero wehurebu hwakatarwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe