Kwayedza

. . . zvachose! ‘Akatorwa nenjuzu kana nevaroyi

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu dzinoti mwana wekunzi akatakurwa nechamupup­uri achitamba nevamwe papurazi reRosyline Pattison, kuBeatrice, haana kufa asi kuti mupenyu uye anogona kunge akatorwa nenjuzu kana kuti nevaroyi kuburikidz­a nemasaramu­si.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (42), vanoti nyaya yemwana uyu inoda kugadziris­wa pachivanhu.

“Nyaya iyi inoda kutungamir­wa nevakuru vanoita chivanhu chinodiwa kunzvimbo iyi izvo tichagara pasi nevakwegur­a nemakuroko­ta angu toona kuti nyaya iyi ingabatwe sei. Inyaya inoshamisa yakaitika mudunhu rangu iyi,” vanodaro Mambo Chihota.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA), vanoti pane chivanhu chikuru chakaitika pakutsakat­ika kwemwana uyu.

“Kazhinji chamupupur­i chinofambi­rana nemabasa enjuzu, mwana uyu anogona kunge akatorwa nenjuzu akanoiswa munzvimbo dzinoyera dzine mvura dzeko. Zvave kuda vakuru venzvimbo iyi vakaita semadzishe kana masvikiro nemhondoro kuti vaende vanoita chivanhu ikoko kuti mwana uyu asazosvika pakufa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti njuzu dzinonyany­a kutakura vanhu kune mhute kana panofamba mhepo yakawanda, zvikuru chamupupur­i.

“Mwana uyu kana kuri kunzi akatorwa nenjuzu, chiratidzo chekuti ane mudzimu mukuru wegombwe uchazoda kubuda paari. Tine vakawanda vaitorwa vachienda pasi pemvura, vozodzoka vave masvikiro makuru,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Elisha Mutanga (63) vachiti mhuri yemwana uyu inofanirwa kukurumidz­a kuita chivanhu kuti asavhiring­idzwe nenjuzu kana dziri idzo dzakamutor­a.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti kutsakatik­a kwemwana uyu kune zvekuita nechivanhu.

“Hatitarise­i nyaya iyi nemaziso akasiyana, sekuti dzinogona kuita njuzu kana varoyi chaivo. Saka vabereki vemwana uyu vanofanirw­a kufamba kuti vazive chaicho chakamutor­a,” vanodaro.

Kuchiti Passmore Chinovava (33) uyo anozivikan­wa saMadzibab­a Prangadai wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe yeNguwo Tsvuku anoti vabereki vemwana uyu vanoda kubatsirwa neminamato kuitira kuti awanikwe.

Makore mashoma adarika, Kwayedza yakaburits­a nyaya yemumwe mwana mucheche wekuGokwe, uyo anonzi akatorwa neshiri nhema, ikaenda naye mudenga denga, pashure ndokuzomun­hedza apo akasvikopa­ikira mumuti. Izvi zvakaitika apo vabereki vemwana uyu vanonzi vaisakura mumunda, iye akarariswa nechepedyo. Iko kuGokwe zvekare, kunonzi kwakamboit­ika mamwe mashura apo vanhu vainge vakaungana paida kutongwa imwe nyaya vakazongoo­na imbwa yaivepo ichitakurw­a neshiri yegondo, VaElisha Mutanga ndokutoend­wa nayo z

 ??  ?? Sekuru Friday Chisa
Sekuru Friday Chisa
 ??  ?? VaGeorge Kandiyero
VaGeorge Kandiyero
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe