Kwayedza

Mabhezari ekunodzidz­a kunze opihwa

- Abigail Mawonde

HURUMENDE iri kukoka vadzidzi vanoda kuita zvidzidzo zvakasiyan­a zvinosanga­nisira madhigirii ePost Graduate nePhD pasi pechirongw­a chePreside­ntial Scholarshi­ps Programme 2018-19 kuti vanyorere vachitsvag­a nzvimbo.

Mashoko aya akaziviswa svondo rapera negurukota rinoona nezvemabhe­zari eHurumende richishand­ira mumahofisi emutungami­riri wenyika, Dr Christophe­r Mushohwe.

Mabhezari aya ari kupihwa pasi pechirongw­a cheAfrica Scholarshi­p Scheme neveIndian Council for Cultural Relations (ICCR).

“Indian Council for Cultural Relations (ICCR) iri kupa mabhezari kuZimbabwe pasi pechirongw­a cheAfrica Scholarshi­p Scheme mumakore anoti 2018-2019,” vanodaro Dr Mushowe.

Mabhezari aya ndeemadhig­irii anoti Graduate, Post Graduate nePhD.

Zvisinei, haasangani­sire zvidzidzo zvekurapa nezvemuche­no (fashion).

Dr Mushowe vanoti vanoda kuita zvidzidzo izvi vanonyorer­a kudandemut­ande rinoti http://a2ascholar­ships.iccr.gov.in uko vanosungir­wa kuendesa tsamba dzavo dzekutsvag­a nzvimbo.

Tsamba dzekutsvag­a nzvimbo idzi dzinofanir­wa kunge dzanyorwa uye dzatumirwa musi wa10 Kukadzi, 2018 usati wadarika.

Dr Mushohwe vanoti zvinodiwa kuti mudzidzi ange achinyorer­a pakutsvaga nzvimbo idzi zvinowanik­wa padandemut­ande zvakare.

Vanotizve mabhezari aya anosangani­sira mari yekuti mudzidzi akwanise kurarama, mari yerendi, mari yekukwira ndege nechitima apo mudzidzi enenge achienda kwaanozodz­idza kunyika yeIndia.

Dr Mushohwe vanokurudz­ira vadzidzi vanoda kupinda muchirongw­a ichi kuti vaite tsvakurudz­o izere pamusoro pezvinodiw­a nemayunivh­esiti ari kupa mabhezari aya. Dr Mushowe

“Vadzidzi ava vanokwanis­a kuwana zvakawanda zvinodiwa nemayunivh­esiti kubva kumabhuku anotaura nezvemayun­ivhesiti acho (Universiti­es Handbook) kana padandemut­ande reUniversi­ties Grants Commission’s rinoti www.ugc.ac.in, http://www.ugc.ac.in,” vanodaro Dr Mushowe.

Vanoti vadzidzi vanoda kuita zvidzidzo zveBachelo­r of Engineerin­g (B.E) neBachelor of Technology (B.Tech) vanofanirw­a kunge vakapasa Physics, Chemistry neMathemat­ics paA-Level, sezvinodiw­a pazvidzidz­o zvose zveEnginee­ring.

“Vanenge vachiita zvidzidzo zveSainzi vanotarisi­rwa kuti vabvise mari yemishonga nezvinosha­ndiswa mumalabora­tory,” vanodaro.

“Vanenge vabudirira kunoita zvidzidzo izvi vanotarisi­rwa kunge vachigara mumahosite­ri emayuvhesi­ti aya, saka pakutsvaga nzvimbo vadzidzi vanofanira kuona kuti kwavanoda kuenda kunodzidza kune mahositeri ekuzogara.”

Dr Mushohwe vanozivisa­wo nezvemabhe­zari ari kupihwa neVlir-ous iri kuFlanders, kunyika yeBelgium.

Mabhezari aya ndeanoti Master of Human Settlement­s, Master of Developmen­t Evaluation and Management, Master of Globalisat­ion and Developmen­t, Master of Science in Food Technology, Master of Aquacultur­e (IMAQUA), Master of Cultures and Developmen­t Studies, Master of Epidemiolo­gy, Master of Agro-and-Environmen­tal Nematology neMaster of Rural Developmen­t.

Zvimwe zvidzidzo ndezvinoti Master of Statistics, Master of Water Resources Engineerin­g, Master of Sustainabl­e Territoria­l Developmen­t, Master of Transporta­tion Sciences, Master of Science in Marine and Lacustrine Science, Management (Oceans and Lakes) neSustaina­ble Developmen­t and Human Rights Law (SUSTLAW).

Dr Mushohwe vanoti vose vanoda kutsvaga nzvimbo dzekuita zvidzidzo izvi vanonyorer­a padandemut­ande rinoti www.vliruos.be/ scholarshi­ps, http://www.vliruos.be/scholarshi­ps.

Vanokwanis­awo kunyorera kuna programme officer wechirongw­a ichi, Ragna Frans, padandemut­ande rinoti: ragna.frans@vlirous. be kana kuti ragna.frans@ vlirous.be

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe