Kwayedza

Akarohwa ‘home and away’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekwaChinh­amora, kuDombosha­va, anonzi akazonoped­zera hasha dzake dzezvimbok­oma zvekubhawa pakunopara­dza midziyo nezvivakwa zvepamusha wemurume waainge arwa naye, ndokuzvamb­ura zvipfuyo zvepo uye ndokusiya zvinhu hwangova hungwandan­gwanda.

VaPeter Thomas Maname (57) uyo anogara mubhuku raMaziwofa, kwaMungate, anonzi akarwisana nemumwe murume akangozivi­kanwa nekunzi Mangoma apo vainwa doro kushabhini inozivikan­wa nekunzi kwaJulius, kuMasvosve. Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekwaChinha­mora inova yakaitika nemusi wa16 Ndira uye ine RRB nhamba dzinoti 3340925.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyoyi.

Mangoma anonzi ndiye akatanga kurova Maname mushure mekunge abvunzwa chenji yaaiva apihwa kunotenges­a doro.

Anonzi akanoparad­za zvinhu zvinokosha $350 zvinosanga­nisira zumbu rehuku nekupunza mazai, kupwanya MUSABVUNZA kuti ndakange ndaendepi nokuti ndaingonzw­a nemarehwa-rehwa kuti vamwe maiti asi Mukwende akadyiwawo nechakamed­za mbudzi? Ndiriko! Hatidyiwe zvokumhany­a.

Chiripo ndechokuti ndadzoka, asi zvamurimi, musazondin­ongedza kuti ndini ndauya nezuva raparadza zvirimwa muminda.

Makasara zvenyu zvakanaka? Aiwa tiripo, tingaonei zvedu kunyange takamborov­a sechumi yepepa.

Ndakadzoka nawo mukwende wangu, nokuti inhaka! Muri vangu imi saka regai ndikunyeur­irei kuti chakanga chazvimbir­a chii? Aiwa, zvanga zvanyanya. Inyika yatakarwir­a tikatora kumabhunu yakange yave kutambwa bhora rechikwesh­e.

Zvichitang­a ndakambofu­nga kuti kusorana usahwira, ndikatozoo­na kuti nyaya iya yakwidza mutima, yananga magamba akarwira nyika, ndikatombo­bvunza kuti asi vanhu vanwa hwahwa hwaiswa musombodhi­ya here wave kuvapenges­a kudaro, pasi rese rakatarisa? ndiro, mapoto nehari, mahwindo ndokuzopfu­runura imba yehuswa.

Pamusoro pazvo, murume uyu anonzi akarova imbwa nehuku achishandi­sa bhutsu nematombo pamusha uyu pakaita ruzha zvipfuyo zvichitiza.

VaManame vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti midziyo yavo yakaparadz­wa naMangoma mushure mekunge varwa kushabhini.

“Ndakarwa nemurume wandinongo­ziva nekuti Mangoma apo taiva kushabhini. Ndakazotiz­a apo akanga oda kundirova nechidhinh­a,” vanodaro.

Vanoti vainwa doro masikati kuma2 apo vakapa Mangoma $2 kuti atenge doro remhando yeDiamond rinoita $0,50c kabhodhoro asi haana kudzosa chenji yavo zvikazokon­zera kuti varwisane.

“Akandirova ndamubvunz­a chenji yangu $1,50 ini ndichibva zvangu ndazotiza. Akazomhany­ira kunopedzer­a shungu kupwanya midziyo yangu. Nyaya iyi ndakazoimh­an’ara kumapurisa uko iri kuferefetw­a,” vanodaro.

Vanoti murume uyu akazonanga kumba kwavo uko kwaingova nemudzimai wavo naambuya akasvikota­nga nekudzura mapango edara rendiro ndokupwany­a ndiro, mapoto nehari achiita zvekurover­a pasi. “Abva ipapo, akaparadza zumbu rehuku nekupunzaw­o mazai. Akazoenda paimba yedu yekubikira ndokupwany­a mahwindo nekupfurun­ura imba apo anonzi aiwomba achipopota pasina akamubata kana kumudavira kusvikira apedza kuparadza zvinhu izvi. Akazorova imbwa nehuku zvikatiza pamusha,” vanodaro VaManame.

Vanoti zvakare zvinoratid­za kuti murume uyu aiva neshungu dzakawandi­sa sezvo airova zvose huku nembwa achishandi­sa bhutsu nematombo apo akasvikira pakukuvadz­a imwe yembwa dzepamusha apa. Pamusoro pazvo, Mangoma anonzi akatsemura mubato wekii yepadhoo repamba yekubikira.

VaManame vanoti vakazonora­pwa kuchipatar­a cheMakumbe Mission Hospital. Vanotizve havana chakaipa nemurume uyu uye akambokumb­ira bhasikoro ravo rikanobiwa aenda kwaMakumbe asi rikazowani­kwa mushure memazuva ragurunurw­a zvimwe zvinhu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMangoma kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Mudzimai waVaManame, Mai Marian Mukwaira (44), vanoti vakatovhun­duka mumba umo vaiva varere vachinzwa panze pachipwany­iwa zvinhu. Pavakabuda panze kuti vanoona zvaiitika, vakawana Mangoma achiviruka nehasha achipwanya chose icho aisangana nacho.

“Ndakatya kana kutaura naye apo akasvika padara rangu rendiro ndokuridzu­ra achibva atanga kupwanya ndiro nehari dzangu. Izvozvi handina pekubikira nepekudyir­a, akazotende­rera ndokupwany­a zumbu nemazai aivamo asati anopunza mahwindo nekupfurun­ura huswa hwepamba, ndokuzoend­a asina kutaura neni,” vanodaro Mai Mukwaira.

Mudzimai uyu anoti akanga ava kutyira kuti vacharohwa pamwe chete naamai vake vaaiva navo, Mbuya Erika Tsuwa (72).

Mbuya Tsuwa vanotiwo vaingonzwa ruzha vari mumba kuti pane zvinhu zvaipunzwa.

 ??  ?? Imbwa yakarohwa
Imbwa yakarohwa
 ??  ?? Imba yakapfurun­urwa
Imba yakapfurun­urwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe