Kwayedza

Hurumende yovandudza madiridzir­o

- Tandayi Motsi

HURUMENDE iri mushishi kuvandudza zvirongwa zvemadirid­ziro munyika yose nechinangw­a chekuti varimi vawane mvura yekushandi­sa inokwanira­na zvichiteve­ra kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze apo dzimwe nguva mvura isiri kunaya zvakaringa­na.

Mashoko aya akataurwa negurukota rebazi rezveminda, kurima nekugarisw­a kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Air Chief Marshall Perence Shiri apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba,

Cde Chinotimba vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumend­e kuitira kuti varimi, zvikuru vekumapura­zi makuru, vange vachiwana mukana wekushandi­sa madiridzir­o.

“Mubvunzo wangu ndewekuti kunze kuri kupisa zvikuru uye mazuva mashoma adarika mvura yakanaya kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Muchabatsi­ra sei varimi vekumapura­zi makuru kuitira kuti vave nemadiridz­iro, zvikuru mukuvakwa kwemadhamu kuitira kuti kana mvura ikanaya iri shoma vanokwanis­a kudiridza zvirimwa zvavo?” vanodaro Cde Chinotimba.

Rtd Air Chief Marshall Shiri vanoti Zimbabwe ine mvura yemumadham­u nemunzizi iyi muzvirongw­a zvemadirid­ziro.

“Sebazi, tiri kuita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuitira kuti tiwane mari tigobatsir­ana nedzimwe nyika mukuvandud­za madiridzir­o agara aripo, zvikuru kumadhamu ayo ange ave nenguva yakareba asiri kushandisw­a nekuda kwekuzara jecha zvichikonz­erwa negukuravh­u. Tiri kuziva dambudziko iri uye tiri kuri gadzirisa.

“Tiri kushanda pamwe chete zvakare nemamwe mapoka ekune dzimwe nyika ayo ari kuti batsira mukupedza dambudziko iri,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Cde Joseph Chinotimba kubatsira zvakanyany­a munyaya dzezvirong­wa zvemadirid­ziro. “Tinoda kuti tishandise
Cde Joseph Chinotimba kubatsira zvakanyany­a munyaya dzezvirong­wa zvemadirid­ziro. “Tinoda kuti tishandise
 ??  ?? Rtd Air Chief Marshall Perence Shiri madhamu nenzizi dzakawanda izvo zvinokwani­sa
Rtd Air Chief Marshall Perence Shiri madhamu nenzizi dzakawanda izvo zvinokwani­sa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe