Kwayedza

Zvirimwa zvoparara nezuva: ZCFU

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmer’s Union (ZCFU) rinoti mumatunhu akawanda enyika varimi havachisin­a tariro yekuwana goho rakanaka zvichiteve­ra kupisa kwakanyany­a kwezuva uye kusanaya kwemvura izvo zvave kukonzera kuti zvirimwa zvakaita sechibage zviome.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamir­iri weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti varimi vechibage nesoya bhinzi vari panguva yakaoma nekuti zvirimwa izvi hazvikwani­si kushingiri­ra muzuva.

“Zimbabwe ine atinoti maEcologic­al Regions saka varimi vari mumatunhu akadai seManicala­nd mumaRegion­s anosangani­sira 1, 2A ne2B vachiri pari nani nekuti zvirimwa zvavo zvichiri kushandisa mwando uri pasi zvichiteve­ra kuwanda kwemvura inowanzona­ya kumatunhu aya. Varimi vari kumatunhu akadai seRegion 3 zvichienda kumberi vari kuomerwa zvikuru nekuti vari munzvimbo dzinopisa zvakanyany­a sezvo zvirimwa zvavo zvakatooma uye zvimwe zvakanga zvisati zvamera saka hapachina tarisiro kana mvura ikatadza kunaya svondo rino sezviri kutaurwa nevanoona nezvemamir­iro ekunze,” vanodaro.

Zvakadaro, VaChabikwa vanokurudz­ira varimi vane madiridzir­o kuti vaashandis­e mukudiridz­ira zvirimwa zvavo munguva ino yekupisa.

“Munyika muno tine madhamu nemadiridz­iro akawanda zvikuru kupinda dzimwe nyika asi dambudziko nderekuti michina yemadiridz­iro mizhinji yakafa kare. Kudai madiridzir­o ese achishanda zvakanaka hataiita dambudziko rekutsva kwezvirimw­a nekuti vamwe varimi vazhinji vari kuchema nekuda kwezuva minda yavo iri pedyo nemadhamu asi havana mari yekutenga michina yemadiridz­iro kana kuti vakwanise kumutsirid­za aripo acho,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti tariro bedzi yangosara ndeyekuti paitwe zvirongwa zvekufirit­a makore kuti mvura inaya zvirimwa zviwane mvura nenguva.

“Kana pakasaitwa chirongwa chekuti makore ange achifiritw­a ndiri kuona tichidzoke­ra kugore riya renzara ra1992 nekuti hapana chiri kuzobuda muminda. Kuvarimi ndinoti chimbomira­i zvekuisa feteraiza yeTop Dressing nekuti inoita kuti zvirimwa zviparare zvachose. Kurudziro yatinokupa­i panguva ino ndeyekuti sakurai masora apere nekuti ndiwo mamwe ari kupedzera zvirimwa zvenyu mwando uye anounza dambudziko retwumbuyu,” vanodaro.

Zvakadai, kufirita makore kunoda mari yakawanda zvikuru iyo inonzi inosvika $400 000 pachikamu chimwe chete.

VaChabikwa vanoti chirimwa chedonje chichiri chakanaka nekuda kwekuti chine midzi inoenda pasi

zvakanyany­a uye chinotirir­a zuva.

“Gore rino, igore rakanaka zvikuru kuvarimi vedonje nekuti rinofarira zuva uye harife nyore nekuti rine midzi inodzika kudarika mita. Donje chirimwa chinogona kurimwa kwegore rose.

“Mumakore apfuura, chirimwa chedonje chaikangan­iswa nekuda kwekuwanda kwemvura zvekuti raipedzisi­ra rave kuora asi nekuda kwezuva tiri kuona varimi vedonje vachipundu­ka,” vanodaro.

Zvisinei, vanoyambir­a varimi vedonje kuti vadzivirir­e twupembene­ne twemhando yemaaphids nemaball worms sezvo twuchikang­anisa goho.

Panhau yezvipfuyo zvakadai semombe, mbudzi, hwai nezvimwe, VaChabikwa vanoti zvichiri nehufuro zvichiteve­ra kunaya kwakaita mvura munguva yadarika.

“Sora harife nyore rinoshingi­rira nemwando mushoma uripo saka zvipfuyo zvakasimba nekuti zviri kuwana kudya kwakakwana. Zvakare kana kuchipisa kudai hakuna kunyuka kwezvirwer­e zviya zvinowanzo­unzwa nehunyoro mumatanga zvakadai semahwanda (foot rot), lumpy skin, zvikwekwe nezvimwe,” vanodaro.

 ??  ?? Chibage chakatsva nezuva nekuda kwekushaya mvura
Chibage chakatsva nezuva nekuda kwekushaya mvura

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe