Kwayedza

Ambuya ‘ginya’ kumukuwash­a

- Lizzy Mushoriwa

MUKUWASHA wekuoneswa moto naambuya vake, avo vaanoti vanomutuki­rira pamwe nekurima kumunda kwake zveginya, akazopoter­a kudare redzimhosv­a achiti zvanyanya.

Robert Matodza akamhan’arira ambuya vake, Lucia Mahachi, kuHarare Civil Court achiti haana rugare nekuda kwehunhu hwavo.

Anoti vanomutuka uye vanotora michero yekumunda kwake vasina kumukumbir­a.

“Mambo wangu, ava vaimbova ambuya vangu asi izvozvi vandishais­a rugare. Tinogara munzvimbo imwe chete asi vanogara vachinditu­ka tikangosan­gana.

“Vanotora michero mumunda mangu vachiti yakadyarwa nevarungu uye vanorima mumunda mangu ini ndisina kuvapa mvumo. Ndinoda kuti vasiyane nehunhu hwavo uhwu nekuti vari kutadzisa kuti pakati pedu pave nerunyarar­o,” anodaro Matodza.

Mahachi anopikisan­a nechikumbi­ro chaMatodza achiti: “Hongu, uyu mukuwasha wangu asi zvaari kutaura manyepo. Ini handimushu­ngurudze, pandakagar­a ini ndakagara zviri pamutemo.

“Ehe, michero ndinotora nekuti haisi yake, yakadyarwa nemurungu aigara papurazi apa saka haandiramb­idze kuitemha. Zvakare, mumunda make ndimo mandinoche­ra mvura saka anoda kuti ndichere kupi mvura?”

Matodza anobva amugamha achiti mumunda make hapana panocherwa mvura.

“Mumunda mangu hamuna kana pekuchera mvura, ngavasade kunyepa,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Matodza gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe