Kwayedza

Zvinotaris­irwa parondedze­ro

- Ticha Danga

KANA ichinge yasvika nguva yekunyora rondedzero, vana ngavadzidz­iswe zvinotever­a nguva dzose zvigare nekupinda mumusoro mavo dakara nekusingap­eri. Ndaona zvakakodze­ra kuti ndisati ndabata mhando dzerondedz­ero, zvakakosha kutanga ndapa nyevero dzinofanir­wa kutevedzwa kuitira kuti mwana agoita sarudzo dzake achinyatso­ziva kwete kungoti chero ndasarudza chekunyora.

Pamisoro mishanu kana mitanhatu inenge yakapiwa, sarudza musoro wenyaya unokufadza uye une pfungwa dzauine ruzivo nawo. Nyatsovere­nga unzwisise zviri kudiwa nemusoro wenyaya. Edza chose kuisa pfungwa pamwe chete kuti ugonyatsot­ondera zvose zvawakambo­nzwa kana kuverenga pamusoro wenyaya iwoyo.

Kana zvichibvir­a, nyora pasi zvose zvinoender­ana nemusoro zviri kupinda mupfungwa dzako kuitira kuti usazozvika­nganwe. Kana uchinge waunganidz­a ruzivo rwako rwakakwana pamusoro wawasarudz­a, chironga pfungwa dzako nenzira iyo unoda kuti ugo hwako hugooneka.

Kana wapedza kuronga pfungwa dzako zvakanaka, chipinda mukunyora rondedzero yako uchiwedzer­a nezvimwe zvinonyuka apo pfungwa dzinenge dzava kugayana. Chinyora zvino uchiisa pfungwa dzako muzvikamu zvinorurud­zana.

Shandisa chiShona chakanaka pasina chirungu kana mumwe mutauro wechizvino­zvino unopfukuta chiShona chako. Rangarira kuti nenhamba chaidzo dzinonyorw­awo muchiShona chaicho. Runyoro rwako ngarwuvewo rwunoveren­geka kwete kunyora zvinosvibi­sa mwoyo wemukwenyi webasa

Kana uchinge wapakata zvombo zviri pamusoro izvi, zvoreva kuti wava kukwanisa kuchiziva mamiriro anofanirwa kuita rondedzero yauchazony­ora. Rangarira kuti rondedzero inonyorwa muzvikamu. Chikamu chega chega chinofanir­wa kuva nepfungwa huru inovarura (topic sentence).

Pfungwa huru iyi yakakosha nekuti ndiyo inowanisa munyori zvimwe zvekunyora apo anenge achifanirw­a kuitsigira. Anofanirwa kutsigira pfungwa huru iyi achishandi­sa zvitsigira­pfungwa huru zvinonzi (developers).

Zvitsigira­pfungwa izvi zvinofanir­a kutaura zvakarerek­era kupfungwa huru kwete kutsaudzir­a. Pekupedzis­ira chikamu chinoda kupenderwa nemhedziso yakarereke­ra kupfungwa huru iya.

Iyo rondedzero yacho inofanirwa kumira yakati nhanganyay­a, kouya mutumbi wayo kozoita mhedziso yacho.

Nhanganyay­a inofanirwa kukwezva mukwenyi mukuda kupinda muchinyorw­a. Inofanirwa kubata pfungwa dzemuveren­gi kuti achinyatso­ti zete achirudunu­rirwa nyaya iyo inenge yatangwa nenhapitap­i yemuronga wemashoko. Nhanganyay­a inofanirwa kunanga musoro wenyaya, ndiko kusaka takati mwana ngaave neruzivo rwakakwana pamusoro waarikutor­a.

Inoda zvakare kunyorwa muchidimbu kwete kuita murabaraba unoodza mwoyo. Ngaive nzwisa yenyaya ichatevera kwete kubva yafoonora zvese zvichabuda mundima uye ngaive neukama nemusoro wenyaya.

Kana wopinda mumutumbi, wava kusesedzan­a nemuvereng­i werondedze­ro uchimupira zvose zvakananga­na nemusoro wenyaya yako. Ndiyo nguva yekuchiita madanha nemutauro nekuti wava kuchifanir­a kutsanangu­dza zvose zvine udzamu. Chiita kuti mukwenyi afare, aseke nokunakidz­wa nerondedze­ro yako iyo inenge yasvika pane pfungwa dzinoseken­yedza.

Ngapachira­tidzwa ugo hwekugona kumanikidz­a munhu kuti arambe achida kuverenga kubudikidz­a nekugona kurunga mutauro zvemhando yepamusoro­soro.

Nyaya yezvirunga mutauro tichaibata kumberi apo tinenge topa mienzaniso.

Kana wapedza mutumbi wochipinda mukupender­a rondedzero yose zvayo nemashoko anonwisa mvura. Mhedziso ngaisava nepfungwa itsva asi kuti ngaichisun­ganidza twose twanga twuri munyaya yose muchidimbu. Unofanira kupeta nyaya yose zvinotapir­a zvekuti muverengi anotura mafemo. Wapendera zvakanaka kudaro, chiverenga chinyorwa chako uchigadzir­isa mhosho usati wachiendes­a kuvakwenyi vebasa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe