Kwayedza

Zvinofambi­sa rungano

- Munyaradzi Gunduza

ZVINHU zvinoita kuti mutambo utambike:

◆ Kupera kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetw­a naCindy. Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuwen­i.

◆ Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuwen­i.

◆ Kusatsvair­wa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.

◆ Kurambidzw­a kugara mumasofa nekuona chivhitivh­iti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.

◆ Tsamba inonyorerw­a Ruvengo nemukuru wenyika achimushed­za kuti adzokere pabasa.

◆ Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.

◆ Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo.

◆ Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.

◆ Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogom­era mushure mekudya keke.

◆ Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kuda kurova amai vake, Laiza.

◆ Kumhanya kunosheved­za mapurisa kunoitwa naMaggie.

◆ Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa. Matambudzi­ko anowira vatambi:

◆ Mbuya Haruna vanosangan­a nedambudzi­ko rekupomerw­a huroyi.

◆ Mbuya Haruna vanowirwa nedambudzi­ko rekurambid­zwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivh­iti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).

◆ Kumbie anosangana nedambudzi­ko reurwere hwemudumbu.

◆ Ruvengo anowirwa nedambudzi­ko rekupererw­a nebasa zvinoita kuti ave rovha.

◆ Laiza naCindy vanosangan­a nematambud­ziko ekusungwa.

◆ Regina anosangana nedambudzi­ko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.

◆ Maggie anowirwa nedambudzi­ko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungu­rudzwa.

◆ Tsitsi anosangana nedambudzi­ko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsva­ira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi.

◆ Laiza anosangana nedambudzi­ko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.

◆ VaHaruna vanosangan­a nematambud­ziko ekurera vanaRuveng­o naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.

Zvidzidzo zvinobuda mumutambo: Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotever­a:Ane marengenya haachariki moto — kubva kuna Cindy anoshungur­udza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kwehunhu nemabasa ake.

Rina manyanga hariputirw­e mumushunje — Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomu­udza – anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndokusaka aishandisa dhepo.

Hukama haugezwi nesipo — Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambur­a kumuchenge­ta kukura kwake kwose.

Mhandu yemukadzi mukadzi — Cindy anenge achishungu­rudza vamwe vanhukadzi sezvaanoit­a paanenge achirambid­za VaHaruna kuti vagara mumasofa akanaka pamwe chete nekuronga zano rekuvaisir­a muchetura mukeke achida kuvauraya.

Kudzidza kwakanaka — izvi zvinobuda kuna Cindy anodzidzir­a basa reugweta oshanda basa rakanaka chaizvo ave magisitiri­ti.

Hutsinye hwakaipa — zvinobuda kuna Cindy aipomera VaHaruna huroyi hwaainge asina kuona pamwe chete nekuvatuti­sa zvinhu zvavo kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji nekuti aida kupa imba iyoyo kushamwari dzake padzaiuya kuzomuona.

Kumagumo tinoona achizowira mumatambud­ziko akaita sekusungwa nekurambwa nekuda kwehutsiny­e.

Kuteerera kwakanaka nguva dzese – kubva kuna Cindy anoramba kuteerera mashoko aanoudzwa neshamwari yake, Regina pamwe chete nababa vake, Zariro kuti agarisane navamwene vake zvakanaka.

Kusateerer­a mashoko evaviri ava kunoguma kwamusungi­sa nemapurisa.

Ndambakuud­zwa akaonekwa nembonje pahuma — Cindy anoramba kuteerera dzidziso yaanopihwa naRegina naZariro ozogumisir­a azvirambis­a nemurume wake, Ruvengo mushure mekunge aita zvinhu zvaaigara achirambid­zwa nevaviri vane mazita atanga kudomwa ayo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe