Kwayedza

KWAYEDZA RONYANYA KUFARIRWA

- Tandayi Motsi

BEPANHAU reKwayedza razviita zvakare sezvo riri panhamba yechipiri pakufarirw­a nevavereng­i munyika yose pamapepa anobuda pasvondo.

Kwayedza riri kuverengwa nechikamu che12% chevaveren­gi venhau muZimbabwe.

Ongororo ichangobva kuitwa yeZimbabwe All Media and Products Survey (ZAMPS) inoratidza kuti Kwayedza riri kufarirwa nevanhu vakawanda zvikuru.

Ongororo iyi inoti pamapepanh­au anobuda pasvondo munyika yose, Kwayedza riri pachinhanh­o chepiri pakuvereng­wa richitever­a The Sunday Mail iro rine vaverengi vanosvika chikamu che25%.

Aka ndekechipi­ri kakatevedz­ana Kwayedza richitever­a The Sunday Mail.

Kwayedza neThe Sunday Mail ose ari pasi pekambani huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpaper­s Group.

Ongororo yeZAMPS inoratidza­zve kuti mapepanhau nenhepfeny­uro zviri pasi peZimpaper­s Group zviri kusimukira zvikuru.

Pamapepanh­au anobuda pasvondo, Kwayedza rinoteverw­a neManica Post (6%), Sunday News (6%) neB-Metro (5%) uye ose mapepa aya ndeeZimpap­ers.

Pamapepanh­au anobuda mazuva ose, ongororo iyi inoti The Herald neChronicl­e – ose ari pasi peZimpaper­s – ndiwo ari pamusoro ayo anoverengw­a nechikamu chakabatan­idzwa che40% munyika yose.

Kunhepfeny­uro, Star FM iri kutungamir­ira mukutererw­a mumaguta nemadhorob­ha nechikamu che45% zvisinei kuti iri pasi peRadio Zimbabwe kana zvave kuenzanisw­a vatereri venyika yose.

Diamond FM iri kwaMutare, iyo iri pasi peZimpaper­s zvakare, iri kutererwa nechikamu che38% munzvimbo iyi.

Chamangwiz­a weZimpaper­s Group, VaPikirayi Deketeke, vanoti zvabuda muongororo yeZAMPS zvinoratid­za pachena hukuru hwekambani yavo mune zvenhau.

“Tiri kuramba takabatiri­ra patiri panguva iyo pasi rose huwandu hwevanhu vanovereng­a mapepanhau huri kuratidza kudzika,” vanodaro.

“Izvi zvinodaro nekuti tinozivika­nwa sefekitori inobika nhau. Tinoburits­a nhau kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a uye izvi ndizvo zvinoita kuti tifarirwe nevavereng­i nevanosham­badza,” vanodaro VaDeketeke.

Vanokoroko­tedza vapepeti vemapepanh­au aya nevashandi vose veZimpaper­s nekusevenz­a nesimba kwavari kuita.

ZAMPS iongororo isina kwayakarer­ekera inotwa nekambani yeTopline Solutions.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe