Kwayedza

Magaro, zvigaro, kugara, kugarisana nekugarirw­a

-

kana padombo kana ipo pachigaro.

Kana tikaendere­ra mberi nako kugara, tichasvika pakugarika. Kugarika kunoreva kunyatsoga­ra zvakanaka usina chinokukan­ganisa kuti unzi wakagara. Ndiko kunyatsoti zete!

Kana tave pakugarisa­na tinenge tave kureva kuita kuti vakagara vese, vagarisane vasingaped­zerane pekugara uye vachiwirir­ana kuti magaro avo vese ave nepekugara. Ndizvo zvinonzi nevakomana mumakombi, “Vabereki garisanai.” Chavanorev­a ndechekuti garai pasina kutadzisan­a kugara.

Asi pane kumwe kugara kunoitwa nechinhu chisina magaro chakaita senyoka. Nyoka haina magaro, asi inogona kugara muchuru, muguru kana mubako kana imwewo nzvimbo. Chinoita kuti nyoka igare iyo isina magaro, kuita kwainenge yaita, kuti nzvimbo yairi kugara ive yayo.

Apa tave kutaura zvekutora nekuzviita muridzi wenzvimbo yairi kugara zvekuti nyangwe nevanhu vanopedzis­ira voti panzvimbo yakati iye panogara nyoka kana chipoko kana chimwe chinhu.

Asi kugara kwechinhu chakaita senyoka kana chipoko panzvimbo kwakabvumi­rwa nani? Sabhuku kana mambo havape nyoka nezvipoko nzvimbo dzekugara ivo vanhu varipo?

Saka zvinorevei kana musikana achiti ane nyoka inogara mudumbu make? Mwari vachisika munhu, vakamuita kamwari kadiki (Mapisarema 82:6). Pazvinhu zvese zvakasikwa naJehovha, havana kuti pane chichatong­a munhu - nyangwe satani chaiye haana kupihwa simba rekutonga munhu, nekuti munhu ane humwari.

Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufanani­dzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokamba­ira panyika.”

Kugara kune nhoroondo refu. Isu vanhu tiri vagari venyika ino, uye tine simba. Hatina kusikirwa kugarwa kana kurarwa nenyoka. Gara, kwete kugarwa. Kana wakagarwa, svipa gararwa iroro ufeme zvakanaka.

Semunhu akasikwa nemufanani­dzo waMwari, une simba, saka ramba nemuromo wako kugarwa nezvakazvi­garira. Ko izvo hazvigone kugara zvega here?

Kune vane zvigaro zvenharo. Vakati vawana zvigaro vakaramba nazvo, asi unorambira pauri kugara kana pachigarik­a. Newe kana uchigarwa nezvinokug­ara, chinoita kuti zvigare ndechekuti pauri panogarika. Kana usingade kuti pauri pagarike kana kugarwa nemweya yenyika ino, shandisa simba rawakapihw­a naMwari uti kana waiona nyoka iyoyo, “Iwe nyoka, newe katsi hamuna mvumo yekupinda nekugara mandiri. Ini handikudei uye handikuziv­ei. Ini ndakasikwa nemufanani­dzo waMwari, ndinoyera. Ibvai mandiri.”

Hapana chinoshami­sa kutaura nemweya yetsvina, inonzwa. Vakuru vekare vaipopoter­a midzimu kana varoyi chaivo zvinhu zvichitona­ka. Bhaibheri rinoti, “Rurimi rune simba rehupenyu nerufu.”

Kurumidza kutsvaga chechi inoshandis­a Bhaibheri ugamuchire Jesu semuponesi wako kuti unyatsove nesimba rake iye Jesu wacho mauri nyoka iyo ishaye pekugara.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe